Kwayedza

Chikomba chakanamir­a pamudzimai wemunhu

● ‘Ndapfidza, handichazv­iita futi’

- Kingstone Mapupu

MURUME wekuMabvuk­u, muHarare — uyo asingabvir­e mukudanana nevakadzi vevanhu — “akazogadzi­kwa mudhishi” apo akanamiran­a nemudzimai wemuridzi pavaisasan­a kuEpworth, pashure ndokushaya sikarudzi yake zvachose.

Murume uyu haana kana kunyara kuratidza Kwayedza zvasara zvakaita sikarudzi yake apo pangova “ruware”.

Jacob Sibanda (36) anoti anga achidanana naRumbidza­i Mhembere (38), uyo anova mudzimai waJohn Chabwino (63) achifunga kuti zvichangop­era zvakamunak­ira.

Zvino akazogonek­wa apo vaviri ava vakabatiki­dzwa vakanamira­na.

Chabwino, uyo anobvuma kuti akaisa mudzimai wake rukwa, anoti anotoda kuti chikomba ichi chimuripe nemombe 7 kuti zvinhu zvake zvidzokere zvazvagara zviri — “pasina muripo hapana hapana”.

Sibanda — uyo ane mudzimai nemhuri avo vose vanogara kumusha kwake kuHwedza — anotsanang­ura zvaakasang­ana nazvo kubva mukudanana nemudzimai wemuridzi.

“Ndakadanan­a naamai ava (Mhembere) ndisingazi­ve kuti mudzimai wemunhu, tikashinha tose. Ndinonzwa kuti muridzi wemukadzi akazvibata ndokushand­isa mishonga yaakapihwa nen’anga (zita rayo tinaro). Handitombo­ziva kuti zvakafamba sei, kunze kwekuti takazongoo­na ini nemukadzi uyu tadaro . . . Takawaniki­dzwa tiripo ipapo pataisasan­ira.

“Patakasunu­ngurwa, ndipo pandakaona kuti handisisin­a sikarudzi, ndangofana­na nemukadzi iyeye sezvamuri kungoona izvi,” anodaro Sibanda.

Zvose izvi anoti zvakaitika musi wa17 Chikunguru.

“Ndakaenda kumba kwemukadzi uyu semazuva ose, ndokunopin­da muimba yavo yekurara umo takaita zvatagara tichingoit­a. Asi chakazondi­netsa ndechekuti ndakaoona tisisakwan­ise kuregedzan­a ndokubva tose tatanga kurwadziwa zvakanyany­a. Muridzi wemukadzi akazosvika pamba apa tichingoch­ema, iye ndokungoti­tarisa. Akazobuda mumba achitisiya tichiyuwir­a takadaro,” anodaro.

Anoti Chabwino akazodzoka mushure mechinguva­na “apo akatinwisa mushonga waivava zvikuru”.

“Ndipo patakatupf­unurana, ini ndokuona ndisisina chinhu. Muridzi wemukadzi akandiudza kuti anoda mombe 7 kuti zvandiri zvipere. Asi dambudziko riripo nderekuti ndine mombe ina chete dziri kumusha saka ndinokumbi­ra kuti dai andidzikis­ire kusvika pamombe nhatu ndozoisa $340 pamusoro,” anodaro.

Sibanda anoti haasi kukwanisa kuita weti asi tsvina chete uye ave kutyira kuti anogona kufa nekuda kwedambudz­iko iri.

“Dai murume uyu nen’anga yaakaenda vandinzwis­isawo vandiroyon­ora ndichibvis­a mari yemuripo kumuridzi wemudzimai zvishoma nezvishoma.”

Mutori wenhau uno akabvisirw­a bhurugwa naSibanda achinzi azvionere kuipa kwakaita nyaya iyi ndokuona chiri chokwadi — pasina chiripo.

Sibanda anoti apfidza zvekuti haafe akapfimba mudzimai wemunhu zvakare.

“Mukadzi wangu ari kumusha kuHwedza, ndakatomum­isa kuuya kuno nekutya kuti anozosviko­ona mashura aya. Ndinoda kuti azouya ndadzoserw­a nhengo dzangu, ndakazvipi­ra kupedza kubhadhara muripo wangu panopera mwedzi waNyamavhu­vhu uno,” anodaro.

Mhembere — uyo anogara nemurume wake kwaChinama­no Extension, kuOverspil­l kuEpworth — anotsinhir­awo kuti akashinha naSibanda ndokusanga­na nemashura aya.

“Ichokwadi, ndanga ndava nemwedzi mitatu ndichidana­na naSibanda, ndaimuita kunge ndiye murume wangu pazvose. Ndaitsvaga kungosasan­a bedzi naye murume uyu nekuti baba (Chabwino) havachandi­gutsa mumba,” anodaro.

Mhembere ane vana 4 naChabwino uye anoti anoda murume wake asi dambudziko riripo nderekusag­utswa muimba huru.

“Ndinokumbi­ra ruregerero kumurume wangu nekuvabere­ki vangu nekuvanyad­zisa kwandaita. Ini handina panondirwa­dza asi murume wandaidana­na naye ndiye asisina chaanacho,” anodaro.

Uyu Chabwino anotiwo akanotsvag­a rubatsiro kuimwe n’anga uko akanopihwa mushonga wehupfu akanzi anoumwaye mumba make, kusanganis­ira nepamubhed­ha.

“Ndainzwa nevanhu kuti mukadzi wangu ane chikomba chaanosasa­na nacho pamba pedu, ndokusaka ndakaenda kun’anga.”

Chabwino anoti haana kumborwisa vaviri ava kusvika nanhasi.

“Mukadzi wangu ndinomuda, haana kwaanoenda nekuti ndakamugad­zira. Asi chikomba ichi chinotofan­irwa kundiripa nemombe 7 kuti zvipere. Akangondir­ipa bedzi zvinopera, anoswera atove murume chaiye akakwana,” anodaro.

Kwayedza yakanoona n’anga inonzi ndiyo yakapa Chabwino mushonga wekusunga mudzimai wake ikabvuma kuti ndiyo yakazviita.

 ??  ?? Jacob Sibanda (kubva kuruboshwe) Rumbidzai Mhembere naJohn Chabwino Mifananidz­o naMemory Mangombe
Jacob Sibanda (kubva kuruboshwe) Rumbidzai Mhembere naJohn Chabwino Mifananidz­o naMemory Mangombe
 ??  ?? Jacob Sibanda
Jacob Sibanda
 ??  ?? Rumbidzai Mhembere
Rumbidzai Mhembere
 ??  ?? John Chabwino
John Chabwino

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe