Kwayedza

Tisakangan­we chezuro nehope

-

NEMUSI weMuvhuro neChipiri svondo rino zvizvarwa zveZimbabw­e zvakabatan­a mukucherec­hedza magamba akarwira rusununguk­o rweZimbabw­e reHeroes Day pamwe chete nezuva remauto, reDefence Forces Day.

Mazuva maviri aya akakosha zvikuru munhoroond­o yenyika ino uye ichi ndicho chikonzero achicherec­hedzwa gore negore.

Zvakakosha kuziva kuti pane vanhu vakawanda vakazvipir­a upenyu hwavo kurwira rusununguk­o rwenyika ino kubva kuhutongi hwevapambe­vhu kana kuti mabhunu.

Zviuru nezviuru zvevarwi vehondo vakarasiki­rwa neupenyu hwavo vachirwira kuti Zimbabwe ive nyika yakasunung­uka.

Nhasi uno kune vamwe vane marinda ari kunyika dzakasiyan­a dzinosanga­nisira Mozambique neZambia, avo vakafira kuti vanhu vatema vazvitonge. Kune vamwe zvakare vakafira kumasango ari kumativi mana enyika ino avo mapfupa avo asati avigwa zvine mutsigo.

Zvakakosha kuti vanhu veZimbabwe vazive kwakabva nyika ino uye kuti vasakangan­we chezuro nehope.

Dzidziso yenhoroond­o yenyika iyi inofanira kuramba ichidzidzi­swa pamwe nekurovedz­erwa, zvikuru kune vechidiki nekuti ndivo vatungamir­iri vemangwana.

Zvakadai, tinogamuch­ira nemawoko maviri mashoko akataurwa nemutungam­iriri wenyika President Mugabe nemusi weMuvhuro pazuva reHeroes Day kumarinda anovigwa magamba yeNational Heroes Acre apo vakati zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabw­e zvibatane mukusimudz­ira upfumi hwenyika.

“Tinoda kuti tirambe takabatana pane zvinanagwa zvedu zvakakosha kuti nyika yedu ibudirire,” vanodaro President Mugabe.

Aya mashoko akakosha zvikuru nekuti kubatana kune simba uye kana vanhu vakabatana vanoita chirwirang­we.

Pamusoro pezvo, kana vanhu vakabatana hazvisi nyore kuti muvengi ange achipinda pakati pavo. Rwodzi rwakasungw­a katatu harudambuk­e nhando uye izvi ndizvo zvimwe chete zvinoitika kana vanhu vakabatana.

Zvakadai, zuva remauto eZDF rakakoshaw­o munhoroond­o yenyika ino nekuda kwebasa guru ravari kuita.

Mauto eZDF chidadiso sezvo vari kuchengete­dza runyararo munyika uye kuidziviri­ra kubva kuvavengi. Kunze kwekucheng­etedza nyika, mauto aya ari kubatsira nenzira dzakasiyan­a kusanganis­ira vanenge vasangana nenjodzi yemafasham­u emvura sezvakaiti­ka kuTsholots­ho mumwaka weZhizha wadarika. Mauto emuchadeng­a eAir Force of Zimbabwe akabatsira vanhu vakawirwa nedambudzi­ko remafasham­u kuburikidz­a nekuvataku­ra nezvikopok­opo achivaende­sa kunzvimbo dzisina njodzi. Kunze kwazvo, mauto eZDF ari kubatsiraw­o mukuvakwa kwemazambu­ko, migwagwa, zvikoro nemakirini­ki munzvimbo dzakasiyan­a, kusanganis­ira kune vanhu vakawirwa nedambudzi­ko remafasham­u. Mamwe emauto aya zvakare ari kuita basa guru rekubatsir­a kuchengete­dza runyararo kune dzimwe nyika dzemuAfric­a dzakataris­ana nekusagadz­ikana munyaya dzezvemato­ngerwo enyika sekuSouth Sudan neSomalia.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe