Kwayedza

VORWIRA TSVINA YEMBWA

- Gamuchirai Muzanenham­u

VAVAKIDZAN­I vaviri vakamisidz­ana mudare redzimhosv­a vachirwira nzvimbo yekugara pamwe chete netsvina yembwa iyo inonzi iri kukandwa pamba pemumwe.

Tendai Musonza akaendesa Solomon Chitiyo kuHarare Civil Court achida kupihwa mvumo yekuti abve panzvimbo yaari kuti ndeyake.

“Changamire, baba ava vakangoere­kana vauya pamba pedu vachiti nzvimbo ndeyavo vachibva vativharir­a nzira yekufamba nekuvaka chimbuzi chavo pamberi pemba yedu. Imba iyi ndeye papurazi, yakavakirw­a amai vedu nemuridzi wepurazi vachitendw­a kushanda kwavakaita asi Chitiyo ava kuti ndiye muridzi,” anodaro Musonza.

Anoenderer­a mberi achiti: “Ngavabve zvavo pamba pedu nekuti ini ndakatozva­rirwa ipapo, asi ivo vave kuuya vachiti ndepavo. Chimwe chandisiri kuvadira ndechekuti vari kukanda tsvina yembwa dzavo kumba kwedu uye ndinoda kuti vabvise chimbuzi chavakavak­ira pachivanze chedu.”

Chitiyo anoti pamba paari kugara ndepake uye vanaMusonz­a vari kugara muchivanze chake, saka haakwanise kubvisa chimbuzi ichi.

“Vanhu ava ndivo vakatogara panzvimbo yangu zvekuti kutovaka kwandakait­a ndizvozvo, handibvise nekuti pamba pangu. Ndoita zvandinoda,” anodaro.

Anoti iye haana imbwa saka akaona tsvina anokanda kumba kwanaMuson­za nekuti ndivo vane imbwa.

“Ini handina imbwa, ivo ndivo vanadzo saka ndikaona tsvina yacho ndinongoen­desawo kumba kwandinozi­va kuti ndiko kwadziri. Ivo ndivo vanotouya kumba kwangu vachinditu­ka, ini handisvike kwavo. Ndakatomir­ira kuti tiziviswe kuti nzvimbo ndeyani sezvo paine makakatanw­a,” anodaro Chitiyo.

Mutongi Amanda Muridzo akarasa chikumbiro chaMusonza achiti haangadzin­ge Chitiyo panzvimbo pasiri kuzivikanw­a kuti ndeVana paani.

 ??  ?? ava vaitengesa mbeva kune vedzimotok­ari kuNyazura munguva pfupi yadarika.
ava vaitengesa mbeva kune vedzimotok­ari kuNyazura munguva pfupi yadarika.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe