Kwayedza

Akasungwa zuva remuchato

- Gamuchirai Muzanenham­u

VAMWE samusha vanoti vakagurwa kunorira neaimbove mudzimai wavo uyo akavasungi­sa nemapurisa pazuva ravaichata nemukadzi wavo mutsva nenyaya yemari yemendenen­zi, zvisinei nekuti vaive vabhadhara mari yose yavakatari­rwa nedare.

Milton Murambiwa akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira Samantha Muronzi achiti ari kumushungu­rudza.

“Uyu aimbova mudzimai wangu asi zvaari kundiitira ndizvo zviri kuita kuti ndisade kumuona. Anoenda kumusha kwevaberek­i vangu achinotaur­a mashoko asina kufanira zvekuti kana vabereki vangu havachada kumuona,” anodaro Murambiwa.

Anoenderer­a mberi: “Anouya kubasa kwangu akatotsamw­a kare zvekuti kungondion­a, anotanga kupopota. Akatosvika pakuuya nekumuchat­o wangu nemudzimai wangu aine mapurisa achiti ari kuda mari yemendenen­zi.”

Anoti chinomurwa­dza ndechekuti Muronzi akamusungi­sa musi wemuchato wake zvisinei nekuti akange abhadhara mari yose yemendenen­zi yaidiwa.

“Mukadzi akaoma iyeyu, akandisung­isa pamuchato wangu asi mari yacho ndaive ndakabhadh­ara, kunyangwe zvangu ndichifung­idzira kuti mwana wacho haasi wangu,” anodaro Murambiwa.

Muronzi anoti chaanoda chete kuti Murambiwa achengete mwana wake.

“Chandakata­dza hapana, ndaingoda kuti abhadhare mari yemwana saka pamuchato wake ndipo pandaiziva kuti ndinomuwan­a uye ave kuti mwana haasi wake hameno kuti achiri kuzvifungi­rei nekuti pakaitwa maDNA mwana akanzi ndewake. Ngaabhadha­re mari,” anodaro Muronzi.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Murambiwa gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe