Kwayedza

AKAREMARA ADZVOKORWA NEKATSI

- Kingstone Mapupu

MURUME wechidiki anogara kuNorton anoti akasara aremara mitezo yemuviri wake mushure mekunge avingwa nezikatsi dema husiku, iro rakangosvi­kodzvokora­na naye ndokuchema apo rainge rakawetsur­a maziso.

Temptation Chiwanza ( 32) wepanhamba K1289 Katanga haachagone kufamba zvekuti nguva zhinji anodya zvose nekuzvibat­sira arere.

Anoti akasangana nejambwa iri mugore ra2015 apo akavingwa nekatsi yakangosvi­kotarisana naye, ikachema ichibva yazosvetuk­a kubuda mumba maaive nepahwindo asi raiva rakavhurik­a.

“Kana ndichitaur­a vanhu vanofunga kuti kutamba, ndakangoer­ekana zikatsi dema rapinda mumba mangu mandinorar­a ndokubva ratanga kuchema rakaburits­a maziziso, pashure richibva rasvetuka nepahwindo. Ndipo pandakabva ndanzwa kutanga kupiswa zvikuru ndichipera simba, ndichiona zvemadzeng­erere. Ndakazongo­kotsira kwenguva refu.

“Pandakazos­vinura, ndakatadza kufamba kana kumuka,” anodaro Chiwanza.

Murume uyu – uyo asati aroora – anoti katsi iyi yakaonekwa nevamwe vanhu vaiva pachivanze nemune dzimwe dzimba umo munodarikw­a namo kunopinda muimba yake.

“Vanhu vaiva panze pemba yedu vanoti vakaona katsi iyi ichipinda pagedhi pedu ichinzi yaisanduka ruvara. Izvi zvakaita kuti vanhu vatize, kusanganis­ira sisi vangu.”

Kubva ipapo, anodaro Chiwanza, akambotaku­rwa kuendeswa kuzvipatar­a achifungid­zirwa kuti ane dambudziko rekuoma mitezo (stroke) izvo anoti zvakawanik­wa zvisirizvo.

“Mari yakapera ndichiende­swa kuzvipatar­a asi hapana chirwere chakawanik­wa. Kwatinofam­ba zvinonzi haisi katsi yandakaona, asi kuti zvidhoma,” anodaro Chiwanza.

Murume uyu anogara nehanzvadz­i yake, Violet Mabwe (45), uyo waanoti ndiye anomubatsi­ra pane zvose.

“Hanzvadzi yangu ndiyo zvose, dai pasina iye ndingadai ndakafa. Changu ndinongokw­anisa kufamba nemadziro kunogeza nekuenda muchimbuzi, ndodzoka ndorara.

“Ndangomiri­ra kufa, dai maporofita nen’anga dzinogona vandibatsi­rawo ndirarame,” anodaro Chiwanza.

Mabwe anotsinhir­a hurwere hwehanzvad­zi yake achiti vane fungidziro yekuti aya mabasa evaroyi.

“Hurema uhwu hwakatanga aona katsi mumba make. Isu sevana vadiki, sezvo amai nababa vakashaika, takamuende­sa kuchipatar­a tichiti asituroka. Asi hapana denda rakaonekwa kusvika nhasi. Apa mari yapera uye hapana anoshanda. Ini ndinowana kamari kepenjeni kubva kwaimbosha­nda murume wangu akashaika, Isiah Makuzha,” anodaro.

Mudzimai uyu anogarawo nechikomba chake, Godfrey Gumbeze, pamba pavo ichowo chisingaen­de kubasa.

Chiwanza anobva kuBocha, kwaMutare uye anoti haana kwekucheuk­ira sezvo baba vake, VaKennedy Chiwanza, vakashaika mugore ra1992 uyewo amai vake Jubilee Mary Masvosvera ndokuzosha­ikawo muna 1996.

Murume uyu akaberekwa mumhuri ine vana vatanhatu.

“Handina hama dzababa dzandinozi­va, izvozvi ndinogara nasisi vamwe vakaenda kunoshandi­ra kunze kwenyika. Hama dzaamai hapana zvavanogon­a kuita. Dambudziko rangu kuroiwa, imba yatinogara iyi yakatengwa naamai vasati vashaika nemari yepenjeni,” anodaro Chiwanza.

Anoti aimboshand­isa madhondoro pakufamba asi haachakwan­isa sezvo muviri wake usisina simba.

“Ndinodawo wiricheya nezvimwe zvekusimbi­sa miviri. Rimwe dambudziko, ndinogona kupedza mwedzi ndisina kubuda kunze ndichiona zvinhu zvinotyisa mumaziso angu,” anodaro Chiwanza.

Anokumbira rubatsiro rwezvekudy­a, magumbeze, zvekupfeka, sipo nezvimwe.

“Mumwe anombondip­awo mari ndisisi vangu vari kuSouth Africa, Doreen Mabwe namukoma Charles Nzuzu. Mukuru mudzinza ranababa nditete Mai Munyaradzi vari kwaMutare avo vanogara vachiti ndiuyeko asi dambudziko handigone kufamba,” anodaro.

◆ Kune vanoda kubatsira murume uyu vanogona kuridzira nhare dzinoti 0738 567 529 kana 0784 224 055.

 ??  ?? Pamba pana Temptation Chiwanza Katsi
Pamba pana Temptation Chiwanza Katsi
 ??  ?? Hwindo rakabuda nekatsi
Hwindo rakabuda nekatsi
 ??  ?? Temptation Chiwanza
Temptation Chiwanza
 ??  ?? Violet Mabwe
Violet Mabwe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe