Kwayedza

‘BHUCHA’ RIZERE NYAMA YEMBWA

● ‘Imwe ndinoendes­a kwatezvara’

- Nyaradzo Bakari naCodelia Mondela

NYAYA yekuda usavi hune mutengo wakaderera inonzi yasiya vamwe vagari vekuBulawa­yo vave kungosvipa mate nekusemesw­a mushure mekunge vazoziva kuti vagara vachipedza nhomba yenyama nekutenges­erwa nyama yembwa – vasingaziv­e.

Vanhu vakazozviz­iva svondo rapera mushure mekunge mumwe murume weko awanikwa aine makutukutu enyama yembwa “mubhucha” rake remukoto

— nyoro nechimukuy­u — iyo yaanotenge­sa nemutengo wakareruka, imwe achinopa madzitezva­ra ake vari kuNkayi.

Murume uyu, uyo asina pekugara pakati tsvetere, anonzi ane tsika yekuvhiya imbwa dzinenge dzauraiwa nevesangan­o rinoona nezvekuche­ngetedzwa kwezvipfuy­o, reSociety for the Prevention of Cruelity to Animals (SPCA), nyama yacho oitengeser­a kuvamwe vagari vemuguta iri.

Sangano reSPCA rinouraya dzimwe imbwa dzinenge dzisisina utano hwakanaka kana kuti dzisingach­akodzere kuti dzirarame.

Murume anongozivi­kanwa saNdebele uyu anonzi anotora dzimwe dzembwa dzinenge dzafa dzoga idzo dzaanoviya, nyama yacho achitenges­a nemutengo wakaderera kuvanhu vanenge vasingazvi­zive.

Ndebele anoti basa rekutenges­a nyama yembwa iyi ndizvo zvinomurar­amisa.

Svondo rapera vashandi vekuchikam­u chinoona nezveutano mukanzuru yeBulawayo vakasvika pabhucha raNdebele pedyo nemuzinda weNational Railways of Zimbabwe Steam Shed apo wakawana paine 100kgs dzenyama yembwa – nyoro neyakaomes­wa.

Ndebele anot i akatanga kutengesa nyama iyi kutanga kwegore rino uye vazhinji vevanoiten­ga vanobva kuSizinda nekuMpopom­a.

Anoti panotova nevanhu vanohodha nyama iyi kwaari vachinoite­ngesa uye havamubvun­ze kuti inyama yemhuka rudzii.

“Bhizimusi rekutenges­a nyama yembwa ndiro riri kundipa mari yekurarama, imwe yenyama iyi ndinoiende­sa kwatezvara vangu kuNkayi,” anodaro.

Anoti iye anodyawo nyama iyi nekuti haaone chakaipa pairi.

“Ini ndinodyawo nyama iyi nekuti handioni chakaipa pairi — futi tiri munguva yekuoma kwezvinhu.

“Vamwe vanhu vanondipa hukwana ini ndichivapa nyama iyoyi. Kana huku dzangu dzandinoch­engeta dzinoraram­a nekudya zvemukati zvandinobv­isa paimbwa,” anodaro Ndebele.

Ndebele anochenget­a huku panzvimbo yaanogara.

Mumwe murume anoshanda paNRZ Steam Shed anotsinhir­a nezvekutor­wa kwenyama yembwa yaitengesw­a naNdebele neveSPCA vakabatana nevekanzur­u yeBulawayo.

“Murume uyu ari kuruka mari nekutenges­a nyama yembwa uye makasitoma ari kuuya nehuwandu hwawo, vamwe vachitohod­ha. Ndebele aimbova murairidzi asi handizive kuti akazorasik­irwa nebasa rake sei,” anodaro mumwe murume asina kuda kudurwa nezita rake.

Nyanzvi inoona nezvezvipf­uyo kuSPCA, VaDumisani Sibanda, vanoti Ndebele anogona kunge ari murwere wepfungwa nekuda kwezvaari kuita.

“Handifunge kuti pfungwa dzake dzakati kwesere, nekuti izvi hazviitwe nemunhu akakwana,” vanodaro VaSibanda.

Vanoendere­ra mberi: “Chandingan­gotaura ndechekuti kune nzvimbo iyo yakacherwa gomba nekanzuru umo munorasirw­a imbwa dzinenge dzafa, saka tine fungidziro yekuti murume uyu ari kufukunura gomba iri achitora imbwa, odzivhiya achitenges­a nyama yacho.”

Mutauriri wemapurisa kuBulawayo, Inspector Precious Simango, havana kubatika kuti vapewo divi ravo panyaya iyi.

Asi mumwe chiremba, uyo asina kuda kudurwa nezita anoti: “Nyama yembwa itori nani pane dzimwe nyama nekuti haina mafuta akawanda ayo anokonzera zvirwere. Vanhu vemunyika muno vanogona kuramba nyama yembwa, asi kune dzimwe nyika itori chikafu chemhando yepamusoro.”— The

 ??  ?? Nyama yembwa yakayanikw­a “pabhucha” raNdebele nedzimwe imbwa dzakafa.
Nyama yembwa yakayanikw­a “pabhucha” raNdebele nedzimwe imbwa dzakafa.
 ??  ?? Ndebele
Ndebele

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe