Kwayedza

Grade 7 Ngatizivei mwaka yedu yegore

- Ticha Danga

HUTSANZI hweMusiki hunobuda zvakare pachiitiko chakakosha apo Mwari vakasika zvinoitika gore rega-rega uye zvisingash­anduki. Mugore rega-rega tinowana pachiita shanduko kumamiriro ekunze zvichiende­rana nekuti tava mumwedzi upi.

Kune shanduko ina dzinoitika mumwedzi yegore. Shanduko idzodzi dziri ina ndidzo dzinotipa mwaka mina yegore. Mwaka mina iyi inoti Zhizha kana kuti Maenza kouyawo Matsutso ayo anoteverwa neChando kozouya Chirimo.

Mumwaka iyoyi iri mina mune zvakasiyan­a zvinoitika zvinoita kuti upenyu hwevanhu nemhuka hufambe mutserende­nde. Kubudikidz­a nekuziva zvose zvinoitika mumwaka iyi, vanhu vanoita gadziriro dzinoender­ana nemwaka wega-wega kuti zvigofambi­rana.

Mwaka weZhizha kana kuti Maenza unobatwa kana kuti unoputira mwedzi mitatu inoti Mbudzi, Zvita naNdira. Mumwaka uyu mvura yemunhuruk­a inonaya. Kazhinji inonaya kutanga kwaMbudzi. Ndiyo mvura yokutanga iyo varimi vanoshandi­sa pakukavira nekudyara mbesa.

Nekufamba kwenguva tichipinda muna Zvita, mvura zhinji yekukudza mbesa inobva yambot- sitsana kunaya. Sora rinoita nhangemuta­nge nechibage nedzimwe mbesa pakukura nokudaro vanhu vanoita bishi kusakura nekudzurir­a masora. Munguva iyi shiri dzinobva mhiri kwemakungw­a, dziya dzinonzi mashuramur­ove nemafudzam­ombe dzinouya dzichiswer­a dzichidya mhashu nezvitotot­o kumakura kunofudzir­wa mombe.

Twukara twunonanai­ra twunozvara­na nekuwanda. MunaNdira munozvarwa twupuka twutema twunonzi twundira utwo twunonanai­ra nekunamati­ra pamatombo. Mbesa dzinenge dzisati dzaibva nekudaro nzara inenge ichibvunza vanhu mitupo.

Mwaka wepiri ndiMatsuts­o. Matsutso anotora mwedzi mitatu inoti Kukadzi, Kurume naKubvumbi. Munguva iyi mbesa zhinji dzinenge dzasvika kana kuti dzakora. Maguta anenge avako uye ndiyo nguva iya inotanga kukohwewa zvirimwa muminda.

Tsapi nendyanga zvinotanga kuvakwa kuitira pekuzochen­getera goho. Ndipo panogadzir­wa tsero, tswanda nemasandan­ga zvekuzosha­ndisa kutakurira zvirimwa zvinenge zvobviswa muminda. Munguva iyi chisi chinorega kuyera.

Zvekudya zvinova saraude apo mbeva dzinenge dzocherwa, misungo nemadhibhu­ra zvekubata mhuka zvichiteiw­a.

“Kana tabva muMatsutso tinopinda mumwaka weChando. Mumwaka uyu ndimo munowanikw­a mwedzi inoti Chivabvu, Chikumi naChikungu­ru. Munguva iyi mvura yemadziura­chando inonaya.

Mabasa ekukohwa anoenderer­a mberi nekuti kucheka zviyo, mupunga, mhunga nemapfunde kunenge kusati kwapera.

Tsapi dzinenge dzichipedz­iswa kugadzirwa uye ndiyo nguva inomorwa uchi nyuchi dzisati dzanwa huchi hwadzo. Shiri dzinenge dzichiuya kumakoto nokudaro ndiyo yekuteya urimbo.

Vanhu vanotema huni dzekuzodzi­ya kana chando chofuridza. Zvirimwa zvinoiswa mumatura, mombe dzosairirw­a.

Mwaka wekugumisi­ra ndeweChiri­mo apo vana muvengabad­za vanoswarad­za nekuti mabasa emuminda anenge ava mashoma. Mombe dzinenge dzosairirw­a nokudaro vajana vemombe vanenge voswero sika nyimo mumakura nekutamba bhora rezvikwesh­e.

Ndipo mvura yeGukurahu­ndi inonaya.

Ndiyo zvakare nguva inorohwa makuva. Zvikomana nezvisikan­a zvinoswero tiburana kumatuhwin­o zvichidhig­idha. Ngoma dzemafaro nedzekupir­a midzimu dzinodanda­urwa.

Mumwaka uyu ndimo munonaya mvura yeBumharut­sva. Nemhaka yekuti mabasa anenge ave mashoma, ndipo panowana vanhu mikana yekushanyi­rana. Basa rinenge rasara ndere kusosera mapindu kudzivirir­a mbudzi nemombe dzinenge dzisisafud­zwe.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe