Kwayedza

Kunowanikw­a mbeu dzeSeed Co

- Charles Munyoro ◆ Charles Munyoro murimisi mukuru kuSeed Co.

APO tichiita gadziriro yemwaka mutsva weZhizha, tinoda kuzivisana kunowanika mbeu dzenyu dzeSeed Co. Zvakakosha kuziva kunotenges­wa mbeu kuti tizvidzivi­rire pakutenga mbeu isina kuuchikwa nekutenga mbeu isina kuiswa mishonga inokurudzi­rwa.

Seed Co inouchikir­a mbeu dzayo kumaResear­ch Station anoti Ratray Arnold Research Station - munzira inobva muHarare ichienda kuShamva, Kadoma Research Station neStaplefo­rd Research Station. Uku ndiko kunouchikw­a marudzi nemarudzi embeu, kubvira pambeu dzechibage, dzesoyabhi­nzi, mbeu dzegorosi, dzeshuga binzi, dzenzungu, nyemba nedzemapfu­nde.

Nyanzvi dzeSeed Co dzinouchik­a mbeu idzi dzichiongo­rora zvakasiyan­a-siyana, kubvira kuvandudza goho rembeu, kuuchika mbeu dzinozvidz­ivirira kuzvirwere, kuongorora zvipembene­ne zvinodya mbeu idzi, kutivirira kuzuva kwembeu, kuongorora nguva inoibva marudzi embeu nekwadzino­kodzera kurimwa.

Mbeu iyi yauchikwa, ichazonori­mwa muminda yemumapura­zi nekumaruwa muZimbabwe kwakasiyan­a-siyana.

Mbeu iyi inorimiswa nenyanzvi dzemadhume­ni eSeed Co vakabatana nemadhumen­i eHurumende veSeed Services.

Mbeu yakohwewa, yatsokonyo­rwa, yaiswa mumasaga uyezve yaiswa mushonga wekudzivir­ira zvipfukuto, inozouya kufakitori yeSeed Co iri kuStaplefo­rd, kuMt Hampden kuti izochiongo­rorwa kekupedzis­ira ichiiswa mishonga yozoiswa mumasaga.

Iko zvino mbeu iyi yava kuwanikwa kubva pamapakiti anoti 500g, 1kg, 2kg, 5kg, 10kg ne25kg. Kune mamwe marudzi echibage ava kuwanikwa ari pama5 000 kernels, 10 000 kernels, 20 000 kernels ne50 000 kernels.

Mapakiti anoiswa mbeu iyi anonyorwa zita kana kuti nhamba dzemurimi anenge arima mbeu yacho negore raanenge airima.

Tinonyoraz­ve zuva raiswa mbeu iyi mumasaga, kumera kwembeu (germinatio­n %) nekuchena kwembeu (purity %). Izvi zvose zvinoitirw­a kuti murimi atenge mbeu chaiyo yeSeed Co.

Mbeu iyi kana yaiswa mumasaga, yavakuende­swa kumaDepot eSeed Co akapararir­a neZimbabwe yose. MaDepot edu anowanika kunzvimbo dzinotever­a: Harare, Chinhoyi, Karoi, Chegutu, Kadoma, Kwekwe, Gokwe Centre, Gweru, Bulawayo, Guruve, Bindura, Murewa, Mutoko, Marondera, Rusape, Mutare, Chipinge, Chiredzi, Masvingo neChivu.

PamaDepot apa panotarisi­rwa kuti patengwe mbeu navanamuzv­ina chitoro.

Vane zvitoro ava ndivo vanozoteng­esera isu varimi.

Zvakakosha kuti muzive kuti uyu muzvinachi­toro anotengesa mbeu yechokwadi here yeSeed Co. Munobvunza varimisi vedu veAgritex neveSeed Co.

Pazvitoro izvi, tinoedza kuisa zvinyorwa zvakanzi “Seed Co stockist”, mapepa anenge akanyorwa mhando dzembeu (posters), mepu inotaridza nzvimbo dzemuZimba­bwe nemarudzi echibage anorimwa ikoko. Tinogona zvakare kunyora pamusoro pemusiwo wechitoro chinotenge­sa mbeu, kuisa zvinyorwa muzvitoro zvinotarad­za nzvimbo dzinobva murimi nembeu yaangarima, nekuisa mireza (tier drops” yeSeed Co panze pezvitoro.

Vanamuzvin­a chitoro (traders) vanokurudz­irwa kuti vakwanise kuti varimi vatenge mbeu nenzira dzakawanda dziri kushandisw­a mazuva ano sezvo mari chaiyo (cash) iri kunetsa kuwana.

Tinovakuru­dzira kuti vape mukana wekuti varimi vatengewo neEcoCash kana dzimwe dzira dziriko mazuva ano.

Zvitoro zvinotenge­swa mbeu dzeSeed Co zvinobvira kumaWholes­alers akaita saana Mohammed Mussa, N, Richards, Metro Peech, Gains, Trade Centre, Radchart; zvitoro zvakaita saana OK, TM Pick & Pay, Food World, Spar, MFS, Choppies, Pote, mahardware akaita saana Farm & City, Omnia, Mantan Investment­s, NTS/Farm Shop, Wiruma, Farmbiz, Bicro, Verterinar­y Distributo­rs, Packzone, TSL/ Agricura nemaGenera­l Dealers akatekeshe­ra nenyika yose.

Kana tatenga mbeu yedu, varimi tinokurudz­ira kuti mudzicheng­etewo pakanaka. Pakanaka apa ponofanira kunge pari panhu panokwanis­a kugarawo vanhu zvakasunun­guka.

Panhu pakachena, panopinda mhepo, pasingapis­e (room temperatur­e) uyezve pasina hunyoro. Mbeu inofema zvinongoit­awo vanhu saka ichida mhepo nekusapisa kwakanyany­a. Ikaiswa panopisa zvakanyany­a inogona kutofa mwoyo wayo yotadza kumera.

Hunyoro hunogona kukonzera kuti mbeu iyi imere mwoyo wayo imi musingaziv­e mozozviona madyara mumunda, saka ngaticheng­etei mbeu yedu pasiri pasi chaipo asi pakasimuki­ra (pallet).

Iko zvinono varimi vari mushishi kutenga mbeu dzemumagad­heni. Mbeu idzi dzinobvira dzechibage nedzesugar beans.

Vari kudyara mbeu dzechibage vanokurudz­irwa kuti vasanganis­e mbeu yavo nemushonga wekudzivir­ira chirwere chinonzi maize streak virus.

Chirwere ichi chinoparad­zirwa neutachion­a hunoparadz­irwa nehwiza kana yasvisvina muto wechibage.

Mishonga inogona kushandisw­a ndeinoti Gaucho kana kuti Cruiser. Munogona kutenga mbeu yakasangan­iswa kare nemishonga iyi. Mbeu yenyu yechibage chekugocha ndeinoti SC 403, SC 513, SC 627, SC 637, SC 719 neSC 727. Idzi mbeu ndedzechib­age chichena.

Kuchibage chitsuku, mbeu yenyu inonzi SC 608. Mbeu iyi yakapihwa zita remadunhur­irwa rinonzi “Fire Cracker”.

KUTI SEED CO NDIKO KUTI MBEU . . . KUTI MBEU NDIKO KUTI SEED CO!

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe