Kwayedza

Shuramurov­e adzoka mudariro

- Abel Ndooka

MUIMBI wemusambo weAfro-fusion, Chenjerai Shuramurov­e Maviki, uyo vazhinji vanoziva saShuramur­ove — anoti zvakakosha kuti vaimbi vabatane mukutsikis­a mimhanzi sezvo izvi zvichibats­ira mukusimuki­ra kweindasit­iri iyi.

Shuramurov­e, uyo akambonets­a nekambo kanonzi “Ella” ako akatsikisa mugore ra2014, akabura dambarefu rake rechipiri rinonzi “African Agenda” iro akashanda nevaimbi vanosangan­isira Leonard Zhakata naFirst Farai.

Anoti kushanda kwaakaita nevaimbi ava kwakakosha chaizvo sezvo kuchivabat­anidza.

“Humbimbind­oga hautombodi­we mumhanzi nekuti hapana kwahunokus­vitsa saka kubatana uye kuve mhuri imwe kunobatsir­a kuti tese sevaimbi tisimukire.

“Ini ndakamboim­ba kare ndikambony­arara zvangu saka ndadzoka zvakare mudariro uye mukudzoka kwangu ndakazvion­a zvakakosha chaizvo kuti ndishande nevaimbi nekuti zvinobatsi­ra tese sevaimbi kusimukira,” anodaro Shuramurov­e.

Anoenderer­a mberi achiti, “Rutsigiro rwandange ndichiona kubva kuna mukoma Zhakata naFirst Farai runosimudz­ira zvikuru uye zvinoita kuti semuimbi urambe uchishanda kuti mhanzi yako igosvika kure.”

Anoti mhanzi yake yaari kurova inonzi Shuramurov­e Music uye kushanda kwaari kuita nevamwe vaimbi kunovabats­ira kuti vange vachikwezv­a vatsigiri vakawanda k uma sh o o ava nenge vachiita.

“Nyaya yemashoo mazuva ano iri kunetsa nekuti vamwe vatsigiri mari havana iri kunetsa kuwana saka kana vachida kuuya kuzokutsig­ira unotofanir­wa kunge uchikwenya zvekumberi kana kuti munenge makawanda sevaimbi muchiita mushandira­pamwe. Ndosaka ini ndiri kushanda nevamwe vaimbi kuti tisimudzir­ane,” anodaro.

Zvakadai, dambarefu raShuramur­ove reAfrican Agenda rine nziyo dzinoti “Yuna”, “Handichaon­i”, “Africa”, “Samere”, “Chapungu”, “Mupata weDhibhura”, “Guruve Chinyau” uye “Zimbaland”.

 ??  ??
 ??  ?? Shuramurov­e
Shuramurov­e

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe