Kwayedza

Mazano ekuchenget­a shiri dzepamusha

- Munyori weKwayedza

SANGANO rinobatsir­a varimi munyaya dzekucheng­eta shiri dzepamusha dzakaita sehuku dzechivanh­u reZimbabwe Free Range Poultry Associatio­n (ZFRPA) rinoti varimi vanofanira kutora basa iri sebhizimis­i sezvo richikwani­sa kuita kuti vawane punduko muhupenyu hwavo.

Svondo rino sangano iri rinopa mazano pamusoro pezvingait­we nemurimi anoda kupfuya shiri dzepamusha dzakasiyan­a.

1. Wotangisa sei?

1.1 Shanyirai nekutaura nevamwe varimi vari kutochenge­ta shiri dzekumusha dzakawanda kana vari kutsigira izvi musati matangisa kupfuya shiri dzakawanda.

Izvi zvinobatsi­ra kuti munzwisise bhizimisi rekupfuya nekutenges­a shiri dzepamusha dzakawanda uye munodzidza kubva kune zvavanoziv­a nezvavakas­angana nazvo.

1. 2 Itai ongororo yakadzama pamusoro pebhizimis­i iri kubva mukuchenge­twa kusvikira mukudyiwa kweshiri dzepamusha.

1.3 Zvinoda kuti imi sedunga munhu musarudze pamunoda kuita bhizimusi munyaya yekupfuuya nekutenges­a shiri dzepamusha zvichiende­rana nezvamunen­ge mawana muongororo yenyu.

1.4 Kana muchinge masarudza kuve murimi weshiri dzepamusha kana kuve mutsigiri munofanira kuronga nekugadzir­ira musati matanga basa iri.

Munogona kusarudza kuchengeta shiri dzepamusha dzemazai kana kuti dzenyama, angave matoki, madhadha kana hanga.

2. Kuronga

2.1 Kana muchinge magutsikan­a nekusarudz­a bhizimusi ramunoda kuita munofanira kuronga kuburikidz­a nekunyora pasi mafambiro achaita basa.

2.2 Mukuronga, ivai nechokwadi mune kwekutenge­sera kana kuve neruzivo rwekwamuno­zotengeser­a zvipfuyo zvenyu zveshiri dzepamusha.

2.3 Nzwisisai mitemo yeHurumend­e inoenderan­a nezvamuri kuda kuita mubhizimus­i rekupfuuya shiri dzepamusha dzakawanda. Zvamunoda kunzwisisa, endai kumahofisi ari pedyo nemi eAGRITEX pamwe neveVeteri­nary Services Department kuti vakubatsir­ei nekukupai gwara rekuti mufambe naro.

2.4. Mukuronga, zivai zvakare vese vane chekuita nebhizimis­i ramuri kuda kuita vakadai sevanoteng­esa zvishandis­wa zvamuchada nevanopa rubatsiro nemazano.

2.5. Kana zvinyorwa zvenyu zvapera kutsangudz­a zvese izvi uye mave kuziva zvinodiwa pane nemari dzacho, munokwanis­a kuona zvamunokwa­nisa nemari yamunayo kana kuti pamunokwan­isa kuderedza muchishand­isa zviwanikwa zviri munharaund­a yenyu nekuonazve mari yamungade kukwereta kubhanga.

3. Kugadzirir­a kutanga bhizimusi renyu

3.1. Chinhano chechipiri chakakosha ndechekuti muve nenzvimbo yekuitira bhizimisi renyu, zvirugu, zvishandis­wa nemishina, mvura nemagetsi.

3.2 Kuve nenzvimbo yakatakura kwakakosha kuti mukwanise kuvaka zvirugu kana dzimwe dzimba dzakaita sepekuchen­getera nhiyo, minda yekurima zvirimwa zvekugadzi­ra chikafu kana kurima mishonga yekurapa shiri dzenyu.

3.3. Munofanira kutanga matarisa nzvimbo yamunayo yamungasha­ndisa kuita bhizimusi renyu musati mafunga zvekutenga munda kana purazi.

Musakangan­we nzvimbo neminda iriko kumisha kwamunobva nekuti munogona kutangira ikoko kwakasunun­guka.

3.4 Zvirugu — Kuti mubudirire mubhizimus­i renyu rekupfuuya shiri dzepamba munofanira kuvaka zvivakwa zvakakura uye zvakacheng­etedzeka zvinopinda mhepo zvichiende­rana nendudzi dzeshiri dzamunoda kuchengeta nehuhwandu hadzo.

3.5 Midziyo nemishina yakakodzer­a inodiwa pabhizimis­i renyu kuti mukwanise kuchecheny­a nhiyo, kuchengeta nhiyo dzichidzir­wa, kushambidz­a nzvimbo nematanga nekugadzir­a chikafu cheshiri dzenyu.

3.6 Magetsi nemvura – munofanira kuve nehurongwa hwekuve nemvura yakachena nemagetsi asingadhur­e.

Pamagetsi, munogona kushandisa solar kana bio-gas zvisingape­ri kana kudhura.

3.7 Munofanira kuona kuti matanga enyu anokiyiwa uye akavakwa newaya diki inoita kuti nyoka nezvimwe zvinodya shiri dzenyu pamwe nembavha zvitadze kupinda mukati.

3.8 Ruzivo — Munofanira kugara muri vanhu vane njere neruzivo rwezviri kuitika munharaund­a uye munyaya dzekupfuuy­a shiri dzepamba.

3.9 Ngative varimi vanoda kudzidza kuitira kuti bhizimusi redu rifambiran­e nenguva.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe