Kwayedza

‘Tinoramba tichipa chikafu muzvikoro’

-

GURUKOTA redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i Dr Lazarus Dokora vanoti chirongwa chekupa vana zvekudya muzvikoro chicharamb­a chichiende­rera mberi — mungave munguva yenzara kana yemaguta — sezvo chichibats­ira zvikuru kuti vadzidze vakasunung­uka.

Vakataura mashoko aya vari paMatenda Primary School, kuZvishava­ne apo vaiparura chirongwa chekuwanis­a zvikoro zveko mvura yekushandi­sa, cheWater Source Developmen­t Project icho chakaona zvibhorani 11 zvichicher­wa nguva pfupi yadarika.

Chirongwa chemvura ichi chiri kutsigirwa nesangano reWorld Food Programme rakabatana nemamwe anoti Adventist Developmen­t neRelief Agency Zimbabwe.

“Nzara nehurombo zvinoita kuti vana vakundikan­e kubudirira mudzidzo yavo nekudaro Hurumende ichaendere­ra mberi nekupa vana zvekudya muzvikoro zvisinei nekuti munyika mune nzara here kana kuti maguta.

“Zvibhorani izvi zvichabats­ira muutano hwevana vechikoro nekuti vachakwani­sa kurima mapindu epachikoro,” vanodaro.

Dr Dokora vanoti mabhindauk­o aya auya panguva yakanaka apo vana vari kuita zvidzidzo zvekurima pasi pechirongw­a cheNew Curriculum Framework (20152022). Zvishavane ine vana 24 000 avo vari kuita dzidzo yepuraimar­i ne10 400 vesekondar­i.

Zvimwe zvikoro gumi zvinoti Mapedza, Gwemombe Dip, Gwemombe Langwani, Zungwi, Makovere, Woodlands, Fishu, Venge, Shiku neTom Chibi zvakabatsi­rwawo nezvibhora­ni newaya yeruzhowa.

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, director weWFP, VaEddie Rowe, vanoti vacharamba vachitsigi­ra nharaunda dzakasiyan­a kuti dziwane mvura yakachena uye iri pedyo.

“Basa redu richaramba richiender­era mberi apo tinenge tiri kutsigira Hurumende muzvirongw­a zvayo sezvekuwan­isa vana vechikoro zvekudya munyika.

“Tarisiro yedu huru ndeyekuona vana vachiraram­a upenyu hunoendeka uye vachibudir­ira mudzidzo yavo,” vanodaro. –

 ??  ?? Dr Dokora
Dr Dokora

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe