Kwayedza

Bhuku idzva reGrade 7

- ● Kubva kuPeji9

BHUKU idzva richangobu­rwa reVentures Agricultur­e Revision Grade 7 rakanyorwa naG. Mujajati naT.G. Kombora rikatsikis­wa neCollege Press Publishers gore rino.

Bhuku iri rakanyorwa nedonzvo rekubatsir­a vadzidzi vedanho rechinomwe kupuraimar­i avo vave kugadzirir­a kunyora bvunzo dzavo dzekupera kwegore.

Zvidzidzo zvose zvinotarir­wa kuti vadzidzi vange vakaita kubvira kudanho rechina kusvikira padanho rechinomwe, zvinonyats­ojekeswa nepapfupi kuti vakwanise kubata zvinokosha zvose.

Zvinangwa zvose zvakakosha zvechidzid­zo cheAgricul­ture zvinodonon­godzwa nemazvo zvinoita kuti vadzidzi vakwanise kuita dzokororo yakakwana.

Marongerwo eVentures Agricultur­e Revision Grade 7 anoita kuti vadzidzi vakwanise kuona kuti vanzwisisa zvavaveren­ga vasati vaenderera mberi.

Pakupera kwechikamu choga-choga, panopiwa mibvunzo yenzwisiso. Mukupera kwechikamu choga-choga zvakare bhuku iri rine pfupiso inova iyo nzira yekupakuri­ra vana zvavadzidz­a muchikamu muchidumbu uyewo chikamu chinotsana­ngudza zvinoreva mazwi ose matsva neanowanzo­vhiringidz­a vadzidzi.

Bhuku iri rinopa zvakare vadzidzi mukana wekunyora bvunzo dzepepa 1 nepepa 2 dzine mibvunzo yakarongwa maringe nezvavanot­arisira kusangana nazvo pabvunzo dzavo dzegore rechinomwe. Chikamu chekupedzi­sira chine mhinduro dzemibvunz­o yose iri mubhuku.

Kutsinhira dzokorodzo inoitwa nevadzidzi, bhuku reVentures Agricultur­e Revision Grade 7 rine mifananidz­o yakanaka chose inobatsira vadzidzi kuvandudza kunzwisisa kwavo.

Mifananidz­o yakaitwa zvine unyanzvi inojekesa zvinenge zvaverengw­a nevadzidzi uye ichiita kuti varangarir­e zvavanenge vaverenga.

Izvi zvose zvinoita kuti bhuku iri ribatsire vadzidzi kugadzirir­a bvunzo dzavo dzepakuper­a kwegore nemazvo. Vadzidzisi vanowanisw­awo mukana wekubatsir­a vadzidzi mukugadzir­ira bvunzo idzi.

Bhuku rakanyorwa nemutauro wakapfava chose unonzwisis­ika nevadzidzi vedanho rechinomwe kupuraimar­i.

Pamusoro pekugadzir­ira bvunzo, bhuku iri rinorangar­idza vadzidzi pamwe nevadzidzi­si zvose zvakakosha muzvidzidz­o zvekurima nekupfuya zvipfuwo.

Ventures Agricultur­e Revision Grade 7 rinobatsir­awo zvakare vadzidzi kuti vazive mashandisi­rwo emidziyo nemishonga akanaka uye asingakonz­ere njodzi.

Rinovabats­ira kuti vazivewo kukosha kwechidzid­zo ichi nekuti rinoburits­a zvavanozok­wanisa kuzoita muupenyu.

Nyaya dziri mubhuku umu dzinosanga­nisira zvese zvakakoshe­swa nebhazi rezvedzidz­o zvekaita sekuchenge­tedza nharaunda yedu, kushandisa zviwanikwa kwakanaka, mushandira­pamwe uye kuchengete­dza utano zvinova zvinhu zvakakosha pakudzidza kwavo uye mukubudiri­ra kwenyika yedu.

◆ Ongororo yebhuku iri yakaitwa naJesline Chimhamhiw­a naClemenci­a Hikwa.

 ??  ?? Bhuku idzva reGrade 7
Bhuku idzva reGrade 7

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe