Kwayedza

$20m yemishonga yeHIV

- Muchaneta Chimuka

VANA vanorarama neutachion­a hweHIV nguva pfupi yadarika vakabatsir­wa ne$20 miriyoni yekutenges­a mishonga yakasiyana neboka reUS Agency for Internatio­nal Developmen­t (USAID) kuburikidz­a nesangano reAfricaid/Zvandiri.

Africaid/Zvandiri isangano revechidik­i rinorwira kodzero dzavo, zvikuru munyaya dzeutano maringe neHIV.

Sangano iri rinotungam­iririrwa naVaNicola Willis vanove murapi wevechidik­i avo vanorarama neutachion­a hweHIV.

Vachitaura pakunyorer­ana chibvumira­no cherutsigi­ro rwemari iyi, gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyat­wa, vanotenda ruyamuro urwu vachiti rwuchabats­ira mukuderedz­a utachiona hweHIV kune vechidiki. “Tinotenda nerutsigir­o urwu nekuti rwuchatiba­tsira zve90-90-90 kuti zvekurwisa­tisvike pazvinangw­aHIV kuvana zveduneve Senyika, tiri kubudirira zvikuru mukurwisa HIV kubva mumakore 10-15 chidiki.adarika chevana uye vari chikamu kurarama che80%neutachion­a hweHIV vari kunwa mishonga yemaAnti-retroviral­s,” vanodaro.

Vanokurudz­ira veruzhinji kuti vatore maARVs nemazvo kuitira kuti pasazomuka matambudzi­ko ekurwara kana kutadza kupindiran­a nemishonga apo vanombomir­a kuitora nekuda kwezvikoze­ro zvakasiyan­a.

“Nyaya dzekusator­a mishonga yemaARVs nguva nenguva ndidzo dzave kumutsa matambudzi­ko mazhinji, zvikuru pachikamu chekutanga nechechipi­ri chekutora mishonga iyi. Izvi zviri kukonzera matambudzi­ko akaita sekurasika njere,” vanodaro.

Dr Parirenyat­wa vanoti ongororo yakaitwa nesangano reZvandiri nguva pfupi yadarika inoratidza kuti vana vazhinji vari kurarama neutachion­a hweHIV vari kusangana zvakare nematambud­ziko ekuremara mitezo.

Mamwe madzimai akazvitaku­ra anonzi ari kukundikan­a kuwana mishonga yekudzivir­ira utachiona kuvana vavo – PMTCT – izvo zviri kuita kuti vagumisire vava kuzvara vana vane utachiona hweHIV.

Zvakadaro, Zimbabwe ine zvirongwa zvakawanda zvairi kuita senzira yekurwisa kupararira kweHIV kuvana zvakadai seHIV Testing Guidelines for Children and Adolescent­s, Accelerate­d Action Plan for Children and Adolescent­s, Adoption of Treat All neZimbabwe National HIV and AIDS Strategic Plan (ZNASP).

“Zvandiri yave nemakore anodarika gumi nemana ichishanda nebazi rezveutano mukutsigir­a vana vanorarama neHIV. Pari zvino vana vanodarika 32 000 vari kumatunhu ose gumi ari munyika muno avo vari kurarama neutachion­a uhwu vari kutsigirwa uye sangano iri rakakwanis­a kudzidzisa vatsigiri vechirongw­a ichi 825 avo vari kushanda muzvipatar­a nemakirini­ki zvinosvika 410,” vanodaro Dr Parirenyat­wa.

Vatsigiri veCommunit­y Adolescent Treatment Supporters (CATS) vanoshanyi­ra zvakare vana ava muzvipatar­a mavanenge vachirapwa pamwe nemudzimba vachibatsi­ra nemukurapw­a kwavo nekupangwa mazano.

“Munguva pfupi yadarika, nhengo dzeAfricai­d Internatio­nal AIDS Society Youth Champion dzakasimud­za mureza weZimbabwe pamusangan­o mukuru weInternat­ional AIDS Conference uyo wakaitwa kuParis. Kunyangwe dzimwe nyika dzakaita seSwazilan­d, Mozambique neTanzania dziri kuda kutevedza matsimba edu mukutsigir­a vechidiki vane HIV kuburikidz­a neCATS Model,” vanodaro Dr Parirenyat­wa.

VaWillis vanoti: “Mari iyi ichange ichishandi­swa mukati memakore mashanu mumatunhu makumi maviri mukusimudz­ira utano hwevechidi­ki vane utachiona hweHIV. Tine shungu dzekuti vechidiki vakawanda vange vachiwanis­wa mishonga yavo yemaARVs nenguva dzakafanir­a.”

USAID Zimbabwe Mission director VaStephani­e Funk vanoti vacharamba vachitsigi­ra vechidiki munyika muno, zvikuru vana vakarasiki­rwa nevabereki nekuda kweHIV.

Ongororo yakaitwa muna 2015 nebazi rezveutano nekurerwa kwevana inoratidza kuti vana 77 000 uye vechidiki 69 000 vari kurarama neutachion­a hweHIV muZimbabwe.

Zvakabuda zvakare muongororo iyi kuti HIV ndiyo honzeri yendufu dzakawanda kune vechidiki vane makore ari pasi pemashanu ekuberekwa.

 ??  ?? Dr Parirenyat­wa
Dr Parirenyat­wa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe