Kwayedza

Mainini, babamukuru mugumbeze rimwe

- Lizzy Mushoriwa

MUDZIMAI wekumira pamberi pedare achiti aimbova murume wake anomushais­a mugara achimurova nekumutuka akashaya pekupinda apo akanzi ipfambi yemakoko.

Wi n n e t Ma k o n a akamhan’arira John Sibanda kuHarare Civil Court.

“Changamire, ndauya kuno kuti murume uyu adziviswe hunhu hwake sezvo achindirov­a, kundituka uye dzimwe nguva anondiradz­ika panze kuchitonho­ra kana kuchinaya kusvika ndazoenda kumba kwedu,” anodaro Makona.

Anoenderer­a mberi achiti: “Ndakazobva kumba kwake mushure mekushungu­rudzwa asi anoti akandiona munzira anondituka, iye nehama dzake. Ndinoda kuti abhadhare bhiri rekuchipat­ara uko ndakasunun­gukira, asi haadi.”

Sibanda anopikisan­a nechikumbi­ro chaMakona achiti iye aida mukadzi wake nemoyo wose asi akamurwadz­isa zvikuru apo akamuwanik­idza arere nemumwe mukoma wake.

“Mukadzi uyu handina kumbobvira ndakamushu­ngurudza, handiti angadai akamhan’ara kumapurisa? Nyaya iripo ndeyekuti akandigura kunorira, ndaimuda asi ndakazomub­ata akarara nemukoma wangu chaiye mushure mekunge ndamutora kubva mubhawa maaitamba ndikamuroo­ra.

“Takange tatauriran­a kuti haaizodzok­era ikoko asi iye ndokuzosar­udza kusasana nemukoma wangu,” anodaro Sibanda.

Anoti mushure mechiitiko ichi, akaenda naMakona kwavatete vake asi vakaramba kugadziris­a nyaya yacho vachityira kuti anogona kuramba achiita hunhu hwekuenda kubhawa.

“Mushure mekunge ndamubata nemukoma wangu, ndakaenda naye kuna tete vake avo vakaramba kugadziris­a nyaya iyi vachiti angangorar­awo nemurume wavo.

‘‘ Zvimwe chete nababa vake vakambomur­ambawo asi vakazomuto­ra kwapera vhiki imwe,” anodaro.

Makona anoramba mashoko ekuti akashinha nababamuku­ru vake.

“Vanonyepa baba ava, ivo nehama dzavo ndivo vakaronga tsoro iyoyo vachida kuti vawane kundidzing­a nekuti musi wandakabva kumba kwavo mumwe mukadzi wake akabva atouya. Handina kumboshinh­a nababamuku­ru ini,” anodaro.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Makona gwaro redzivirir­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe