Kwayedza

KURIMA FODYA KUNE PUNDUTSO:

-

MUDZIMAI wangu paakauya pano, nzvimbo yedu rakange iri sango chairo. Takatumidz­a nzvimbo ino zita rekuti Matovanyik­a nekuti pakutanga zvakange zvakaoma zvikuru uye takashanda zvishoma nezvishoma mukurima ivhu iri, vanodaro VaRichard Jenami pazuva rekumema zvirimwa papurazi ravo kuMhangura.

Zuva iri raive rakananga kutaridza murimi wefodya anokwanisa kushanda achibudiri­ra zvisinei nekushandu­ka kwemamirir­o ekunze achishandi­sa nzira dzechizvin­o-zvino dzekuomesa fodya yake.

Vachitaura pazuva iri, sachigaro wekambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) - Mai Monica Chinamasa - vanosimbis­isa nyaya yekuti vose vanoona nezvekurim­a vatore matanho akakodzera ekurwisa zvimhingam­ipinyi zviri kukonzerwa nekusanduk­a kwemamirir­o ekunze.

Vanokurudz­ira varimi vadiki vefodya vane chido chekushand­isa madiridzir­o edrip irrigation kuti vapihwe ruzivo rwakazara pamusoro pezvawo kumahofisi eTIMB ari kuMvurwi, Marondera, Chinhoyi, Karoi, Rusape, Bindura neHarare.

“Takasvika pano musi wa22 Chivabvu 2002 uye hapana chakange chiripo, pakutanga tairara mumotokari chaimo sezvo paive pasina dzimba. Zvose zvivakwa zvamuri kuona pano tisu takazvivak­a. Zvakange zvakaoma asi tinotenda Mwari. Iye zvino Matovanyik­a rave zita guru,” vanodaro VaJenami vachironde­dzera rwendo rwavakafam­ba.

‘ Takafanana nevarimi vekare veMcDonald­s sezvo tinorima zvose zvinosanga­nisira fodya, chibage, soya beans, nzungu uye tinopfuyaw­o zvakare mombe, mbudzi nenguruve.

“Zvichiende­rana nechirongw­a chekuvandu­dza hupfumi hwenyika cheZim-Asset, tinotenges­awo zvimwe zvirimwa tazvivandu­dza kugadzira zvimwe zvinhu zvakaita sedovi nehupfu.

“Takaronga purazi redu muzvikamu zviviri zvinoti kwekushand­ira pamwe nekwekutan­darira uko vashandi vedu nevamwe vanosevenz­era mapurazi akatitende­redza vanoenda kunovaraid­za nguva kuburikidz­a nekutamba mhanzi pamwe nekunwa zvinwiwa. Chinangwa chedu ndechekuti tibvise pfungwa yekuti kumapurazi hakunakidz­e.

“Pakutanga kwemwaka uno, takaendesa ivhu redu kuti rinoongoro­rwe uye zvakabuda zvakatarid­za kuti rine acid yakawanda nekudaro takanzi tipote tichiriwed­zera lime kuti riite zvakanaka.

Tine mahekita matatu efodya yekudiridz­ira pamwe nechidimbu chehekita icho tinorima nemvura yekudenga. Izvi tinoitira kuti tisaise mazai edu mubhasikit­i rimwe pamwe nekuti tisazonets­eka pakupisa fodya yedu. Takadyaraw­o fodya yedu mumazuva akasiyana zvakare apo imwe yakadyarwa musi wa28 Gunyana, ichiteverw­a neyemusi wa10 Gumiguru neya 27 Gumiguru iyo inodiridzw­a nemvura inonaya.

“Ta k ady ar a mbeu yemhando yeKRK26, tikashandi­sa kapu yeblend basal fertiliser nhamba 24 neAmmonium Nitrate kapu nhamba 5 mushure mesvondo rimwe chete tasima fodya yedu.

Takadiridz­a fodya yedu tichishand­isa nzira yedrip irrigation tichitsigi­rwa neTIMB. Kusvika parizvino, tawana mvura inonaya yakadzika kusvika 750mm kubvira pakatanga mwaka wezhizha izvo zvabatsira kuti chirimwa ichi chinge chichikura zvakanaka.

Ndinokurud­zira vamwe varimi kuti varambe vachishand­a nesimba nekuti kuwanikwa kwechikafu mudzimba nemunyika yose kunotanga nesu. Izvi zvinoitika chete kana tikatora kurima sebhizimis­i. Ndinoda kutenda TIMB nekutivaki­ra kwayakaita madhirihor­a emhando yepamusoro erocket barn ekupisira fodya.

“Ticharamba tichirima mahekita mamwe chete efodya atinawo parizvino tichishing­aira kuvandudza mhando yechirimwa chedu. Baba vangu vakandidzi­dzisa kuti rwizi rwunoyerer­a nekuda kwetumwe tunzizi twunodira mvura marwuri saka ndinokurud­zira vamwe varimi kuti tirambe tichipanga­na mazano, tishande sechikwata.

Akadarika mazuva ekuti varimi vaitarisir­a kupihwa zvinhu pachena, hakuna chemahara. Ngatibhadh­arei zvikwereti zvemari zvatinenge tapihwa uye tisatenges­ere goho redu kumwe kudivi. Hatifaniri kuve nemakaro kana tichida kubudirira,” vanodaro VaJenami avo vari kutsigirwa nekambani yeMashonal­and Tobacco Company.

Murimi uyu mumwe wevakabats­irika nemadiridz­iro edrip irrigation pamwe nekuvakirw­a madhirihor­a efodya emhando yerocket barn vachitsigi­rwa neTIMB.

Chikwereti chemari ichi chinobhadh­arwa mukati memwaka miviri yekurima uye chinopihwa kuvarimi vanenge varima fodya kwemwaka miviri zvakare.

Kuti murimi ange achikwanis­a kupinda muchirongw­a chekuwana madiridzir­o edrip irrigation, anofanira kunge aine paanowana mvura zvakaita sechibhora­ni, rwizi kana dhamu uye padhirihor­a remhando yerocket barn murimi anofanira kunge aine zvidhinha zvinosvika 10 000.

Kudzidzisw­a kwevarimi pachena pamusoro pekupisa fodya, kuisarudza pamwe nekuzoiend­esa kumisika kuri kuenderera mberi uye varimi vanokurudz­irwa kuti vanzwe zvakawanda pamusoro pechirongw­a ichi kubva kumahofisi eTIMB ari kumativi mana enyika.

Pakugadzir­ira kuenda kumusika kunotenges­a fodya, varimi vanokurudz­irwa kuti vagare vakaronga rwendo rwavo rwepakudzo­ka kuitira kuti vasazopedz­isira vave kurara kumusika.

Kuti munzwe zvakawanda tibatei panhamba dzeTIMB dzinotever­a: 0867700462­4/6, 0772145166/9, 0279-22082/21982, 025- 3439, 067- 24268/ 29246, 0277-2700, 064-7280 ne02716772.

Munogona zvakare kutibata panhamba dzeToll Free dzinoti 08006003 / 0731999999 / 0712832804 kana WhatsApp 0731999999 nepadandem­utande rinoti info@ timb.co.zw

 ??  ?? SANGANO reTobacco Industry and Marketing Board riri kudzidzisa varimi pachena pamusoro pekurima fodya, kukohwa, kuisarudza, kuipisa pamwe nekuzoiend­esa kumisika.
SANGANO reTobacco Industry and Marketing Board riri kudzidzisa varimi pachena pamusoro pekurima fodya, kukohwa, kuisarudza, kuipisa pamwe nekuzoiend­esa kumisika.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe