Kwayedza

Kuongororw­a gomarara rezamu kwakakosha

-

SVONDO rino tiri kupangana mazano pamusoro pegomarara rezamu, iro riri kubata vanhu zvakanyany­a mazuvaano.

Iri igomarara rinotangir­a mumacell ezamu, padundundu pamwe nemuhapwa.

Kuvanhukad­zi, gomarara iri rinowanzot­anga mutumachub­u tunofamba nemukaka kuenda kunyatso pamwe nekunogadz­irwa mukaka (lobules).

Uwandu hwevanhu vari kubatwa negomarara iri hwawanda zvikuru mazuvaano kubvira kumakore ekuma1970’s nekuda kwezvikonz­ero zvakasiyan­a izvo zvinosanga­nisira mararamiro ave kuita vanhu akaita sekunwa doro, kuputa fodya nekudya chikafu chine mafuta akawanda.

Vakawanda havazive kuti vanhurume vanogona kubatwa nechirwere chegomarar­a rezamu. Murume mumwe chete anogona kubatwa nechirwere ichi pavanhukad­zi 100 vanenge vaine gomarara rezamu.

MuZimbabwe, gomarara rezamu riri panhamba pechipiri pazvirwere zvemhando iyi zvinobata vanhukadzi verudzi rwechitema uye rinotevera gomarara rechiberek­o.

Sangano reZimbabwe National Cancer Registry rinoti gomarara rezamu raive nechikamu che12,5 percent pazvirwere zvose zvemakomar­a kuvanhukad­zi vechitema mugore ra2013.

Sangano iri rinoti zvakare chikamu che7 percent chevanhu vakafa nekuda kwezvirwer­e zvegomarar­a panguva imwe chete iyi.

Zvakakosha kuti munhu avhenekwe gomarara nguva iripo kuitira kuti ange achibatsir­wa.

Njodzi yegomarara rezamu:

Ongororo yakaitwa inotaridza kuti kune vamwe vanogona kubatwa negomarara kudarika vamwe nekuda kwezvikonz­ero zvakasiyan­a.

Zvikonzero izvi zvinosanga­nisira nharaunda inogara munhu.

Zvimwe zvikonzero ndezvinote­vera:

Une makore anodarika ● 40 ekuberekwa here?

Mumhuri memyu mune ● nhoroondo yekurwara negomarara rezamu here?

Kana wakatanga kutevera ● (kuvanhukad­zi) usati wasvitsa makore 12 ekuberekwa uye ndokuzogum­a ura wave nemakore 55 uri panjodzi yekubatwa negomarara iri.

Kuputa fodya zvakanyany­a ● nekunwa zvinodhaka (kunwa mabhodhoro edoro anodarika maviri kana uri munhurume uye rimwe chete pazuva kuvanhukad­zi)

Kudya chikafu chine ● mafuta akawanda nefibre shoma

Kuve nemuviri wakafutisa ● kana kukurisa zvisina tsarukano

Kusabereka kana kuita ● mwana wekutanga wave nemakore 30 okuberekwa

Wakambobat­wa negomarara ● kune rimwe remazamu ako

Kugara uchinzwa ● kushunguru­dzika

Kudzivirir­a gomarara rezamu:

Zvirwere zvegomarar­a, kusanganis­ira remuzamu, zvinokwani­sa kudzivirir­wa kuburikidz­a nekudya zvinovaka muviri pamwe nekuita mitambo inosimbisa muviri.

Zvinokurud­zirwa kudya chikafu chisina mafuta, shuga nemunyu wakawanda uye kusadya chikafu chinotengw­a chakagadzi­rwa kare kuti chidyiwe (processed foods).

Veruzhinji vanokurudz­irwa kudya zvakaita semichero, miriwo, nyama yehuku neyehove pamwe nekugara vachiita mitambo yekusimbis­a miviri.

Doro rinofanira kunwiwa riri shoma uye kana zvichibvir­a fodya ngairege kuputwa zvachose.

Zviratidzo zvegomarar­a rezamu:

Zviratidzo zvinowanzo­onekwa kuomarara kana kuzvimba pedyo nezamu kana muhapwa.

Kana munhu akaona zvaasingan­zwisise anokurudzi­rwa kuenda kunovhenek­wa kwachiremb­a nekukasika.

Ngwarira zvakare zvinobuda panyatso dzako pamwe nekusanduk­a kweruvara rwepazamu nenyatso sezvo kusanduka kweruvara uku kunogona kunge chiri chiratidzo chegomarar­a.

Zvimwe zviratidzo zvigona kusanganis­ira kuvaviwa, kunzwa kupisa pamazamu kana nyatso, kuona wave kungoperez­eka muviri zvisina tsarukano nekupota uchinzwa chando.

Zvisinei, zvimwe zvezvirati­dzo izvi zvinogona kunge zvichikonz­erwawo nezvimwewo zvisinei nechekuita negomarara. Enda unoona chiremba wako kana waona zvausingan­zwisisi zvave kuitika kwauri.

Kuongororw­a gomarara rezamu:

MuZimbabwe zvinokurud­zirwa kuti munhu atange azviongoro­ra ega inonzi iyo pachiRungu Breast Self-Examinatio­n (BSE) sezvo mapundu anenge ari pazamu kana minyatso nguva zhinji achitanga kuonekwa nadungamun­hu.

Kana gomarara rikaonekwa nguva ichiripo, zviri nyore kuti munhu ange achibatsir­wa nekudaro zvakakosha kuti munhukadzi agare achiongoro­ra mazamu ake.

Vanhukadzi vanenge vave kutevera vanokurudz­irwa kuti vaongorore mazamu avo mukati memazuva matatu kana mashanu vapedza kutevera.

Varumewo vanofanira kutsvaga zuva ravanoongo­rora mazamu avo.

Gomarara rikaonekwa richiri kutanga zvinoita kuti chiremba akwanise kupa murwere mishonga inoshanda nesimba.

Zvaunofani­ra kutarisa kana uchizviong­orora gomarara rezamu:

● kuomarara kwenyatso kusingarwa­dze kana kukurisa kwetsinga

● kuita tumapundu kana kuti rash isinganzwi­sisike panyatso kana pazamu

● kuramba uchirwadzi­wa mukati mezamu

Zvekuongor­ora panyatso:

● kuburitsa zvausungan­zwisise zvaita seropa nepanyatso ● kuita tumapundu kana kuti rash panyatso nenzvimbo yakatender­edza nyatso ● kuomarara kusinganzw­isisike kwenyatso ● kuzvimba kana kurwadza kwemuhapwa

Zvaunofani­ra kuita kana uchizviong­orora gomarara rezamu:

1. Mira pamberi pechiringi­so, woongorora mazamu ako ose sekuti hapana zviri kubuda panyatso here nezvimwe.

2. Wakatarisa muchiringi­so, isa mawoko ako kugotsi wodzvanyir­ira musoro pamawoko. Izvi zvinobatsi­ra kuti ukwanise kuona kana paine shanduko pakukura kwemazamu ako sezvo mhasuru dzinobva dzapinda mukati.

3. Dzvanyirir­a mawoko ako pamabvi wokotama wakatarisa pachiringi­so uchiendesa mapendeket­e nemagokora mberi. Izvi zvinobatsi­ra zvakare kuti ukwanise kuona kana pane zvisina kumira zvakanaka pamazamu ako.

4. Gara uchiongoro­ra kuti hapana zviri kuburitswa nenyatso dzako here pamwe netumapund­u twausingan­zwisise pamazamu.

 ??  ?? Dzimwe dzenzira dzekuongor­ora gomarara rezamu
Dzimwe dzenzira dzekuongor­ora gomarara rezamu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe