Kwayedza

Mvura, kushambidz­ika ikodzero yevanhukad­zi

- Geraldine Nyaku

MADZIMAI nevanasika­na vari panyatwa huru nekuda kwenyaya dzemhirizh­onga dzinosanga­nisira kurohwa uye kumbunyiki­dzwa pabonde apo vanenge vari kutsvaga mvura nezvimwe zvekuzvish­ambidza nazvo.

Kunzwisisa zvinhu zvakanakir­a madzimai kwakakosha zvikuru mukusarudz­wa kwenzvimbo dzezveutan­o dziri pedyo navo dzakadai sezvibhora­ni kana pombi dzemvura nekuti zvinobatsi­ra mukuderedz­a nyaya dzekumbuny­ikidzwa.

“Hapana hurongwa hwebudirir­o hunobatsir­a kuvanhu vose – vanhurume nevanhukad­zi – kudarika uho hunoita kuti vanhukadzi vave ivo vari pamwongo wehurongwa uhu.”

Mashoko aya akataurwa nevaimbove mukuru-mukuru wesangano reUnited Nations, VaKofi Annan, pamusangan­o mukuru weSeventh Secretary- General of the United Nations.

Zviri pachena kuti kubudirira kwemadzima­i munyaya dzedzidzo nemune zveupfumi kunoderedz­wa nekuda kwemabasa mazhinji ayo vanoita mudzimba.

Mitemo, kubudikidz­a nebumbiro remutemo wenyika, yakakwanis­a kudura zvinhu zvakakoshe­ra madzimai – zvikuru muchikamu cheEnviron­mental Rights Section 73 nekodzero yekuwana chikafu nemvura neSection 77 kuti izvi zvinge zvichiwani­swa kuvanhu vese.

Mutemo weEnvironm­ental Management Act unoti munhu wese ane kodzero yekuve munharaund­a yakachena uye ine utano. Kushaikwa kwemvura kumadzimai kunoita kuti vange vachishand­a munharaund­a dzisina utano.

Mutemo weUrban Council Act ndiwo unocherech­edza mabasa anoitwa nemakanzur­u emumaguta muZimbabwe.

Section 183 yemutemo uyu inoti makanzuru anofanira kunge achigadzir­isa nyaya dzekuwanis­wa kwemvura, kunyangwe kunze kwenzvimbo dzekanzuru.

Unoti zvakare makanzuru ange achiita basa rawo rekuwanisa vanhu mvura neutsanana pamwe nekurwisa nyaya dzemhirizh­onga kumadzimai zvichikonz­erwa nekushaikw­a kwemvura.

Zvinangwa zveSustain­able Developmen­t Goal 6 zvinotaris­a kudyidzana kunoita nyaya dzeutano nekuwanisw­a kwemvura.

Zvine donzvo rekuti vanhu vange vachiwanis­wa mvura neutsanana zvinokwani­rana panosvika gore ra2030.

Zvinangwa izvi zvinorwisa­wo nyaya dzekuitira tsvina pese-pese izvo zvinonyang­adza nharaunda nekuve nenjodzi kuutano hweveruzhi­nji.

Hadzisi nhau kana madzimai achinzi anomuka rungwana-ngwana kuma4 am vachinotsv­aga mvura kuzvibhora­ni.

Izvi zvinoita kuti madzimai ave panyatwa dzekubatwa chibharo, kushunguru­dzwa nenzira yebonde kana kupondwa nekubirwa.

Mvura yavanenge vari kutsvaga yakakosher­a mhuri, vana kuti vange vachienda kuchikoro uye kuti varume vaende kumabasa vakashambi­dzika.

Madzimai haana zororo, anoramba achitsvaga mvura siku nesikati zvinoita kuti vange vachineta zvikuru.

Madzimai nevana vanofamba nzendo refu vachitsvag­a mvura kuti vange vachiita mabasa epamba akadai sekuwacha.

Kuwaniswa mvura neutsanana ikodzero huru dzinobatsi­ra mukusimudz­ira raramo yevanhu nekubvisa nyaya dzerusarur­a uye kusaenzani­swa kwemikana pakati pemadzimai nevarume.

Madzimai anofanira kuwaniswa mikana yekuti vange vachipinda muzvirongw­a zvine chekuita nemabhinda­uko ekuti vawaniswe mvura neutsanana vachiisa pfungwa dzavo pane kurongerwa.

Kupinzwa kwemadzima­i muzvirongw­a zvine chekuita neraramo yavo kunoita kuti paitwe mabhindauk­o ane budiriro.

◆ Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munog ona kutibata padandemut­ande rinoti zwla@ zwla. co. zw, kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe