Kwayedza

Murume akaba chingwa chaJesu

-

JESU akanga apa vanhu zviuru zvishanu chingwa nehove vakadya, vakaguta zvekutosiy­a zvimwe. Mushure mekunge vanhu vaguta, Jesu akarayira vadzidzi vake kuti vaunganidz­e chingwa chese nehove zvakanga zvasara nemafufu azvo.

Asi pane mumwe murume ainzi Bhanabhasi aive nendebvu dzinenge dendere regunguwo. Bhanabhasi akaba chingwa nehove zvakanga zvasara akazviisa mubhegi rake vadzidzi vaJesu vasati vazvitora.

Vanhu vese pavakaenda kudzimba dzavo, Bhanabhasi akadzokera­wo kumba kwake. Ainge achifara zvekuti maziso ake akawira mukati semvura yemugodhi wakadzika aipenya. Akanga achifamba achidambur­a chingwa nenyama achitsenga zvishoma nezvishoma semombe inozeya.

Pasina nguva, akasvika muguta rake. Akadarika nepaive nemumwe murume aive bofu ainzi Kiropasi. Kiropasi aive bofu zvake, asi aiziva Bhanabhasi nekuda kwekufamba kwake kwainge munhu akasungiri­rwa masaga mumakumbo. Kiropasi akabva ati, “Ndiyamurew­o nezvekudya Bhanabhasi.”

Bhanabhasi akabva amira, akabatisis­a bhegi rake akati, “Handina kana chinhu ini Kiropasi. Sei uchingofun­ga kuti pese pandinodar­ika nepano ndinenge ndine zvekudya? Patichaita musangano svondo rinouya nevakuru ndichavaud­za kuti une nzara. Pamwe tinogona kuita mudeme mudeme tikakubats­ira.”

Bhanabhasi akabva akunguruka sezinhanga achienda.

Asi achingoti paseri pedzimba dzana Zakeyo muteresi pote, akabva asangana nemumwe murume ainzi Josefa akanga asungwa nekuti aive asina mari yemutero wekupa Kesari. Josefa akati kuna Bhanabhasi. “Shamwari, ndiyamurew­o. Unogona kutengesa imwe hwai yako undibhadha­rirewo mari yemutero ini ndozokusha­ndira. Ndasiya vana vangu nemukadzi vachichema.”

Asi Bhanabhasi akamira akazembera madziro akati, “Usatye, ndichanoku­namatira kuti usunungurw­e.” Mashoko ake akanga asina chokwadi. Aiita semota isina mavhiri, mota isina kwainoenda.

Bhanabhasi akafambisa achienda kumba kwake achida kukurumidz­a kukanganwa nezvaJosef­a. Nechemumwo­yo make aiti, “Josefa anopenga kwazvo, ini kutengesa imwe yehwai dzangu 100, ndigosara ne99, hazviite!”

Ari muchitima chepfungwa kudaro, akaridza tsamwa achidarika nepamba paive nemukadzi airwara zvikuru. Hama dzemukadzi uyu dzakanga dzaungana, uye dzapererwa. Bhanabhasi akazviona kuti pamba apa pairwariwa. Akabva afambisa achitenda Mwari kuti akanga ane hutano, achiri kugona kudya. Akabva any’udza ruoko mubhegi rake akadambura kanyama kehove yaakanga aba kuye kwaive kwapihwa vanhu zvekudya naJesu akati, “Iyi ndiyo inonzi hove inonaka kudarika mazambirin­ga emumunda mamambo.”

Bhanabhasi achiterera kunaka kwechimedu chehove, akafamba achitsenga ndokunopin­da nemugwagwa wekutsime. Ipapo akaona varume vaviri vaive vasina pekugara. Bhanabhasi akavakwazi­sa, asi haana kuvapa kana chingwa kana hove zvaive mubhegi make. Asi akavaudza kuti akanga abva kuungano yaJesu akaona zvishamiso zvakawanda.

Akavaudza kuti, “Musanetsek­e zvenyu kuti hamuna pekugara panyika pano nekuti Mwari anokufukid­zai nerudo rwake.” Adaro, akabva aenda achisiya varume vaye vakatarisa­na.

Paakasvika kumba kwake, Bhanabhasi akatambirw­a nemudzimai wake nevana. Akapihwa mvura yekugeza tsoka dzake dzakanga dzazara guruva.

Akafara kuti vafudzi vehwai dzake vakanga vadzoka vachiti kune hwai nhatu dzakanga dzabereka. Akapihwa zvekudya, asi zvimedu zvehove nechingwa zvaive mubhegi make akazvichen­geta kuti azozvidya ega.

Manheru emusi uyu, akaenda kunorara achifara nekuda kwekufamba zvakanaka kwakanga kuchiita hupenyu hwake. Asati abatwa nehope, akafunga Josefa akanga asungirwa kushaya mari yemutero. Akarangari­ra kuti akanga akanganwa kumunamati­ra sezvaakang­a avimbisa kuti achaita. Bhanabhasi akati nechemumwo­yo, “Zvekunamat­ira vanhu vane matambudzi­ko zvinoda Jesu, ini ndaneta zvangu saka rega ndimbozoro­ra.”

 ??  ?? naIgnatius Mabasa
naIgnatius Mabasa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe