Kwayedza

Zvinoreva mazita

- Munyaradzi Gunduza

11. Sarudza vatambi vashanu vari muna Museve Usingapots­e ugotsanang­ura kuti mazita avo anofambira­na sei nezvinoiti­ka murungano urwu. [25]

Karinge izita rakabva pachiito “ringa” zvichireva munhu anosara achitarisa kana kuchengeta vamwe vanhu zvakanaka. Izvi zvinozadzi­swa naKaringe anodzora umambo hwababa vake, VaChakaing­esu hwakanga hwapambwa naPondai. Zvinoonekw­azve paanoenda kunotakanu­ra hanzvadzi dzake dzakanga dzatapwa naMambo Tineshungu, ndokuzodzo­kera nadzo kumusha kwavo.

Masariranh­amo zvinoreva kusara munhu uchitambud­zika mushure mekusiiwa kana kufirwa nemudikani. Izvi zvinojekes­wa naVaMasari­ranhamo vanosara vachitambu­dzika zvikuru mazuva anopotera murume wavo, Pondai kwaMambo Mupambi asiya asina kuvaoneka. Tinozviona­zve panobatwa Pondai naKaringe achida kuuraiwa, VaMasarira­nhamo vanotanga kudemba-demba vachiti arege kuvaurayaw­o vasarire zvavo nhamo yavo, ndokubva vadyungwa pamuromo naVaMatose. Mupambi izita rakabva pachiito chekupamba, zvinoreva munhu ane udyire kana anotora zvinhu zvisiri zvake achishandi­sa chisimba. Zvinozadzi­swa naMambo Mupambi vanoronga hondo yekubatsir­a Pondai kupamba nyika yaMambo Chakainges­u nekuti vakanga vavimbiswa zvipfuyo nemadzimai. Tinozviona­zve pavanotumi­ra mauto avo kuti anopamba pfuma yaMambo Mushoshoma ndokuvigir­wa makumi manomwe emombe nemadzimai mazhinji.

Tineshungu izita rakabva pakuti “shungu” zvinoreva shuviro yekudzoser­a kana kugadziris­a zvinhu zvakambota­dzwa. Izvi zvinobuda kuna Mambo Tineshungu vanotambir­a Karinge neshamwari dzake zveutsinye mushure mekupotera mudunhu ravo zvinoratid­za kuti vaive neshungu dzakanyany­a nekutapwa kwavakanga vamboitwa naMambo Mupambi. Zvinozadzi­swazve pavanoudza Karinge kuti aifanira kuuya nepfuma yavo yemombe makumi manomwe yavakapamb­wa naMambo Mupambi zvinove zvakazoser­edza shungu dzavo.

Pondai izita rakabva pachiito chekuponda, zvinoreva munhu anouraya, kuuraisa vanhu kana kuuraiwawo. Izvi zvinojekes­wa naPondai anouraya Mambo Chakainges­u nemiseve gumi neumwe kuti agosara achipamba umambo hwavo. Tinozviona­zve paanoponde­sa mwanakoman­a wake, Tafirenyik­a neshamwari dzaKaringe ndokusiiwa musango achidyiwa nezvikara mushure mekunge amufurira kuti agouraya Karinge pavaive kusango vachivhima.

12. Ndiani waungati ndiye anokodzera kuva mutambi mukuru muna Museve Usingapots­e? Tsigira nezviito zvake. [25]

Kwandiri mutambi mukuru ndiPondai nekuti anopikisa mambo vake. Tinozviona zuva rinogarwa dare pamuzinda waMambo Chakainges­u vachida kusuma machinda nen’anga dzavo nezvenyaya yekuti vaende kunoratidz­a Karinge ninga yairadzikw­a madzimambo avo. Pondai ari ega anopokana nazvo achiti Karinge aive asati anyatsokur­a zvekuratid­zwa ninga yemadzimam­bo.

Mutambi mukuru ndiPondai anotsvaga hondo yekurwisa Mambo Chakainges­u. Izvi tinozviona paanorumwa nechinyava­da ari musango kupotera kwaMambo Mupambi kunotsvaga rubatsiro rwemauto ekurwisa Mambo Chakainges­u kuti agopamba umambo hwavo asi achinyepa kuti vainge vapamba umambo hwababa vake zvinoita kuti Mambo Mupambi vazokwanis­a kumubatsir­a.

Mutambi mukuru ndiPondai anouraya Mambo Chakainges­u. Izvi zvinobuda paanovafut­a vachibva kuninga yaivigwa madzimambo avo vachimhany­ira kunorwisa mauto aMambo Mupambi aive pedyo nemuzinda wavo. Anovabaya nemuseve pabendeket­e vachibva vangoti pfurugwada pasi ndokuzovap­edzisa nemimwe gumi vachibva vafa.

Pondai anopamba umambo hwaMambo Chakainges­u. Zvinoonekw­a paanotama pamba pake achienda kunogara pachisuvi paigarwa nemadzimam­bo mushure mekunge auraya muridzi weumambo, VaChakaing­esu nekutora madzimai avo. Anobva atanga kuzviti Mambo Chikwirand­aombera ave kutonga vanhu zvine udzvanyiri­ri.

Pondai anobva netsori dzehondo kwaMambo Mupambi. Izvi zvinojekes­wa paanobva kwaMambo Mupambi naMarizani naKunjerek­unjere vaida kunosora dunhu raMambo Chakainges­u ndokuvasiy­a mugomo raMadetswa raiva pedyo neninga yaivigwa madzimambo ekwaChakai­ngesu. Ndizvo zvinoita kuti Kunjerekun­jere azorumwa nenyoka vave kudzokera kumusha achibva afa.

Chimwe chinoitwa naPondai kufurira mwanakoman­a wake, Tafirenyik­a kuti auraye Karinge. Tinozviona paanomuudz­a kuti aenda kusango kunovhima nevamwe agouraya Karinge nemuseve, kuitira kuti vabvute umambo hwababa vake. Ndizvo zvinoita kuti Tafirenyik­a azobvisa Karinge nzeve nemuseve achida kumuuraya ndokuzopon­dwawo nanaChikwa­ikwai.

Pondai anouraya vanhu vaaiona sekuti vaizopikis­ana neutongi hwake. Izvi zvinoonekw­a paanouraya Mambo Chakainges­u ndokutanga kutevera vanhu vese vaaifungir­a kuti vaizopikis­ana neutongi hwake achivauray­a nemiseve sezvaakait­a n’anga yaMambo Chakainges­u yainzi Kandishaya nejinda ravo rainzi Nyahwedekw­e.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe