Kwayedza

‘Ndava murume wetokolosh­e’

- Daphne Machiri

PANE murume wekuBindur­a ari kuti atambura nekunzwa mazwi anotaura zvakasiyan­a munzeve dzake, kusanganis­ira kumuti upenyu hwake huri mumawoko ezvidhoma kana kuti “tokoloshe” uye kuti haafe akaroora.

Timothy Mbedzi — uyo anogara panhamba 144 Potland Farm — anoti dambudziko rake rakatanga pakashaya mukadzi wake mugore ra2014.

“Zvakatanga muna2014 pakafa mudzimai wangu Verengai Karimanzir­a Mahwani. Zvichiteve­ra kufa kwake, ndakaedza kuroora kanokwana kaviri asi madzimai acho nevana vaingofa,” anodaro Mbedzi.

Anoti anonzwa munzeve make izwi rinoti haafe akaroora zvakare.

“Ndinonzwa izwi richiti, ‘Tisu zvidhoma, takakupihw­a, haufanirwe kuroora’. Nzveve dzangu dzava kugara dziine maungira, ndinonzwa muchirira nyenze pamwe nehanga dzinochema. Zuva rega-rega ndichimuka ndinopenye­rwa nemheni nemoto mutsvuku uye maziso angu anobva atanga kubuda misodzi,” anodaro.

Anoti ane fungiziro yekuti izvi zviri kukonzerwa nezvakaiti­ka apo mudzimai wake akashaya sezvo achiti akagara nechitunha chake mumotokari kwemazuva maviri vari parwendo kubva kuBeitbrid­ge kuenda kuBindura.

“Ndinongofu­ngira kuti zviri kukonzerwa nemavigirw­o akaitwa mudzimai wangu. Baba vake, VaMatanhir­e Karimanzir­a, vakauya vachitora mutumbi wake kuBeitbrid­ge uko kwataimbog­ara tisati tatama. Ndakaita mazuva maviri ndakagara nechitunha mumotokari kumashure chakaputir­idzwa negumbeze chikapedzi­sira chave kunhuwa nekubuda mvura uye chakange chafuta,” anodaro Mbedzi.

Anoti mudzimai wake haana kuvigwa zvine chiremerer­a.

“Takamuviga sembwa mudzimai wangu, ndipo pakatanga zvose izvi.”

Anoti mumaziso ake anoona munhu achifamba pamberi pake asi vamwe vaanenge anavo vasingamuo­ne.

“Ndinoona munhu anoti vhee kufamba mumba mangu uye ndikati ndiyani ndinonzwa ruzha semunhu anotovhura gonhi obuda mumba.

“Izvi zvikaitika, ndinonzwa dzungu, dzimwe dzenguva ndotodonha. Pamwe ndinonzwa ruzha rwemota dzinodhumi­rana.”

Anoti anombofamb­a kumaporofi­ta nekun’anga asi hapana chiri kushanduka.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura natezvara vemurume uyu, VaKarimanz­ira, kuti vapewo divi ravo panyaya iyi.

 ??  ?? Timothy Mbedzi
Timothy Mbedzi

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe