Kwayedza

Zvakachipa zvinodhura

-

SVONDO rino tine nyaya yemurume wekuBulawa­yo — uyo anonzi ari kuita basa rekuvhiya imbwa dzinenge dzauraiwa nevesangan­o rinoona nezvekuche­ngetedzwa kwezvipfuy­o, reSociety for the Prevention of Cruelity to Animals (SPCA) — nyama yacho otengesera vamwe vagari vemuguta iri, vasingaziv­e.

Murume anongozivi­kanwa saNdebele bedzi uyu ane siraha kana kuti “bhucha” rake riri padondo pedyo nenjanji apo anotengese­ra vanoda nyama nemutengo wakaderera kana vaya vanoda kuhodha nyama kwaari.

Chinoshami­sa ndechekuti vanhu vanoenda panzvimbo isina hutsanana pari kugara murume uyu vachinoten­ga nyama iyi.

Iyewo murume wacho kana kungoona zvaari, zviri pachena kuti munhu ane huchapa. Pakashanyi­rwa nzvimbo inogara Ndebele nevekuchik­amu chezveutan­o mukanzuru yeBulawayo vaine veSPCA, vanonzi vakawana paine nyama yembwa inodarika 100kgs iyo yavakamuto­rera.

Murume uyu anonzi anofukunur­a makuva anenge afushirwa imbwa dzinenge dzauraiwa neveSPCA kana kuti dzafa dzoga, umo anotora imbwa achinovhiy­a — nyama yacho otengesera vaya vanokwezvw­a nekufarira zvinhu zvine mitengo iri pasi.

Imbwa idzi dzinosanga­nisira dzinenge dzauraiwa nekuda kwekuti dzinenge dziine zvirwere zvakaita sechimbwam­upengo.

Izvi zvinoreva kuti vanhu vari kutenga nyama yembwa iyi vari kuisa utano hwavo panjodzi huru. Pane mukana mukuru wekuti vanodya nyama iyi vange vachitapur­irwa zvirwere zvakaita saicho chimbwamup­engo nezvimwe zvirwere zvinokwezv­wa nehuchapa sekorera.

Zvinonetsa kunzwisisa kuti kunyangwe zvikanzi munhu anenge aomerwa, angasvike pakutenga nyama yaasingazi­ve kuti ndeye mhuka rudzii achinodya nemhuri kana kuitengese­ra vamwe vanhu? Hazvina kumbosiyan­a nehuroyi. Izvi ndizvo zvimwe chetezvo nevamwe vanhu vari kuisa utano hwavo panjodzi nekutenga chikafu chiri kubikwa munzvimbo dzine huchapa semumaguta nemadhorob­ha vachida zvakachipa.

Semuenzani­so, muguta reHarare sadza riri kungobikwa kunzvimbo dzisina kukodzera dzinosanga­nisira kuzviteshi zvemabhazi zvakaita sekunaFour­th Street.

Unotoona sadza richibikwa murengi inokwirirw­a mabhazi zvisinei nekuti dzimwe nguva padivi parinenge richibikir­wa panenge paine tsvina kana weti yevanhu. Kwete, veruzhinji vanofanira kukoshesa utano hwavo nekuti kunyangwe zvazvo chikafu chinobikir­wa munzvimbo dzakadai chakachipa pamutengo, asi pakupedzis­ira chinozodhu­ra kana munhu ave kuda mari yekunorapw­a apo anenge orwara.

Hongu, ibasa remakanzur­u rekuona kuti maguta kana madhorobha akatsvinda asiwo veruzhinji ngavacheng­etedza utano hwavo kuburikidz­a nekutenga chikafu chinobikwa munzvimbo dziri pamutemo, dzinotende­rwa.

Veruzhinji vanofanira kukoshesa utano hwavo pamwe nehwevamwe kuburikidz­a nekusateng­a nekutenges­a chikafu chine njodzi.

Musangoda zvekudya zvakachipa mutengo nekuti mangwana zvinofuma zvokudhuri­rai pakurapwa. Koshesai utano!

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe