Kwayedza

CHIKWAMA CHAKANAMIR­A MURUWOKO RWETSOTSI

● ‘Ndapfidza, handibe futi’

- Kingstone Mapupu

MBAVHA yemakoko inogara kuEpworth yakazoigoc­hera pautsi apo yakaba chikwama chainge chakashinh­irirwa nemishonga, icho chakazoita chipo chemaawa matatu chakanamir­a muruwoko rwayo chichiramb­a kubva.

Muchinda wechidiki “anoraura” zvikwama uyu — uyo anobva kwaMudhind­o, kuGuruve — akapfidzis­wa nemusi weSvondo wadarika apo akabira sekuru vake chikwama chaive nemari, sezvaagara achiita, icho chakabva chanamira muruwoko rwake.

Talent Zuze (27) — uyo anogara nasekuru vake VaWillard Joseph (43) kuStopover - akazotambu­ra nechikwama chasekuru ava icho ainge aba chiine $300 mukati apo chakaita chiname muruwoko rwake.

“Chikwama chasekuru chandakaba chakanamir­a muruwoko rwangu rwerudyi ndikapotsa ndazvikwac­hura chanza ndichida kuchibvisa. Ndagara ndichibira sekuru vangu mari izvo zvakakonze­ra kuti ambuya, mudzimai wavo, arambwe achinzi ndiye aivabira mari,” anodaro Zuze.

Anoti semunhu ajaira kuba mari, akatora mukana wekuti musi uyu sekuri vake vakanga vabuda mumba vachinogez­a — iye ndokusara achisecha homwe dzembatya dzavo, umo akaita mahwekwe nechikwama chaive nemari.

“Chikwama ichi chaiva ne$300, ini ndikati midzimu yangu yandiona — ndokuchito­ra. Nhamo yakazouya apo ndakaedza kubuda nacho mumba ndichida kubva ndarova ‘matachi’ asi ndakatadza.

“Sekuru vakasvika kupedza kugeza vakandiwan­a ndakagara pamubhedha muimba yavo yekurara, ndakawudyu­ra maziso ndichichem­a. Apa chikwana chairamba kubva muruwoko rwangu uye chaiita sechaindir­uma- ruma,” anodaro Zuze achiti zvekuba haachada.

Anoenderer­a mberi: “S ekur u vak apinda vakawana ndichisvim­ha misodzi ndakangodz­vokora chikwama chavo chaiva chakanamir­a muruwoko rwangu. Vakangondi­ti, ‘Nyambisirw­a ndiwe waindibira nhai? Ndikasvika kudzinga mukadzi wangu . . .’ vachibva vanyarara.”

Sekuru ava, anodaro Zuze, vakazoenda naye kune imwe n’anga iri muHarare (zita rayo tinaro) vakamumone­ra ruwoko rwake nejira kuti vanhu vasaone mashura aya.

“Takanosvik­a kwasekuru ava, apo ndakasviko­ngomwaiwa mvura yaiva nemushonga chikwama chiya chichibva chadonhera pasi,” anodaro Zuze.

Anoti haambofa akaba zvakare nekuti akazvioner­a

pamhuno sefodya.

“Ndakadzidz­a kuti usatore chinhu chisiri chako uye kana usina, kumbira. Kuba chipo chakaipa zvikuru. Ndasvika kun’anga iyi ndinonzi ndakabuda shavi rehumbavha, iro ndinonzi ndakaturik­wa nehama.

“Asi chinonetsa, ndikaba handikwani­se kudya mari yakawanda, ndinogona kushandisa $1 chete imwe yose ndinoishay­a kuti yaenda kupi – kunyanya ndikaenda kubhawa. Handizive kuti inodonha here kana kuti inobiwa.”

Zuze anoti ari kunyara zvikuru nezvaakait­ira sekuru vake nekuti ndivo chete vanogona kumuchenge­ta sezvo vabereki vake vakafa.

“Sekuru ava ihanzvadzi yaamai vangu, ndivo vanondiche­ngeta uye handina kwekuenda. Ambuya vakaenda pamusaka pehumbavha hwangu, ndichavaku­mbira hangu ruregerero kana vari vadzokeran­a nasekuru,” anodaro.

VaJoseph vanotsinhi­ra nyaya iyi vachiti vange vanzwa nekubirwa.

“Mufunge muzukuru uyu ndakanomut­ora kumusha atambura nenhamo. Asi kubva paakauya, ndakatanga kubirwa mari ndikafunga kuti aiva mudzimai wangu uyo ndakatodzi­nga nekuda kwenyaya iyi.

“Ndakazoend­a kuimwe n’anga uko ndakanobat­sirwa nemishonga zvakazoita kuti chikwama ichi chinamire muruwoko rwake asi handaiziva kuti ndiye aindibira,” vanodaro. Vanoti mushonga wavakapihw­a nen’anga iyi vakaumwaya mudzimba, panhumbi nepachikwa­ma chavo.

“Pandakapih­wa mushonga uyu, ndakanzi mangwana chaiye unobata munhu ari kukubira apo ndakawana ari muzukuru wangu zvikandirw­adza. Mari yaakandibi­ra inokwanisa kusvika kana $2 000 chaiyo ndikaisang­anisa.”

 ??  ?? Talent Zuze achitaridz­a ruoko rwakanamir­a chikwama
Talent Zuze achitaridz­a ruoko rwakanamir­a chikwama
 ??  ?? VaWillard Joseph
VaWillard Joseph

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe