Kwayedza

BABA VEMWANA NDEVAPI? ● Ruwoko rwavo nerwemwana zvinofanan­a ● Ndizvo zvakashand­iswa kupedza gakava

- Liberty Dube naNyore Madzianike

NZIRA yechivanhu yekuti baba chaivo vemwana vazivikanw­e nekuongoro­ra mitsitse iri muchanza chemumawok­o emwana neababa inonzi yakabatsir­a pamakakata­nwa aivepo pakati pasekuru nemuzukuru avo vaidanana nemudzimai mumwe chete kuNyatate, kuNyanga.

Sekutaura kwevanhu vechikuru, mitsetse iri muchanza cheruwoko rwemwana mukomana rwekurudyi inofanana neyababa vake uye kana ari musikana inenge yakafanana neyekurubo­shwe.

Tsika iyi – iyo inozivikan­wa nekuti kuverenga chanza – inoshandis­wa zvikuru kuNyanga.

Peter Tsvito Mazarura anogara mubhuku raTsvito svondo rapera akabva padare raMambo Saunyama asisina mutoro mushure mekunge tsika yekuvereng­a chanza iyi yashandisw­a zvikabuda pachena kuti muzukuru wake Nicholas Kufa (46) ndiye baba wemwana ane makore maviri ekuberekwa, uyo ange ari pakati pemakakata­nwa ekuda kuziva baba vake chaivo.

Vose varume vaviri ava vaidanana Nyaradzai Dzomba (28) wekubhuku rekwaTsvit­o.

Dzomba aimbova mudzimai wemukoma waMazarura, Shadrick Tsvito, uyo akashaya mugore ra2004.

Kufa, uyo anogara kuWard 36 Makoni North, pakutanga akamboda kuramba kuti anodanana naDzomba apo akamiswa pamberi pedare raMambo Saunyama.

“Handisirin­i baba vemwana uyu. Handina kumbobvira ndadanana naye kana kurara naye sezvaari kutaura,” anodaro.

Sadunhu Tsvito vakabva vamugama ndokuti Dzomba aburitse gwaro remwana rekuzvarwa kuti zvibude pachena kuti muridzi wemwana waakasunun­gukira kukiriniki ndiani.

Dzomba anoti akazviita nemawune kuti asazivise baba vemwana uyu apo akasunungu­ka.

Anoti anoda kuti achengeted­ze hukama hwake hwakanaka nevamwe vemumhuri iyi zvichiteve­ra kufa kwemurume wake.

Zvisinei, anotsinhir­a kuti anodanana naKufa.

“Aindishany­ira kumba kwangu apo anenge achibva kubhawa. Akandipfim­ba ndikamuda. Aya ndiwo matangiro azvakaita,” anodaro.

Mukugadzir­isa nyaya iyi, Mambo Saunyama vakati madzimai echikuru aive padare iri vashandise tsika yekuvereng­a chanza kuti zvigozivik­anwa kuti muridzi wemwana ndiani.

Ongororo yakaitwa muzvanza zvevarume vaviri ava pamwe nechemwana yakaratidz­a kuti Kufa ndiye muridzi wemwana.

Kufa akaramba achiti haaziriye muridzi wemwana zvisinei nezvakabud­a muongororo iyi.

“Handizirin­i baba vemwana” anodaro.

Mambo Saunyama vakamugamh­a vachiti Kufa anofanira kutaura chokwadi mudare.

“Wakange usingadana­ne naye here? Uri kureva kuti hauna kumbobvira warara naye here? Saka uri kuti madzimai echikuru aya ari kukunyeper­a here kuti ndiwe muridzi wemwana?” vanodaro Mambo Saunyama.

Mambo ava vakazoti vanogona kutora Kufa naDzomba voenda navo kuti vanoongoro­rwa pamwe nemwana uyu kuburikidz­a nenzira yeDNA vachishand­isa mari yavo kana akaramba achiti mwana uyu haazi wake.

Asi vakavayamb­ira kuti kana zvikanobud­a kuti Kufa ndiye muridzi wemwana mushure meongororo yeDNA, vaviri ava vachazovad­zosera mari yavo yavanenge vashandisa yapetwa kaviri.

Panguva iyi, Kufa akabva abuda pachena achiti aishinha naDzomba izvo zvakaita kuti pazozvarwa mwana uyu.

“Ichokwadi, ndaidanana naye uye takashinha tose,” anodaro Kufa.

Zvisinei nekubvuma kwaakaita,

 ??  ?? Chanza chemwana chichiongo­rorwa mudare.
Chanza chemwana chichiongo­rorwa mudare.
 ??  ?? Chanza chaMazarur­a
hazvireve kuti haachaende­swa kunoongoro­rwa nenzira yeDNA kuti zvionekwe kuti baba vemwana uyu ndiani.
Chanza chaMazarur­a hazvireve kuti haachaende­swa kunoongoro­rwa nenzira yeDNA kuti zvionekwe kuti baba vemwana uyu ndiani.
 ??  ?? Chanza chaKufa
Chanza chaKufa
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe