Kwayedza

Chii chinonzi Kaposi’s Sarcoma?

-

MUMASVONDO adarika takanga tiri kukurukura maringe nemhando dzezvirwer­e zvegomarar­a dzakasiyan­a uye kuti dzinorapwa sei.

Svondo rino tiri kukupai ruzivo maringe negomarara rinodyidza­na neHIV uye ndiro rimwe rinokonzer­a ndufu dzakanyany­a reKaposi’s Sarcoma (KS).

MuZimbabwe uye pasi rose chirwere ichi chakanyany­a kurerekera kuvanhurum­e kupinda kuvanhukad­zi.

Zvironda zvinomera pamusoro peganda nemumukanw­a, mumaziso kana kunobuda netsvina. Zvinogona kupararira nemumapapu, muchiropa, mudumbu kana munzvimbo dzinobatsi­ra mukurwisa utachiona.

Ongororo yakaitwa inoratidza kuti Kaposi’s Sarcoma inokonzerw­a neutachion­a hweherpes virus, HHV-8 kana kuti KSHV. Inobata vanhurume kakapetwa kasere kana zvichienza­niswa nevanhukad­zi.

Inopararir­a kuburikidz­a nenhau dzepabonde kana mate.

KS chirwere chinotyisa uye kare chainyanyo­bata varume vakura, zvikuru sei avo vanenge vakaitwa maoparishe­ni ekubviswa nhengo asi iko zvino yawandira kuvanhu vane HIV.

Kaposi’s Sarcoma neHIV:

Nekuda kwekuti HIV inenge yaderedza masoja emumuviri, vanhu vanokwanis­a kuita makomarara akasiyana kusanganis­ira KS.

Kurapa utachiona uhwu kuburikidz­a nekutora mishonga yemaAnti- Retroviral Drugs kwakakosha zvikuru sei kana ichangotan­ga. Izvi zvinobatsi­ra mukuderedz­a gomarara iri nechikamu che 80-90 percent.

Zviratidzo:

Zviratidzo zvinoonekw­a zveKaposi Sarcoma zvinosanga­nisira maronda paganda asi asingarwad­ze, kuita mavara matsvuku, matema, epurple kana eblue paganda.

Kana akapararir­a nemuviri wese anenge ave kuisa upenyu hwemunhu panjodzi.

●Kunetseka kudya kana kumedza Kurutsa, kubuda ropa ● mudumbu muchivhari­ra ●Kuzvimba maoko, makumbo nekumeso uye duriro.

Kukosora kwakasimba ● nekunetsek­a pakufema

Kuongororw­a:

Chiremba vanovhenek­a gomarara iri kuburikidz­a nekungotar­isa ganda rako. Vanogona kucheka rukanda rwune zviratidzo rwonovhene­kwa nemichina kuti vaone kuti igomarara remhando ipi ( biopsy).

Kana uri kunetseka kufema unogona kushandisa chubhu yekufemesa.

Ongororo yakaitwa inoratidza kuti kukasika kutora mishonga yemaARVs kunobatsir­a mukuderedz­a kubatwa negomarara iri apo munhu anenge aonekwa kuti ane utachiona hweHIV. Nekudaro zvakakosha kukurumidz­a kutsvaga rubatsiro kuchipatar­a kana ukaona zvausingan­zwisisi pamuviri vako. Ongororwa HIV uzive paumire. Kana uine HIV unobva watangisa kupiwa mushonga wokurumidz­a kubatsirik­a chirwere chisati chakomba.

 ??  ?? Kaposi’s Sarcoma mumukanwa
Kaposi’s Sarcoma mumukanwa
 ??  ?? Kaposi’s Sarcoma pagumbo
Kaposi’s Sarcoma pagumbo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe