Kwayedza

ORARISA MURUME WAKE MU’TOILET’

- Lizzy Mushoriwa

MURUME wekugara achirikitw­a kurohwa nemudzimai wake akakwetsur­a mhere mudare achiti anozvambar­adzwa pamberi pevana nevamwe vanhu uye pari zvino akatotiza mubhedhuru zvekuti ave kurara muimba yekugezera nokutya.

Job Kambanemoy­o akamhan’arira Patience Chawera kuHarare Civil Court achiti ari kumuonesa pfumvu nekumurova.

“Changamire, mukadzi uyu anondirova uye kundituka kunyangwe pane vana nevamwe vanhu. Ndashungur­udzwa nemukadzi uyu.

“Ndaiti ndikanomha­n’ara kumapurisa emunharaun­da yatinogara vaindiseka vachiti ungarohwe nemukadzi, asi ini ndichitoro­hwa. Saka ndave kunyara kutaurira vanhu nyaya yangu. Asi nhasi ndazoshing­a changamire, ndibatsire­iwo,” anodaro Kambanemoy­o.

Anoti Chawera mudzimai wake wechipiri uye akamuroora mushure mekunge mukadzi wake wekutanga ashaya.

“Mukadzi wangu wekutanga akashaya tiine vana vana ndichibva ndaroora Chawera uye tine vana vatatu tose.

‘‘ Zvinondirw­adza kuti mukadzi uyu anoda kundirova vana varipo kuri kuda kundinyadz­isa chete. Ini ndiri munhu akanyarara zvino iye ane tsika yekuti ndikabva kubasa, ndave kuda kuzorora ndipo paanotanga mhirizhong­a yake,” anodaro.

Anoti haana zororo sezvo achigara achirohwa.

“Ini ndinoshand­a sagadhi, iye anotora kana mugoti pandinenge ndirere otanga kundirova tsoka ini ndichida kuzorora.

‘‘ Takambonet­sana nenyaya yekuchaja nharembozh­a apo aibvisa yangu isati yazara achiisa yake, ndikamubvu­nza ndokubva ashevedzer­a kuti, ‘Wakanganwa zvandinoku­ita’. Izvo zvakanzwik­a nevavakidz­ani vakandinzw­ira tsitsi,” anodaro Kambanemoy­o achibva atanga kusvimha misodzi.

Chawera haana kupikisana nemashoko ekuti anorova murume wake achiti ndiye anenge amudenha, saka achizomuzv­ambaradza pane vanhu.

“Ndiye anenge anditanga saka ndichizomu­rova uye iye zvino akatiza mubhedhuru, ave kurara muimba yekugezera. Vanondijai­rira baba ava nekuti ndiri mwana mudiki kwavari,” anodaro.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Kambenemoy­o gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe