Kwayedza

‘Ndakakuram­ba, asi ndinokuda’

- Gamuchirai Muzanenham­u

MUMWE musikana anoti akarambwa nemukomana waaimbodan­ana naye asi zvino ava kugara achimunets­a achiti anofanira kupota achimugeze­ra mbatya dzake. Bernard Tapera akamiswa mudare reHarare Civil Court naMafaida Suwardi achimupome­ra kuti anomufoner­a achimutuka zvose nehama dzake.

“Nemukomana uyu takambodan­ana, asi akazondira­mba. Dambudziko nderekuti ava kupota achinditev­era kubasa achindishu­ngurudza. Anofona achindipop­otera, kana hama dzangu anotora nhamba dzavo mufoni mangu otanga kuvatuka nekutaura zvisirizvo pamusoro pangu,” anodaro Suwardi.

Anoenderer­a mberi achiti Tapera ndiye akamuramba asi zvava kumushamis­a kuti ava kumunetsa achiti anoda kuti vadzokeran­e.

“Ndiye akandiramb­a ndikazviga­muchira asi izvozvi ava kuita kunge ndini ndakamuram­ba nekuti ava kundishung­urudza. Ndava kutogara ndakadzima foni yangu asi akangoona kuti yabatira chete, ava kutondifon­era,” anodaro.

Achipawo divi rake, Tapera anoti ichokwadi kuti akaramba Suwardi asi akazomukum­bira ruregerero. “Zvaari kutaura handizvira­mbe, hongu ndakamuram­ba asi ndakamukum­bira ruregerero akaita seandirege­rera zvekuti anotorara kumba kwangu. Asi ndikada kuti andiwachir­e, anoramba zvinoita kuti ndizomufon­era ndichimupo­potera,” anodaro.

Anoti haapikisan­e nechikumbi­ro chaSuwardi chekuti apihwe gwaro redzivirir­o.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Suwardi gwaro redziviro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe