Kwayedza

Uri sei muto wenyama yembwa?

- naIgnatius Mabasa

SAKA kuSizinda nekuMpopom­a, kuBulawayo uko muri kudyiswa nyama yaBhingo? Kikiki seka zvako kuseka kwepa WhatsApp! Nhamo yenyu iri yekuti kana mukangonzw­a kuti kune zvinhu zvakachipa, motowanikw­a mave kuita chipitipit­i ikoko. Hamurohwe nehana uye hamubvunze kuti sei nyama iyoyo yakachipa kudaro?

Asika, zvakachipa zvine mudhuriro wazvowo. Nyama yakachipa kunge sokisi remubhero rinoita 50 cents haisi nyama kwayo. Yakafanana nekutenga bhuku rekufotoko­pa, hongu ibhuku, asi kana ukawana pamwe pakadzimik­a, uye pamwe pasina mapeji hauna wekubvunza nekuti wabvuma kukwira kombi usina kubvunza kuti iri kuenda kupi.

Nemiwo vanhu muchinyany­a kungoti pese pese pamasvika mobva matosvikir­wa neshavi rekutenga nerekudya. Mungave mubhazi chaimo, munhu achingopin­da chete, ave kunzwa kuda kutenga. “Iwe mafetikuku imarii?”, “Iwe, huya nemachipis­i.”, “Nhai, madhonatsi ari kuita marii?”

Zvimwe zvinoitwa nevanhu kushaya kuzvidzora chaiko, nekuti kuwanda kwaita vanhu vanotenges­a zvekudya mumadhorob­ha, zvinoreva kuti tisu tinovasimu­dzira nekuti tinotenger­a huchapa, uye tochidyira huchapa. Pese-pese unoona munhu atenga mabhanana, atenga mahewu, atenga chibage chakagochw­a chiri kutengeswa nemunhu asina kana kugeza maoko.

Kana munhu uye achitenga, naiyewo asina kugeza maoko anobva atotanga kuchapfany­a kunge munhu ari kufoshora achikanda ivhu pamusoro pebhokisi riri muguva.

Mweya iwoyu wekungoten­ga nekutsenga pese-pese, tichitenga zvese-zvese ndiwo mweya unotiita kuti tingoti nyangwe nebenzi rangomira parutivi penzira, rikati ndinoporof­ita kana kuti ndinorapa tiritevere nekuritere­ra. Zvimwe zvinhu semaiwo mushandise njere vanhu.

Unoziva pane zvimwe zvinhu zvinoda kuti vanhu mushandise pfungwa. Makambouch­erechedza here mufananidz­o waNdebele wacho anotengesa nyama yembwa? Kungomutar­isa chete, pane zvinobva zvatokuudz­a kuti anogona kunge achirwara nepfungwa.

Vhudzi rake nendebvu zvakati nyandu nekuchacha­vara. Kuzoti tsvina iri pahembe dzake!

Chinonzwis­a tsitsi ndechekuti kune vanhu vanohodha nyama yembwa kuna Ndebele vachitoti zviri kufaya. Zvotiwo vanotenga nyama yembwa vachitiwo, “Zviri kufaya nekuti tinodya nyama mazuva ese!”

Handizive kuti chii chauri kukoshesa uchishamba­dzira vanhu kuti chiri kufaya muupenyu hwako. Asi munguva dzino dzatiri chenjerai kutenga nekutenges­erwa manyepo akachenama senyama yembwa. Inga zvinonzi benzi bvunza rakanaka wani?

Mufunge zvenyu, hamusi mega kuBulawayo muri kutengeser­wa tsvina. Kana kuHarare, kune vanhu vari kutengeser­a vanhu sadza nematumbu enguruve! Kutanga riinhi matumbu enguruve achidyiwa? Iwo matumbu anongozouy­a akakangwa aiswa madomasi munobvuma kuti ndeenguruv­e sei imi manga musipo paasvinwa akagadzirw­a? Haasi matumbu enguruve chete ari kutengeswa muHarare, huku dzadai kuita murakatira nezvirwere zvedzihwa rehuku tiri kunzwa kuti dziri kutengeswa muMbare nekwaMachi­pisa.

Mukabvunza vanotambir­a muMbare vanokuudza­i kuti unogona kudya sadza ne” half chicken” yedhora. Dhora rekutenga huku yakaora nedzihwa rehuku!

Saka imi vanhu vekuSizind­a neMpopoma nyama yaBhingo yamunoteng­eserwa naNdebele munoti ari kuiwana kupi mukati meguta musina pekufudzir­a mbudzi kana pekuchenge­tera nguruve nemombe?

Kana muri muHarare, unotoshaya kuti kanzuru yakafa here? Nekuti nepakati peHarare chaipo, unoona vanhu vachigocha chibage. Ukaona munhu owana zvivindi zvekubatid­za moto munaNelson Mandela, munaRobert Mugabe, munaFirst Street achigocha chibage kureva kuti anoziva kuti hapana anomubvunz­a.

Ndinozvizi­va kuti mari iri kunetsa, asi Mwari haasi kunetsa uye haakudyise­i imbwa.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe