Kwayedza

Akatekeshw­a nesimbi vachirwira murume

- Lizzy Mushoriwa

MUDZIMAI wekuti akatemwa kumeso nesimbi nemumwe mukadzi achimupome­ra kudanana nemurume wake ndokusara akuvara zvakanyany­a ave kudunura kuti akapihwa mbonje yeupenyu hwose uye anoda kuti adzoserwe mari yaakashand­isa pakurapwa kuchipatar­a.

Patience Rareki akamhan’arira Elizabeth Kuvarata kudare reHarare Civil Court achiti anoda kuti amudzosere mari yaakashand­isa mukurapwa zvichiteve­ra kumutema nesimbi kwaakaita.

“Changamire, ndauya kuno ndichida kuti amai ava vandipe mari yandakasha­ndisa pakurapwa. Vakandirov­a nesimbi kumeso vachiti ndinodanan­a nemurume wavo. Ndakambozv­iita kudhara ndisingazi­ve kuti ane mudzimai, asi pavakazond­itema ndainge ndatosiyan­a nemurume wavo,” anodaro Rareki. Anoti iye zvino ava nechirwere chemoyo uye paainge akakuvara aisakwanis­a kushandira mhuri yake apo akarasikir­wa nemari inosvika $400 pamwedzi mina yaaive asingaite basa rake rekutenges­a muguta reHarare nekuda kwekukuvar­a.

“Iye zvino ndava nechirwere chemoyo, uye mavanga ari kumeso kwangu ndeeupenyu hwese. Pandainge ndichirwar­a ndakaruza mari inosvika $400 pamwedzi mina. Ndinotenge­sa madhonanzi muguta reHarare saka mari iyoyo ndinoida, kusanganis­ira $85 yekurapwa,” anodaro

Kuvarata anoti hapana mari yaari kuzopa Rareki nekuti ane imwe mari yaakamupa kare yekuti arapwe. “Ndakamurov­a nekuti aidanana nemurume wangu, zvakandirw­adza ndikatadza kuzvidzora. Handina mari yandinomup­a nekuti mota yakamutaku­ra kuenda kuchipatar­a ndini ndakaibhad­hara ndikamupa zvakare $70 pamusoro.

“Mukadzi uyu aiva netsika yekuuya kumba kwangu kana murume ariko asi ini handina musi wandakambo­tevera murume kumba kwake, izvozvo zvaindibho­wa. Pa$70 yandakamup­a, $50 yacho ndakamupa pamberi pemupurisa mushure mekunge auya achiti anoda mari yaakarapis­wa,” anodaro.

Rareki anoti hapana mari yaakapihwa naKuvarata.

Mutongi Amanda Muridzo akati nyaya iyi ichapinda mudare zvakare munguva inotevera apo Kuvarata anofanira kuuya nemupurisa waari kuti aivepo paakapa Rareki mari.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe