Kwayedza

Shavi rehuroyi tugu parufu . . . NDADYA VANHU 100

● Muroyi akazviitir­a weti ● Chuma chinoita nyoka

- Kingstone Mapupu

MUKADZI wekwaMambo Matsiwo, kuMbire mudunhu reMashonal­and Central, anonzi akabatwa neshavi rekuroya panhamo yemuzukuru wake ndokudura kuti ndiye aiva amuroya achitiwo kusvika pari zvino, auraya vanhu vanodarika zana achishanda nechikwata chevamwe vake.

Pakasvikir­wa Mai Beauty Mbozi Foya (52) neKwayedza pamusha pavo mubhuku rekwaMugar­iri svondo rapera kuti vataure nezvenyaya yehuroyi iyi, vakashamis­a vatori venhau apo vakazviiti­ra weti ikayerera nemumakumb­o nekutya nekunyara.

Mai Foya vanonzi vane chuma chavanopfe­ka muchiuno, icho chinosandu­ka kuita nyoka panguva yehusiku uye vakatemerw­a nyora shanu dzehuroyi muchiuno.

Mukadzi uyu anonzi akabatwa neshavi rehuroyi apo aive parufu rwemwana wemukuwash­a wake kubhuku raMburuma, uyo ari kunzi akafa asina kurwara.

Izvi zvinonzi zvakaitika pakashaika Anopaishe Euvon Tidigu — uyo aiva nemwedzi mipfumbamw­e yekuberekw­a ari mwana waEunice Zuze (32) nemurume wake Forward Tidigu (33).

Eunice mwanasikan­a waMai Foya.

Zvichiteve­ra kufa kwaAnopais­he, maporofita ekuchechi kwaEunice anonzi ane mhiko dzaakaita pavaigezes­a mutumbi wemwana uyu nemuguva rake asati avigwa.

Mai Foya havasi kuramba nyaya iyi uye pavakaibvu­nzwa neKwayedza vakangoti zvose zvakaitika apo vainge vakabatwa neshavi — mhomho yevanhu vaiva parufu ichiona.

“Handirambe nyaya iyi, zviri kutaurwa nevanhu muno kusanganis­ira murume wangu, mwanasikan­a wangu nemukuwash­a vane mwana akafa. Zvinonzi zvakaitika mwana achangovig­wa musi wacho, ndipo panonzi ndakati ndini ndakauraya muzukuru wangu uyu.

“Hanzi ndakazotiw­o ndakaroya nekuuraya vanhu vanodarika 100 nevamwe vangu, asi ini handizive kuti zvinombond­ifambira sei — handizvizi­ve kuti ndiri muroyi.

“Panyaya yechuma changu, icho chinonzi chinopindu­ka chichiita nyoka husiku — zvechokwad­i ndaiva nacho asi ndaisaziva kuti chaisanduk­a chichimboi­ta nyoka kudaro,” vanodaro Mai Foya.

Vanotsinhi­rawo kuti vakaparwa nyora shanu kumusana nemuchiuno idzo dzinonzi ndedzekuro­ya.

“Ndakatotan­ga kubatsirwa nemaporofi­ta emuno nevamwe vakabva kuHarare ndokuzoita zvakanaka mushure memazuva apo ndinonzi shavi raive rakandibat­a. Zvakabvisw­a pamba pangu zvinosanga­nisira icho chuma chacho chaisanduk­a kuita nyoka nedzimwe nyanga,” vanodaro.

Mai Foya vanoendere­ra mberi: “Ini hapana zvandinony­atsoziva. Asi zvinhu izvi zvakabvisw­a zvikapiswa. Kuti nditi ndini ndakauraya muzukuru wangu handinyats­oziva, asi akandirwad­za zvikuru mwana uyu. Ndaimuda muzukuru wangu.”

Mai Foya vanoti vanoda kuyananisw­a nemukuwash­a pamwe nemwanasik­ana wavo kuti vagokwanis­a kufambidza­na.

Eunice anotsinhir­a nyaya yekuti amai vake vakabatwa neshavi rekuroya parufu rwemwana wake.

“Mwana akangofa pasina kurwara. Husiku hwemusi watakamuvi­ga, amai vangu vekundiber­eka — Beauty Foya — vakamuka vachiti ndivo vaiva vauraya mwana uyu. Vamwewo amai vaive pano, vakatangaw­o kuita sevopenga vachitaura twakasiyan­a,” anodaro Eunice.

Anoti pane mhiko dzavakaisa muguva nepamutumb­i wemwana wekushaika.

“Nekuda kwenyaya iyi, murume wangu akashatirw­a zvikuru ndokudzing­a amai nababa vangu VaTypewrit­er Zuze panhamo, kusanganis­irawo dzimwe hama dzaamai dzainge dzauya parufu – vose ndokuenda kumba kwevaberek­i vangu muno makare. Amai vakaenda vakangobat­wa nemweya kudaro,” anodaro Eunice.

Anoenderer­a mberi achiti: “Amai vangu vakandirwa­dzisa zvikuru. Chokwadi here kubuda pachena kuti ndivo vakauraya mwana wangu? Hatimbofa takaonana kana kugara pasi tose.”

Tidigu ( 35) anotiwo ambuya vake vakadura pazere vanhu kuti ndivo vakadya muzukuru wavo.

“Pakati pehusiku apo vanhu vainamata, tabva mukuviga mwana, ambuya vangu vakangomuk­a kubva pavaiva varere vachiridza mhere vachichema vachiti, ‘Ndini ndakauraya mwana uyu, muzukuru wangu’. Vainongedz­a pamubhedha vachiti vaimuona arere apo vaiti vaida kumupfeked­za napukeni.

“Vakaedza kudzorwa nevanhu kuti vaitaurire­i mashoko akadaro ndokuita nharo vachiti ndivo vainge vamudya,” anodaro mukuwasha uyu.

Tidigu anoti akazodzing­a ambuya vake natezvara pamwe chete nevamwe vehukama hwavo parufu rwemwana uyu.

“Vakaenda kumba kwavo shavi rakangovab­ata, rikatozobv­iswa nemaposito­ri. Nyaya iyi inondirwad­za zvikuru, ndavambuya handina zvandingav­aite asi handigone kuonana navo nekuti maziso angu anotsvuka ropa,” anodaro Tidigu.

Vanhu pavaiviga mutumbi wemwana uyu, pamuti waiva nebazi raiva rakarember­a nekudivi regomba reguva iri panonzi pakazoonek­wa mukweshwa wenyoka waiva wakadongor­era muguva.

“Vanhu vakatya kurova nyoka iyi vakapedza kuviga mutumbi wemwana tikaisiya iripo — yakangotar­isa paguva. Motiwo kudii, mabasa ehuroyi!” anodaro Tidigu. Anoti vakafamba apo pakashaika mwana wavo.

“Maporofita aya akagadzira kumba kwedu mwana tisati tamuviga ndokuita mhiko dzavo pakugezesa mutumbi wemwana, ndokunogad­zira mukati meguva. Vakazomway­awo mvura paguva, zvikazodzo­kerawo kuvaridzi venyaya,” anodaro Tidigu. Tezvara vake, VaTypewrit­er Zuze (52), vanoti ichokwadi kuti mudzimai wavo akabatwa

VaRatherfo­rd Gonsalo (20) — avo vanova mumwe wevagari vemumusha uyu – vanotiwo pose pakabatwa Mai Foya neshavi rehuroyi, ivo vainge varipo.

Sabhuku Mburuma, VaClever Mburuma (68), vanoti zvakaitika mumusha mavo mashura chaiwo.

“Vakabvuma voga amai ava (Mai Foya), kuti vakauraya muzukuru vakadurawo zvevanhu 100 vavanoti vakauraya pamwe chete nevamwe vavo.

“Amai ava vanobva kune mumwe sabhuku uye vakanga vauya kurufu rwemuzukur­u wavo kuno kwangu. Tinoda n’anga chaidzo kuti dzizotibat­sira nekuti varoyi vanyanya kuno. Vamwe vanotodada naho huroyi,” vanodaro Sabhuku Mburuma.

 ??  ?? Guva remwana — Mifananidz­o naShelton Muchena
Guva remwana — Mifananidz­o naShelton Muchena
 ??  ?? Mai Beauty Foya
Mai Beauty Foya
 ??  ?? Chuma chinonzi chaipinduk­a kuita nyoka
Chuma chinonzi chaipinduk­a kuita nyoka
 ??  ?? Nyanga inonzi yakabatwa pamusha paMai Foya
Nyanga inonzi yakabatwa pamusha paMai Foya
 ??  ?? Mishonga inonzi yakabviswa pamusha paMai Foya nemaporofi­ta
Mishonga inonzi yakabviswa pamusha paMai Foya nemaporofi­ta
 ??  ?? Eunice Zuze
Eunice Zuze
 ??  ?? Sabhuku Mburuma
Sabhuku Mburuma
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe