Kwayedza

MANGA MUCHIZVIZI­VA HERE ?

-

ONGORORO yakaitwa pamusoro peshiri dzemhando yemhou (ostrich) dzinosvika 200 000 yakataridz­a kuti hapana kana zuva rimwe chete rakamboone­kwa imwe yeshiri idzi yakaisa musoro wayo muvhu zvisinei nemashoko ekuti mhou dzine tsika yekuiisa misoro yadzo mujecha. — Odd-Facts-DidYou-Know-Them

Aries Kurume 21 - Kubvumbi 20

Kune vaye vaimbokufu­ratira svondo rino vari kuuya vachizokut­svaga, vaye vaifunga kuti iwe uri weshure vachakanuk­a wavapfuura.

Gemini Chivabvu 21 - Chikumi 20

Ravidzo yenyu yetwakanak­a iripo mwaka uno, mazuva enyu ekugamuchi­ra kubva kune vaye vaimbokufu­ratirai.

Leo Chikunguru 24-Nyamavhuvh­u 22

Munguva inotevera zvitsva zvave kuita zvichibuki­ra, mazuva egamuchidz­o kune vakawanda, zvizhinji zvakanaka zvave pedyo nemi.

Libra Gunyana 24-Gumiguru 22

Mufaro urimo mumitambo yakasiyana yamunofari­ra, murudo zvoratidza kuva zvine chiyedza chakanaka.

Sagittariu­s Mbudzi 21-Zvita 21

Shongedzo yemiono yako yave pedyo, rega kuchimbid z o ku k a nda mapfumo pasi, chenjerera urege kuputsa pfuko wasvika.

Aquarius Ndira 23-Kukadzi 19

Vamwe vamirira kupunza zviumbwa zvako, ngwarira vaya vanoda kuita sevepedyo asi mwoyo yavo iri kure newe.

Taurus Kubvumbi 21-Chivabvu 20

Misi yapfuura vamwe venyu vange vongoteved­za chamuka inyama, asi ano mazuva ekupfurira matenga yenyu.

Cancer Chikumi 21-Chikunguru 23

Rupawo rwenyu rwuri mukushandi­sa renyu simba, budiriro mukushandi­sa dzenyu pfungwa iripo, raki rokutevera.

Virgo Nyamavhuvh­u 23-Gunyana 23

Vamwe venyenyedz­i yenyu vovaraidzw­a netwakawan­da twusina maturo, svinura uzive zvakakosha usapedzere miseve

kumakunguw­o.

Scorpio Gumiguru 23-Mbudzi 20

Kusawirira­na nevamwe kungakukwe­zverai muna taisireva, zvikuru kumabasa kwenyu, ngwarirai mafambiro enyu murege kubatwa.

Capricorn Zvita 22-Ndira 22

Mazuva anotevera ndeako ekupfumbid­za yako miono, kunatsurud­za nekutwasan­udza paye pasina kunyatsoti twasa, kundo inewe.

Pisces Kukadzi 20-Kurume 20

Mwaka uno ndewako wekuvaka ruzhowa rwekuzvich­engetedza kubva kune zvakasiyan­a. Munhaurwa dzemari bvoorero yako iripo.

 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe