Kwayedza

Tinotsigir­a dzidzo: NASH Paints

-

Gamuchirai Muzanenham­u naMalven Mugadzikwa

KAMBANI inogadzira nekutenges­a pendi yeNASH Paints inoti yakazvipir­a kutsigira dzidzo yemuZimbab­we.

Vachitaura pakupihwa mibairo kuvana pamhembere­ro dzeHarare Metropolit­an Provincial Merit Awards idzo dzakaitirw­a paCelebrat­ion Centre, muHarare, chamangwiz­a wekambani iyi – Dr Tagarira Mutenga – vanoti vane chishuwo chekudzore­ra kunharaund­a kuburikidz­a nekutsigir­a dzidzo.

“SeNASH Paints, hazvisi zvitsva kuti tinobatsir­a mune zvedzidzo, kwemakore gumi adarika tanga tichingoba­tsira mukusimudz­ira dzidzo munyika ino kuburikidz­a nezvirongw­a zvakasiyan­a vavariro iri yekuti tipewo ruzivo kuvana pamwe nekuvandud­za hunyanzvi hwavo kuitira ramangwana apo vanenge vapedza chikoro,” vanodaro Dr Mutenga.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Ndinotenda dunhu reHarare Metropolit­an Province nekundisar­udza kutaura pachiitiko chakakura kudai.

“Uyu muchereche­dzo wekudyidza­na kwakanaka kuri kuita kambani yedu nezvikoro. Ndinoda kutenda vadzidzisi nevanotung­amirira dzidzo nekuti gungano rino rinoratidz­a kuti Harare iri kuzadzikis­a zvinodiwa nebazi redzidzo.

“SeNash, tinotenda basa riri kubatwa kuti vana vazokwanis­a kuwana mibairo yavari kukumba pazuva ranhasi kudai.”

Dr Mutenga vanoti nguva ino yava kuda kuti vana vadzidze vachiwanaw­o mikana yekushanyi­ra makambani akasiyana anoita mabasa anoenderan­a nezvavanen­ge vachidzidz­a.

Izvi, vanodaro Dr Mutenga, zvinoita kuti zvikoro zvibure nyanzvi dzekushand­a muindasiti­ri zvinova zvinosimud­zira upfumi hwenyika.

Vanoti makambani mazhinji munyika ane basa guru rekuvandud­za madzidziro evana kuburikidz­a nekubatana nezvikoro mukuumba hunyanzvi muvana.

 ??  ?? Dr Tagarira Mutenga
Dr Tagarira Mutenga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe