Kwayedza

Maitiro aPondai

- Munyaradzi Gunduza

9. NDEAPI matanho mashanu anotorwa naPondai pakupamba umambo hwaMambo Chakainges­u muna Museve Usingapots­e? Tsigira mhinduro yako uchiratidz­a kuti danho rega rega rinomubats­ira sei. [25]

Danho rekutanga rinoshandi­swa naPondai kunyepa. Rinoonekwa paanonyepe­ra Mambo Mupambi kuti Mambo Chakainges­u vakanga vapamba umambo hwababa vake asi ari iye aitoda kubvuta umambo husiri hwake. Izvi zvakaita kuti Mambo Mupambi vazomupa tsori dzavo dzehondo, Marizani naKunjerek­unjere vaakadzoke­ra navo kumusha kuti vanosora dunhu raMambo Chakainges­u.

Pondai anotora danho rekutsvaga hondo yaizomubat­sira kurwa. Izvi zvinoonekw­a paanosvika achidonher­a pamakumbo paMambo Mupambi. Akanga apoterako nekuti aida kupiwa rubatsiro rwemauto ekurwisa Mambo Chakainges­u kuti agovapamba umambo hwavo. Hondo iyi yakazomuba­tsira kuti akwanise kuuraya Mambo Chakainges­u pavakanga vava kurwisana nemauto aMambo Mupambi.

Imwe nzira inoshandis­wa naPondai kufurira Tafirenyik­a mwanakoman­a wake kuti auraye Karinge.

Tinozviona paanomuudz­a asati aenda kusango kunovhima nevamwe vakomana achimuti azouraya Karinge mwanakoman­a waMambo Chakainges­u nemuseve nekuti aida kubvuta umambo hwababa vake. Izvi zvinomubat­sira kuti azowana chipomero chekuda kuuraisa Karinge achiti akanga auraya mwana wake.

Rimwe danho rinoshandi­swa naPondai kuuraya Mambo Chakainges­u. Danho iri rinobuda paanovabay­a pabendeket­e nemuseve vari pakati pekurwisa hondo yaMambo Mupambi, ndokuzovap­edzisa nemimwe gumi vachibva vafa. Zvinomubat­sira kuti asare achipamba umambo nemadzimai aMambo Chakainges­u mushure mekunge atanga kugara pachisuwi.

Danho rekupedzis­ira rinotorwa naPondai kukanda chitunha chaMambo Chakainges­u mudziva. Izvi zvinoonekw­a paanochita­kura aina Tapera ndokuchisu­ngirira matombo vachibva vachikanda mudziva. Izvi zvakamubat­sira kuti pasaitwe chivanhu chaizogona kumubatisa nanagodobo­ri kuti ainge auraya mambo ouraiwawo.

10. Ndezvipi zvinoitwa nevatambi vanotevera zvinoita kuti rungano rwuri muna Museve Usingapots­e rwufambire mberi? (a) Pondai, (b) Mambo Mupambi, (c) Tapera, (d) VaMatose, (e) Chivhere [25]

Zivai kuti mazita evatambi anokwanisa kushandurw­a pachiiswa mamwe.

(a) Pondai aiva jinda guru raMambo Chakainges­u

Anopotera kwaMambo Mupambi asina kuoneka VaMasarira­nhamo, mudzimai wake. Izvi zvinoita kuti VaMasarira­nhamo vasare vachinetse­ka nekusadzok­a kumba kwake ndokuzoudz­awo Mambo Chakainges­u vanozonozv­ibvunzira kun’anga. Anokumbira Mambo Mupambi kuti vamubatsir­e nemauto ekurwisa Mambo Chakainges­u.

Izvi zvinokonze­ra rufu rwaMambo Chakainges­u nevamwewo vaisangani­sa makurukota avo, Nyahwedekw­e uye kupambirwa mombe zana nevanasika­na vavo naMambo Mupambi.

(b) Mambo Mupambi vaiva shamwari yaMambo Chikwirand­aombera

Vanopa Pondai tsori dzekuenda nadzo kunosora dunhu raMambo Chakainges­u. Izvi zvinoita kuti Kunjerekun­jere azorumwa nenyoka ndokufa vari munzira kudzokera kumusha kwavo kwaMambo Mupambi vachibva kunosora dunhu raMambo Chakainges­u. Vanobatsir­a Pondai kurwisa nekuuraya Mambo Chakainges­u zvakakonze­ra kuti azovapa mombe zana nemhandara gumi dzaisangan­isa hanzvadzi dzaKaringe.

(c) Tapera aiva jinda guru raMambo Chikwirand­aombera

Anoranduts­ira Mambo Chikwirand­aombera kuti vasarambe vachirova Karinge. Ndizvo zvinoita kuti Karinge azosungwa mbiradzako­ndo nemadandad­zi padanda raive nemasvosve naPondai. Anorarisa paakanga akachenget­a Karinge neshamwari dzake vaive muimba yevasungwa vaMambo Chikwirand­aombera. Izvi zvinoita kuti Karinge neshamwari dzake vatize vachinopot­era kwaMambo Tineshungu uye atizewo achizopote­ra kwaMambo Mushoshoma ave kutya kuuraiwa naMambo Chikwirand­aombera.

(d) VaMatose vaiva hanzvadzi yaMambo Chakainges­u

Vanodzidzi­sa muzukuru wavo, Karinge kudeketera midzimu yedzinza ravo. Izvi zvinoita kuti asazonetse­ka kusuma midzimu yavo paaida kurwisa Pondai akanga apamba umambo hwavo. Vanochenge­ta Karinge neshamwari dzake kwemazuva mashanu vabva kunopotera kwaMambo Tineshungu zvinoita kuti vakwanise kupota vachiongor­ora shanduko dzese dzaive dzaitwa naPondai mudunhu ravo, vasati vatanga kumurwisa.

(e) Chivhere aiva mukuru wemauto aMambo Tineshungu

Anokanda Karinge muchidziva chaive negarwe, zvinoita kuti Karinge azouraya garwe raMambo Tineshungu mushure mekunge arwisana naro zvakaomara­ra. Anorambidz­a Karinge kuti apinde mumuzinda waMambo

Tineshungu kuti anotora hanzvadzi dzake dzavaive vatapa. Izvi zvinoita kuti Karinge azoronga hondo yekurwisa Mambo Tineshungu nekuvapara­dza ndokutora hanzvadzi dzake.

 ??  ?? Munyaradzi Gunduza
Munyaradzi Gunduza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe