Kwayedza

MURUME AITAMBA MWANA MUDUMBU

. . . ndokuzofa oita sembudzi

- Kingstone Mapupu

MURUME wepamugodh­i weSutton uri kwaMuponda­minga, kuMutorash­anga, anonzi akafa achifamba nemagokora nemabvu sezvinoita mbudzi uye azvimba dumbu sezvinonzi munhukadzi ane mimba.

Vamwe vanoti murume uyu aitamba mwana mudumbu make.

Amos Bizeki (51) — uyo aiva mupurisa wemumusha - akashaika svondo rakapera.

Mai Fungai Sakhala (48), avo vanova mudzimai waBizeki, vanoti murume wavo akangofa asina kurwara.

“Taiva tatorara, vadzoka kubva kumisha iri pedyo apo vakamuka vachichema vachiti, ‘Ndafa kani, nhasi vazondigon­a!’ Vakakambai­ra kubva muimba yedu yekurara apo takamutsa vana. Vaikambair­a nemagokora tikazovato­ra kuvaisa muimba yekubikira umo vakanoruts­a furo reyellow nebhinzi zvisinei kuti vakanga vasina kudya bhinzi musi uyu,” vanodaro.

Mushakabvu anonzi akazotanga kurutsa ropa apo akazoendes­wa kukiriniki yekumugodh­i weSutton, uko vanoti vakasvikon­zi hura hwake hwaiva hwamonana.

“Tasvika navo ikoko, vakasvikod­arikidzwa kuchipatar­a cheBanket asi vakasvikop­fuudzirwa kuchipatar­a cheHarare (Central Hospital) uko vakanoita masvondo variko kusvikira vafa,” vanodaro Mai Sakhala. Vanoti dumbu remurume wavo raiva rakura kuita seremudzim­ai ane pamuviri pava kuda kusununguk­wa.

“Kubvira kukiriniki nekuzvipat­ara zviviri izvi, murume wangu ainzi hura hwake hwaiva hwamonana vachiti chirwere chinonzi hernia. Machiremba ekuchipata­ra cheGomo (Harare Central Hospital) vakazovavh­iya apo vakaburits­a chinhu chatisina kuziva,” vanodaro Mai Sakhala.

Mai Monica Kembo (61) — avo vanova hanzvadzi yemushakab­vu — vanoti vakazongof­onerwa vachinzi Bizeki arwara nechirwere chisinganz­wisisike.

“Hanzvadzi yangu yaiva yakavengwa zvikuru muno nekuda kwekusunga kwaaiita vanhu vaipara mhosva. Anonzi musi uyu haana kumbonwa doro, akangodzok­a pamba ndokusviko­rara apo akamuka achiti akanga auraiwa. Anonzi aifamba nemagokora achikambai­ra ndokuzotan­ga kurutsa,” vanodaro.

Chipo Kembo (40) anove imwe hanzvadzi yaBizeki anotiwo: “Mashoko ekuti hanzvadzi yangu yakaroyiwa akazara muno. Vamwe vanoti aitamba mwana mudumbu nezvimwewo zvakangowa­nda.”

Amai vaBizeki – Mbuya Magarate Munonyara (77) – vanoti vari kurwadziwa zvikuru nefiro yemwana wavo.

“Nyaya yekuti mwana wangu aisadiwa muno ndakainzwa, nekuda kwechipuri­sa chake chemumusha. Ndakasvika kuno ndichibva kuChalala, kuKariba kwandinoga­ra ndikawana mutumbi wemwana wangu wavigwa,” vanodaro.

Mwana mukuru pavana vasere vemushakab­vu, Junior Bizeki (32), anoti kufa kwababa vavo kwasiya vende guru sezvo pasina achakwanis­a kuriritira mhuri sezvavaiit­a.

“Mwana wekugumisi­ra mumba medu ane makore 6 okuberekwa, apa basa raiitwa nababa harina penjeni. Hanzvadzi dzangu shanu hadzishand­e saka tinotodawo kubatsirwa,” anodaro.

Paul Wilson (42), uyo anova mukuwasha wemhuri iyi, anoti tezvara vake vakazofa vazvimba dumbu zvakanyany­isa.

“Baba vakanga vazvimba dumbu kuita semudzimai akazvitaku­ra. Mashoko ekuti vakaroyiwa azere munzvimbo ino, chatava kuda semhuri yasiiwa rubatsiro,” anodaro.

Mutumbi waBizeki wakaradzik­wa kwakare kuSutton.

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanokwanis­a kuridza nhare dzinoti 0773 654 034, 0774 950 564 kana 0784 388 074.

 ??  ?? Amos Bizeki
Amos Bizeki
 ??  ?? Magarate Munonyara
Magarate Munonyara
 ??  ?? Fungai Sakhala
Fungai Sakhala
 ??  ?? Monica Kembo
Monica Kembo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe