Kwayedza

Kurima mavise ePrime Seed Co

- Silas Mutota

KUKAMBANI yePrime Seed Co tine mbesa dzezvirimw­a zvakawanda kubva kune dzinonyats­oita muchando kusvika kune dzinoita munguva yekudziya. Sezvo tave kupinda munguva yekudziya, ndinoda kutaura nezvechiri­mwa chinoita mumwaka uyu.

Mavise chirimwa chinoita zvakanyots­onaka nguva yekupisa yatava kupinda.

Chero ha z vo pava nehunyanzv­i hwemagreen house hwunoita kuti ukwanise kuita mibhedha munguva yechando uye nekurimawo kana muchando, vise rinobuda zvakanaka kana ukatanga kudyara nguva ino yekupera kwechando zvichienda mberi.

Asiwo pane nzvimbo dzakaita seMiddle Sabi dzinogara dzichidziy­a nguva yechando, uko kunowanikw­a kuchidyarw­a mavise nguva yechando.

KuPrime Seed Co kune mhando dzembeu dzemavise dzakasiyan­a-siyana dzinosanga­nisa Cremson Sweet, Charleston Grey, Congo nemhando yepamusoro ( hybrid seed) inonzi Kito.

Regai ndikupakur irei nezve Kito F1 rinova vise ranetsa pakutengwa nekuda kwemakurir­o, nekubereka kwaro uye manakiro arinoita.

Kito F1:

Kito F1 ivise remhando yepamusoro ( hybrid) rinoshingi­ngiri zvirwere zvakawanda.

Kito F1 rinobereka zvakanyany­isa zvekuita vana vashanu padzinde rogaroga uye rinonakisa rakatsvuka kuti piriviri mukati maro.

Anorema 8- 12 kgs . Pahectare imwe unowana gohwo rinoita matani 150. Mav is e anonz i Kito anotora mazuva anokwana 70- 80 kuti aibve mumunda. Mavise anowanikwa mumhuri imwe chete nemanhanga.

Kito rinodyarwa kubva muna Nyamavhuvh­u kusvika kutanga kwaChivabv­u. Mavise anotora nguva inoita iyo 80- 125 ar i mumunda kubva nguva yokudyarwa kusvika kukohwa. Anoda kudziya kwekunze kuri pakati pe17 kusvika 20 degrees celcius.

Ivhu rinokuridz­irwa pakurima Kito, nderiya rinofamba mvura nemhepo zvakasunun­guka ( wel l drained soil) uye richicheng­etedza mvura zvakafanir­a ( good soil retention moisture). Ivhu racho rinofanira kuva nekakuvavi­rira nekakutapi­rira kepH 6.5-7.0.

Pakudyara panodikanw­a fetireza yepasi ( Compound D) inoita iyo 600800kgs pahekita imwe chete. Kana ari manyowa, panodikanw­a 50t pahekita.

Kana uchidyara mavise unoisa mhodzi mbiri kana nhatu mugomba. Mazuva ano vamwe vanotanga vaita zvenesari vozodyarur­ura kuenda mumunda mushure memavhi k i matatu mbeu yava nemashizha anoita iwo matatu kana mana.

Kana tichidyara mumunda mavise anoparadza­niswa 60cm mumutsara ne150 cm pakati pemitsara. Kito F1 inodyarwa mumabhesin­i , ma r iji kana mumuforo. Kito anodiridzi­rwa zvakaparad­zana sekuti pamazuva mapfumbamw­e oga- oga muvhu rinochenge­tedza hunyoro hunosvika 2,5cm. Ruzivo urwu rwunowanik­wa kumadhumen­i enyu ePrime Seed Co.

Pa ku r ima mav is e murimi anofanira kugadzirir­a mishonga yekuuraya nhata netumwe twumbuyu twunoburur­uka twunonzi white f ly kana kuti pumpkin fly.

Kito inokohwewa paanenge ava kuda kuibva kuitira pakuzoende­sa kumusika achiri akanaka.

Kana uchinge watenga mbeu yako kuPrime Seed Co, zivisa murimisi wako wePrime Seed Co upakurirwe ruzivo zvizere maererano nemarimiro echirimwa ichocho zvigokupa gohwo rakanakisa. Iva murimi akarongeka, tenga Kito F1 yePrime Seed Co upuhwe ruzivo tivandudze upfumi hwenyika.

Mari iri muvhu, mari iri mumbeu dzePrime Seed Co. Kuti Prime Seed Co ndokuti mbeu.

Rambai makatarisa panzvimbo ino mudzidze zvakawana kubva kuna mazvikokot­a wePrime Seed Co.

Silas Mutota ndiSales and Marketing Manager kuPrime Seed Co uye sunungukai kumubata panhare dzinoti: 0731 473 948

 ??  ?? Mavise chirimwa chinoita zvakanyots­onaka nguva yekupisa yatava kupinda.
Mavise chirimwa chinoita zvakanyots­onaka nguva yekupisa yatava kupinda.
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe