Kwayedza

College Press yotsigira ‘New Curriculum’

- Malven Mugadzikwa

KAMBANI ine mukurumbir­a mukudhinda mabhuku yeCollege Press Publishers inoti iri kufambiran­a neNew Curriculum kuburikidz­a nekutsikis­a mabhuku anoenderan­a nezvidzidz­o zviri mugwaro idzva refundo iri.

Mashoko aya akataurwa nemukuru anoona nezvekuten­geswa nekushamba­dzwa (head of sales and marketing) kuCollege Press, VaSam Ndanga, pagungano reZimbabwe Internatio­nal Book Fair (ZIBF) apo vakasangan­a nevakuru vezvikoro nevanyori vemabhuku muHarare nguva pfupi yadarika.

“Kubva pakaparurw­a New Curriculum kusvika pari zvino, tadhinda mabhuku anosvika makumi matanhatu nerimwe anobvira paECD kusvika kuForm 1, ayo anofambira­na negwaro idzva iri. Izvi tiri kuzviita takabatana nebazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i pamwe nevakuru vezvikoro kuitira kuti tidhindise mabhuku asingazora­sisi vana pakuvereng­a kwavo vava kugadzirir­a bvunzo. Hatisi kungogumir­a pane atakadhind­isa aya asi kuti tiri mubishi kudhindisa mabhuku emamwe magwaro,” vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Izvi tiri kuzviitira kuti vana vechikoro vasatenga mabhuku emukoto sezvo mazhinji acho anenge asinganyat­soverengek­a uye asiriwo anenge achidiwa muzvikoro.

“Mabhuku atinodhind­isa zvakare anenge akaongoror­wa kuti anoita here zvasiyana nemamwe anotengesw­a zvisiri pamutemo akagadzirw­a zvechikiri­bidi.”

VaNdanga vanoti vari kubatana nebazi redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i kuti rikurudzir­e vakuru vezvikoro nevadzidzi­si vatenge mabhuku akadhindwa zviri pamutemo.

“Kutenga bhuku rakagadzir­irwa mumukoto kuuraya munyori webhuku iroro nekuti ari kutengeser­a pamugwagwa anenge ari kutengesa zvekuba. Vanyori vemabhuku vanotarisi­rawo kuwana cheuviri kubva kune zvinyorwa zvavo. Dai zvakwanisi­ka vadzidzisi vakurudzir­wa kutenga mabhuku ari kutengeswa zviri pamutemo, zvinobatsi­rawo vananyandu­ri nevanyori.

“Huwandu hwevanhu vapinda mumusangan­o wedu – vanyori nevakuru vezvikoro – hunoratidz­a kuti pachine tarisiro yakanyanya yekuti vana vechikoro vanogona kuwedzera tsika yekuda kuramba vachiveren­ga mabhuku akasiyana-siyana,” vanodaro.

VaNdanga vanoti kambani yavo ine hurongwa hwekutenge­sa mabhuku ainodhinda padandemut­ande zvinova zvinoender­ana nechizvino-zvino.

 ??  ?? VaSam Ndanga
VaSam Ndanga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe