Kwayedza

Vopunduka nemadiridz­iro

- Kingstone Mapupu

VAGARI vekunharau­nda yekwaDende­ra kwaMambo Mukota, kuMudzi, vobatsirik­ana zvikuru nekurima mwaka wese wegore nekuda kweminda yemadiridz­iro pasi pechirongw­a cheDendera Irrigation scheme.

Minda iyi inowanikwa kuWard 2 Mukota uye varimi vakawanda vari kuwana punduko nekurima zvirimwa zvakasiyan­a izvo vanotenges­a.

Madiridzir­o aya anonzi akatanga mugore ra2005 kuburikidz­a nerimwe sangano rakazvimir­ira rakaisa mapombi nezvimwe zvinosanga­nisira ruzhowa rwewaya.

Sachigaro wechirongw­a chemadirid­ziro aya ndaVaGodfr­ey Kungwengwe vachiteved­zerwa naVaFarai Kaitano (57).

VaKaitano vanoti varimi vane chitsama vari kuwana punduko zvikuru nekuda kweminda iyi.

“Tinorima nguva yose yegore uye tiri varimi 78 pamwe chete vane zvidimbu zveminda yakasiyana. Chirongwa ichi pachakatan­gwa pakatorwa varimi vaive neminda yaiva padyo nedhamu reDendera, mvura iyi inofamba yoga negravity kubva mudhamu iri kuuya kuminda yedu,” vanodaro.

VaKaitano vanoti vanorima zvirimwa zvinosanga­nisira chibage chemuchiri­mo nechemuzhi­zha, nzungu, muriwo, bhinzi, derere, matomatisi, michero yakasiyana, nzimbe nehanyanis­i.

Zvirimwa zvavo vanotenges­era kwakasiyan­a kusanganis­ira mumisha yemunharau­nda yavo, kumataundi­shipi akakombere­dza uyewo nepachikor­o chebhodhin­gi cheDendera High.

“Hatinetsek­e nekwekuten­gesera zvirimwa zvedu sezvo zvinoperer­a muno makare,” vanodaro VaKaitano.

Zvakadai, dambudziko ravo vanoti havana hinjini dzekushand­isa kudhonza mvura kubva kudhamu iri zvavanoti imwe nguva inovaperer­a isisakwani­se kuramba ichiyerera yoga kuenda kune minda yavo.

“Tinopanana mikana yekudiridz­a zvirimwa zvedu kuti mvura isapereved­ze sezvo ichitanga yaenda kudhibhi redu uko tinozoidho­nza kusvika kuminda yedu. Shungu dzedu tinoda kutsvaga hinjini dzekudhonz­esa mvura pane kushandisa gravity,” vanodaro.

Vanoti kune mamwe masangano anombovaba­tsira nekuvawani­sa mbesa dzakasiyan­a dzezvirimw­a, fetereza nemishonga.

Varimi vari kushandisa madiridzir­o aya vanosangan­isira vanogara kumabhuku anoti Chiringa, Zhuwawo 1 neZhuwawo 2.

“Tine mamwewo madiridzir­o muno anoti Kondo Irrigation Scheme neKawondom­a ayawo varimi vari kubatsirik­ana zvikuru nekuwana raramo vachitenge­sa zvirimwa pamwe nekuendesa vana kuzvikoro,” vanodaro VaKaitano.

 ??  ?? VaFarai Kaitano vachitarid­za chirimwa chavo chebhinzi nguva pfupi yadarika
VaFarai Kaitano vachitarid­za chirimwa chavo chebhinzi nguva pfupi yadarika
 ??  ?? Ruzhowa rwakakombe­redza imwe yeminda paDendera Irrigation Scheme
Ruzhowa rwakakombe­redza imwe yeminda paDendera Irrigation Scheme

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe