Kwayedza

Tinoda runyararo: President

- Tandayi Motsi

MUTUNGAMIR­IRI wenyika President Mugabe vanoti vanorumbid­za mauto eZimbabwe Defence Forces (ZDF) nebasa guru raari kuita mukuchenge­tedza runyararo munyika, vachiti runyararo urwu rwunofanir­a kuramba rwuripo apo Zimbabwe yakatarisa­na nesarudzo dzichaitwa gore rinouya.

President Mugabe — avo vanovazve mukuru wemauto eZDF — vakataura mashoko aya nemusi weMuvhuro svondo rino kuzviuru nezviuru zvevanhu zvainge zvakaungan­a kunzvimbo inovigwa magamba enyika, yeNational Heroes Acre, pazuva rekucherec­hedza magamba akarwira rusununguk­o rweZimbabw­e, reHeroes Day.

“Tinoda runyararo urwu, saka ndinoda kukutenda imi (veZDF), kutenda nyika yedu nerunyarar­o rwatinarwo nemauto edu nekutichen­getedza kwavari kuita,” vanodaro President Mugabe.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Mazuva atichaita sarudzo dzedu ari kuramba achisweder­a. Tava kuzosvika zvino kune mumwe mutambo muno munyika. Tava kugadzirir­a sarudzo dzedu. Tiri kuti sarudzo idzi dzichaitwa murunyarar­o, murunyarar­o mumapato akasiyana ezvematong­erwo enyika. Tinoda runyararo mumabasa edu.”

President Mugabe vanoti panofanirw­a kutsvagwa nzira dzekubatsi­ra vana vevaiva varwi vehondo yerusunung­uko mune zvakasiyan­a.

“Tinoda rubatsiro. Ndinoda kukumbira kwamuri kuti muendewo kumapurovh­inzi kwenyu muchiti President vari kuti vanoda rubatsiro rwevana vakasiiwa nevava vari pano (magamba akaradzikw­a paNational Heroes Acre) zvakare mhuri dzevamwe dzatichina­dzo, dzevarwi vehondo yerusunung­uko dziri kutambudzi­ka,” vanodaro.

President Mugabe vanotiwo zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabw­e zvibatane mukusimudz­ira nyika.

“Tinoda kuti tirambe takabatana pane zvinangwa zvakakosha zvekuti nyika yedu ibudirire,” vanodaro. ◆ Onai mifananidz­o

paPeji 15

 ??  ?? President Mugabe
President Mugabe
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe