Kwayedza

ZRP Tomlinson yakatenga bhazi

- Muchaneta Chimuka

CHIKORO cheZRP Tomlinson Depot Primary School chiri muHarare svondo rino chakapihwa chipo chebhazi rinokosha $169 000 kubva kumapurisa eZimbabwe Republic Police.

Vachitaura pakukumiki­dzwa kwebhazi iri zviri pamutemo, mutevedzer­i wemukuru wemapurisa Deputy Commission­er- General (Administra­tion) Godwin Matanga — avo vainge vakamiriri­rwa naCommissi­oner Dr Eric Magejo — vanoti bhazi iri richarerut­sira chikoro ichi panyaya yezvekufam­bisa apo vana vanenge vachida kuenda kunzvimbo dzakasiyan­a.

“Bhazi iri richabatsi­ra vana mukushanya kwavanoita munzvimbo dzinoyeved­za dzakasiyan­a pamwe nepavanoit­a mitambo.

“Kuti bhazi iri ringe richipinda munyika muno, paidiwa mari dzemutero wejuti saka takamboedz­a nepose pataigona kuti tiregedze kubhadhari­swa juti asi zvakaramba tikazoita kuti vabereki vange vachibhadh­ara $124 pamwana mumwe nemumwe izvo zvakaita kuti riuye. Naizvozvo tinovatend­a zvikuru,” vanodaro.

Vanotendaw­o nhengo dzeSchool Developmen­t Committee (SDC) idzo dzinotunga­mirirwa nechikamu chemapuris­a chePolice Protection Unit (PPU) nekukurudz­ira kwavakaita vabereki kuti vatsigire kutengwa kwebhazi iri.

“Hurongwa hwekutengw­a kwebhazi iri hwakatanga muna 2015 kusvika razounzwa muno gore rino.

“Tinoramba tichikurud­zira vabereki kuti varambe vachitsigi­ra zvirongwa zvedzidzo yevana vavo,” vanodaro.

Bhazi iri risati ratengwa, vana vepachikor­o ichi vaishandis­a kombi inova diki zvikuru kana zvichienza­niswa nehuwandu hwavo.

Vaive pagungano iri vanosangan­isira vana vechikoro, vabereki nevatori venhau avo vakawanisw­awo mukana wekumema bhazi iri.

 ??  ?? Vana vepaTomlis­on Primary vachiyemur­a bhazi ravakateng­erwa nemapurisa eZRP.
Vana vepaTomlis­on Primary vachiyemur­a bhazi ravakateng­erwa nemapurisa eZRP.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe