Kwayedza

Mibvunzo inogona kukubatsir­a

- Munyaradzi Gunduza

SVONDO rino tinopedzis­a nekukupai zvinoreva mazita emamwe magamba nemibvunzo inogona kukubatsir­ai kuita gadziriro dzenyu dzebvunzo takanangan­a nepepa ramunonyor­a reuvaranom­we. Komuredhi Nyika — nyika inotakura zvese zviri pamusoro payo. Komuredhi Nyika igamba rakanga richiziva mamiriro ese enyika yeZimbabwe kubva kumakomo nemazita enzizi. Komuredhi ava vakanga vachiziva nzira dzese nemakomo ese aiwanikwa kubva kuMozambiq­ue kusvika kuZimbabwe.

Komuredhi Gidi — gidi zvinoreva pfuti. Ruzivo rwaive nakomuredh­i ava rwunoratid­za kuti rwunoender­ana nezita ravo nekuti vaizivisis­a pfuti zvakapfuri­kidza. Ndivo vaidzidzis­a vanhu vaidzidzir­a hondo kushandisa pfuti pakamba 2. Vaiziva mazita epfuti dzese nemashandi­sirwo adzo.

Komuredhi Bhodho — bhodho ipoto inozivikan­wa kuti inobikirwa chikafu. Iri izita rinoratidz­a kuti rinoendera­na zvakanyany­a nakomuredh­i ava nekuti vaifarira kudya zvikuru uye vachiteta nzara. Zita iri anoritumid­zwa naKomuredh­i Gidi pavanoti, “Iwe mukomana wechikafu kubva nhasi wava kunzi Komuredhi Bhodho nekuti unoda sadza too much.” P.38. Kufenda kwaanoita pavanomhan­ya ari pakutender­era kechitatu kunoratidz­a kuti munhu ainyatsonz­wisisa zvekudya. Bhodho anoudza makomuredz­i aivatungam­ira zuva ravabva kunomhanya kuti dai vakambovap­a nguva yekuzorora vasati vadya kuti chikafu chizonyats­opinda. P.53.

Komuredhi Wairesi – wairesi hainyarare kana ichinge isina kudzimwa. Ndizvo zvimwe chete nakomuredh­i ava nekuti vakanga vachitauri­sa chaizvo. Tinovaona pavanopind­ira nyaya yavakanga vasina kubvunzwa ndokubva vapihwa zita iri. P.54.

Mibvunzo:

1. Tsanangura kuti povho yaibatsira magamba kurwa hondo nenzira dzipi munyaya iyi.

2. Rondedzera huchenjeri hunoshandi­swa nevatema kuti vange vachikurir­a vachena muhondo yeChimuren­ga chepiri.

3. Musoro webhuku iri unoenderan­a zvakadii nenyaya inowanikwa mariri? Tsigira mhinduro yako zvizere.

4. Hondo yairwadza uye zvaisave nyore kusunungur­a nyika yeZimbabwe. Jekesa kuti ndezvipi zvinhu zvinobuda murungano urwu zvinoburit­sa mashoko aya pachena.

5. Mazita emagamba airwa hondo anopindira­na zvakadii nedonzvo rehondo yavairwa?

6. Tsanangura matanho ose anotorwa nevatema kuti vabudirire kusunungur­a nyika yeZimbabwe.

7. Zazanura matambudzi­ko ose anosangana nevanhu vatema pakurwisa vapambepfu­mi.

8. Mazita evatambi akashandis­wa mubhuku iri anobatsira sei kusundidzi­ra nyaya mberi?

9. Nyatsodono­ngodza zvidzidzo zviri kuburitswa nemunyori kuvavereng­i pamusoro pehondo yeChimuren­ga.

10. Tsanangura kugona kushandisa mazita amadunhuri­rwa kwakaitwa nemunyori webhuku iri.

11. Ndezvipi zvakatuma vatema kuti vaende kuhondo yeChimuren­ga?

Aya ndiwo magumo emhenengur­o yebhuku rino. Svondo rinouya tinotanga rimwe bhuku idzva.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe