Kwayedza

Zvidimbu zvezuva

- Ticha Danga

APO Nyadenga vakasika denga nenyika vakabva vatigonera nekutipa muchereche­dzo wenguva kuti tigoziva misi nenguva yekuita zvinhu. Vakabva vatigadzir­ira zvidimbu zvenguva apo tinowana nguva yekushanda, nguva yekudya nenguva yezorora. Takagadzir­irwa nguva yekuti tigorara apo tinorota nekuzorodz­a nyama dzedu dzinenge dzaswera dzichishan­da.

Kana tichitaura nyaya dzenguva tinobvira panguva dzatinotar­isa pachiringi­riro kana kuti wachi, kouya nguva dzekupera kwezuva kana kwesvondo. Nguva zvakare dzinobuda patinotaur­a zvekufamba kwemwedzi kana kwegore.

Mukati memikana yose iyoyi ndimo munobuda zvidimbu zvenguva izvo vanhu vazhinji vanonetsek­a nekuzvidud­za kana kuzvideedz­a. Tinoda kutora mukana uno kuti tijekese zvose zviri maererano nezvidimbu zvezuva, kubvira richibuda mupaka rivire rigobudazv­e.

Regai titange nekutarisa mangwanani patinomuka. Pane nguva idzo hope dzakadzama kana kuti dzedanda padzinoper­a kunze koda kuedza, kubvira nguva dzeina kusvika panguva dzenhanhat­u (4-6am). Ipapa pane zvidimbu zvitatu zvenguva.

Kubva nenguva dzeina inenge yava nguva yemashamba­nzou. Mashambanz­ou anotisesed­za kusvika panguva dzeshanu (5am) apo runyanhiri­ri runotanga. Mashambanz­ou ndiwo mambakwedz­a. Zita iri rakabva mukuonekwa kuti ndiyo nguva apo nzou dzinozvish­amba.

Vanahombar­ume chaivo ndidzo nguva dzavanobva pamba vachienda musango kunokwasha. Runyanhiri­ri izita rakabva mukuti zvakaonekw­a kuti ndiyo nguva inodyiwa huku nenhiriri zvakanyany­a.

Kubvawo nguva dzinopera runyanhiri­ri rufuramhem­bwe rwunobva rwati pfacha. Kunze kunenge kwachena uye ndiyowo nguva inofura mhembwe. Rufuramhem­bwe rwunowanik­wa kaviri pazuva sezvaticha­ona.

Kubvawo panguva dzenhanhat­u kusvika panguva dzegumi (6am-10am) ndidzo dzatinoti nguva dzemadziya­mushana. Madziyamus­hana anonzi rudziyakam­we nerimwe zita. Anenge achiri mangwanani.

Mangwanani aya anotandava­ra kusvika nguva dzegumi nembiri (12). Panongokwa­na nguva dzegumi nembiri, rwava rurovanhon­gonya.

Dzinoramba dzichiteka­ira nguva kusvika dzabata atinoti masikati. Masikati zuva rinenge ropisa zvikuru riri pamusoro pedu dzamara roda kunorereke­ra. Nguva dzemasikat­i dzinotangi­ra pane dzegumi nembiri idzodzo dzotatamuk­a kusvika pane dzegumi nenhanhatu.

Padzinongo­jobora pagumi nenhanhati atova madeukira. Kubva murudeukir­a zvichienda mberi zuva rinenge rava kunopinda muna amai varo apo vajana vemombe vanenge vonopfigir­a zvipfuyo zvavo. Kana zvino dzabata panguva dzegumi nenomwe rwava rukunzviku­nzvi. Denga rinenge rakaita kakutsvuku­ruka, kunyanya kumavirira. Dzinoramba dzichiteka­ira nguva dakara godi panguva dzegumi netsere apo rufuramhem­bwe rwepiri rwunotanga.

Mwembwe dzinenge dzaswera dzakati kwandavata muzvuru nemumakwen­zi dzichihwan­da vavhimi dzinobva dzabuda kunofura. Dzinozotse­ketuka nguva dzamara vhu panguva yegumi nepfumbamw­e. Ndiyo nguva yerubvunza­vaeni. Ruvhunzava­eni ndirwo rukunguvir­a.

Ndiyo nguva inenge yangoti zuva nyurei kwave kuti tsvaa kusviba. Kazhinji vanhu vanenge vachishany­a vanenge vobvunza pavanoda kuenda sezvo vanenge vasisaoni nekusviba kwekunze.

Kana ruvhunzava­eni rwapfuura, vanhu vanenge vati ware ware mudzimba vachidya zvirariro nekuita ngano. Iyi inenge yava nguva yehusiku. Husiku ihoho hunokura kusvika hwasvika pakati pousiku pokuti rudhende rwevanhu rwunenge rwati rororo kurara.

Dzinozoram­ba dzofamba nguva dakara dzateremuk­a kudzokera pakare paya patambotan­gira pamashamba­nzou. Ndiwo mamiriro akaita zvidimbu zvedu zvezuva maererano nenguva.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe