Kwayedza

ZVIDHOMA ZVAKABA US$900 PACHIKORO

● Vabereki vozviramba ● ‘Panoitika mashiripit­i’ ● ‘Nyaya tiri kuiferefet­a’

- Kingstone Mapupu

MUNYAYA inoti kushamisa igoti kusetsa — zvidhoma zviri kunzi zvakaba mari yechikoro inosvika $933 iyo yaive yabviswa nevabereki pachikoro cheKanyoka Primary School chiri kwaChikwiz­o, kuMudzi South mudunhu reMashonal­and East.

Mari iyi inonzi yakashaikw­a nenzira inoshamisa, uye mukuru wechikoro ichi, VaEphraim Matize, vanonzi vanoti havanzwisi­se mafambiro akaita mari yose iyi.

Kwayedza yakashanyi­ra chikoro ichi svondo rapera ndokuita hurukuro naVaMatize avo vari kutsinhira kuti kune mashoko anoti mari iyi yakabiwa nezvidhoma.

“Yes, there are allegation­s of that sort which are being levelled against me and the school clerk. (Hongu, kune mashoko akadaro ari kupomerwa inini pamwe chete namabharan­i wechikoro, anoti mari yakashaikw­a ichinzi yakabiwa uye vamwewo vachiti yakatorwa nezvidhoma. But I am not in a position to divulge more informatio­n because of mitemo yebasa you know. (Asi handikwani­se kutaura nemi zvakawanda nekuda kwemutemo webasa). Visit the DSI Mr Chofamba or other responsibl­e authoritie­s at Mudzi Rural District Council or seek the audience of the CEO or ask for the inspectors variko kuKotwa. (Shanyira DSI VaChofamba kana vamwe vakuru vekukanzur­u yeMudzi kana kuti motsvaga chief executive officer kana mamwe mainspecto­rs variko kuKotwa),” vanodaro VaMatize.

VaMatize namabharan­i wepachikor­o ichi, Lucky Chabora, vanonzi ndivo vanofanirw­a kutsanangu­dza kuti mari yechikoro iyi yakafamba sei.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naChabora kuti apewo divi rake pamusoro pemafambir­o akaita mari yechikoro iri kunzi yakatsakat­ika iyi.

Asi mukuru wezvedzidz­o mudunhu reMudzi, District Schools Inspector (DSI), VaCreezin Chofamba, vanotsinhi­ra kuti pane nyaya iri kuferefetw­a yekushaikw­a kwemari pachikoro ichi.

“Nyaya yakadaro — yekushaikw­a kwemari pachikoro ichi — tinayo. Yakasvika kwatiri. Pane ‘audit’ yakaitwa nekanzuru yedu ikaburitsa huwori uhwu, nekudaro bazi redu rezvedzidz­o riri kutumira ma‘auditors’ 27 temu iri kutevera vachatanga nepachikor­o ichi vachiongor­ora mabhuku emari. Vachange vachiongor­ora mabhuku ezvimwe zvikoro kwemazuva 11 vari munzvimbo iyi sezvinoitw­a gore negore,” vanodaro VaChofamba.

Vanoti paongororo iyi ndipo pachabuda chaizvo zvakaitika paKanyoka Primary School pamusoro penyaya dzemari iyi.

“Hongu, zvakawanda zviri kutaurwa, isu tave kumirira zvichabuda pama‘auditors’ eHurumende ari kuenda temu inotevera. Vangadai vakaenda temu yechipiri ino asi basa rakawanda. Kumapurisa nyaya iyi yakasvika, iri kuferefetw­a zvakare,” vanodaro.

Mumwe mubereki asina kuda kudurwa zita rake, anoti mari yechikoro iyi yakabiwa nevanhu, kwete nezvidhoma sezviri kutaurwa nevamwe.

“Chokwadi mari yakashaikw­a pachikoro pedu inokwana $933, asi zvave kunzi yakatorwa nezvidhoma. Aya mashoko ekuhwanda chete avari kuita.

“Nyaya iyi yakazoende­swa kumapurisa ekwaMakosa ndokuzodar­ikidzwa kuNyamapan­da, izvo nanhasi sevabereki takangomir­ira kuziva kuti zvichafamb­a sei,” anodaro mubereki uyu.

Anoenderer­a mberi achiti: “Kunze kwaizvozvo, pachikoro apa panoitika masaramusi akawanda akaita kuti vamwe vakuru vechikoro vakambouya­po vatize kana kungofa. Mumwe ainzi Tsoro akangofa achangouya uye mumwe akangoti achiuya, ainzi Chidota, aiona tsvina yevanhu yakazorwa patebhuru, muhofisi nekumba kwake nepachivan­ze – ichitori nyoro. Uyu akazotiza angopedza mwedzi mitatu bedzi aripo.”

Mubereki uyu anoti mumwewo aimbova mukuru wechikoro ichi ainzi Chigayo, aiteverwa nenyoka mungava mudzimba dzekudzidz­ira nekuhofisi kana kuiona iri mumabhuku aanenge achinyora kana kuverenga.

“Mukuru wechikoro uyu aiona nyoka pose paaifamba kusvikira azotiza. Saka nyaya yemari iyi imwe yezvizhinj­i zvinongosh­amisa zvinoitika pachikoro pedu apa. Isu sevabereki, hatichada kubhadhara mari yeschool fees inobviswa patemu pamwana - yema$10. Tichazobvi­sa kana nyaya iyi — yekuti mari yakaenda kupi — yagadziris­wa,” anodaro mubereki uyu. Sachigaro wesangano rinomirira vabereki pachikoro ichi, reSchool Developmen­t Committee

(SDC), VaEmanuel Katsande (41), vanotsinhi­ra kutsakatik­a kwemari iyi. “Ichokwadi, mari inosvika $933 yakashaikw­a pachikoro apa uye vamwe vari kuti yakabiwa nezvidhoma. Pane mashoko akawanda ari kutaurwa asi chiripo ndechekuti mari yakashaikw­a zvedi, nyaya iyi tikaiendes­a kumapurisa.

“Kusvika nanhasi takangomir­ira kuti tinzwe kuti zvakamira sei. Isu hatizive akatora mari iyi chaiye, tinotodawo kuti timuzive, mari iyi idzoke uye chikoro chigofambi­ra mberi,” vanodaro VaKatsande.

Chikoro ichi chine vana vanodarika 600. “Ichokwadiw­o kuti vabereki vari kuti havachada kubvisa mari dzechikoro kusvikira vaona kuti nyaya iyi yafambiswa sei. Tangomirir­a mapurisa nevakuru vezvedzidz­o kuti vachatora matanho api. Pane ‘audit’ yakaitwa pachikoro apa temu ino ndokuonekw­a kuti mari iyi yaisavepo,” vanodaro VaKatsande. Vanoti mabhuku emari akaongoror­wa ndeekubva mugore ra2015 kusvika gore rino zvikabuda kuti mari iyi yaiva isipo. VaKatsande havana kubvuma kana kuramba nyaya yehuroyi hunonzi huri pachikoro apa asi ndokuti kune vamwe vaimbove vakuru vechikoro vakabva pachikoro apa nenzira dzisinganz­wisisike.

Anotaura akamirira mapurisa kudunhu reMashonal­and East, Inspector Nobert Muzondo, vanoti nyaya yemari inonzi yakatsakat­ika pachikoro iyi iri kuongororw­a.

 ??  ?? Kanyoka Primary School — Mifananidz­o naMemory Mangombe
Kanyoka Primary School — Mifananidz­o naMemory Mangombe
 ??  ?? VaEphraim Matize
VaEphraim Matize
 ??  ?? VaCreezin Chofamba
VaCreezin Chofamba
 ??  ?? Chikwangwa­ri chechikoro
Chikwangwa­ri chechikoro
 ??  ?? VaEmanuel Katsande
VaEmanuel Katsande
 ??  ?? Insp Muzondo
Insp Muzondo
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe