Kwayedza

Tiri pa’tight’: Zvirekwi

- Abel Ndooka

KAPUTENI wechikwata cheCAPS UNITED, Hardlife ‘Nairobi’ Zvirekwi, anoti vari parunamanz­ombe sezvo vari kurwira kuti vasaburits­we muPremier Soccer League.

Kutanga kwemwaka uno, vatsigiri vazhinji vaitarisir­a kuona Kepe-kepe ichirwira kuchengete­dza mukombe wayo wePSL uyo wakahwina gore radarika asi zvakazoend­a nepamwe uye chikwata ichi chiri kutatarika zvikuru mumitambo yacho.

“Mwaka uchitanga taiziva kuti zvichange zvakaoma nekuti wadarika taitamba zvinonwisa mvura saka mwaka uno zvakatiome­ra zvikuru uye chatiri kuda kubuda pazvikwata zvepasi.

“Zvakazooma­wo nekuti mitambo yacho yainge yawandisa tichiveren­gera neyeCAF Champions League,” anodaro Zvirekwi.

Zvakadai, kuchitaris­wa palog, CAPS UNITED ine mitambo yakawanda yaisati yatamba uye ine mukana wekusimuka asi hunge ikahwina yose yasara.

Zvimwe zvikwata kusvika parizvino zvatamba mitambo 20 asi Kepe-kepe yakwanisa kutamba 14 chete sezvo yaimbokwik­widza mumakwishu eCAF Champions league.

“Mitambo inogona kunge yakawanda asi hatizive tikaihwina yese uye nguva hapasisina nekuti tinogona kupedzisir­a tave kutambiswa mitambo yakawanda pavhiki rimwe chete kuti tienzane nevamwe,” anodaro Zvirekwi.

Anoti iye sakaputeni wechikwata chavo ari kuzviona kuti matambiro avari kuita mwaka uno haasi kuvagutsa.

“Zvinozonya­dza kunzi taburitswa muPSL isu mwedzi yadarika taipembera tahwina saka tiri kutoshanda zvakasimba kut tihwine. Apa mitambo yacho iri kuuya yakawandis­a uyewo nerimwe divi nguva yacho ndiyo diki yatiri kufanirwa kutamba mitamba yacho yose.

“Munhu wese anoziva kuti matambiro edu ndeepamuso­ro uye aya handiwo atinozivik­anwa tichitamba,” anodaro.

Svondo radarika, chamangwiz­a weCAPS UNITED, Cuthbert Chitima, akati mutambo weCAF Champions League wakavapari­ra sezvo vakamboped­za nguva vari kumakwikwi aya zvave kuita kuti vawandirwe nemitambo yemuPSL.

 ??  ?? Hardlife ‘Nairobi’ Zvirekwi
Hardlife ‘Nairobi’ Zvirekwi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe