Ndapedza vakadzi vemashefu: Pfambi yechirume
MURUME wemuHarare — uyo aimbova ngochani yemakoko — anoti ava kurarama nekuita zvechipfambi achibhadharwa nevakadzi uye ndiye ari kupedza nhomba yebonde yemamwe madzimai evanamuzvinabhizimisi nemashefu.
Murume uyu, uyo anonyanyozivikanwa nekuti Mr Booster kana kuti Chairman, anogara panzvimbo ine mukurumbira wekuitirwa mabasa echipfambi inozivikanwa nekuti paBooster, kuOverspill kuEpworth.
“Ini handikechwe nevanhu vemangamhanga. Ndinoda kusangana nevakadzi vane mari dzavo nekuti ndivo vandajaira. Vose vandasangana navo vanoda kuramba vachidzoka nekuti ndinopa pakuru uye ndinoita ndichiziva kuti vazhinji vanouya kwandiri vanenge vasingagutsikane kudzimba dzavo,” anodaro Mr Booster.
Anoenderera mberi: “Ndiri pfambi yechirume asi handimire mumugwagwa kutsvaga mhene dzangu. Kazhinji ndinopinda mutown, kumabhawa andinoziva kuti madzimai anotsvaga varume ndiko kwaanenge ari. Vakapinda, uye ndikangotarisana naye akanditsonya — ndotoziva kuti ari kuda nezvangu.
“Ndinombomira kusvika atsonya futi kechipiri ndozomutora tobuda tose. Kana ndatorwa nemukadzi, ndinomuti tiende kudzimba dzinobhadharwa kana kuti kumaloji nekuti kuenda kumba kwemunhu hakuite, ndinoramba nekuti ndakaona zvakawanda.
“Kazhinji kacho ndinokechwa nemadzimai eshoroma dzine mabhizimisi nevemashefu. Saka kuenda kumba kwake hazvizoite nekuti ndinogona kusvikirwa ndikaitwa kanyama kanyama nevarume vacho.”
Mr Booster anoti iye ari HIV negative uye pose paanoita mabasa ake, anenge akazvidzivirira. Achibvunzwa neKwayedza kuti anoziva sei kuti vakadzi vaanoshinha navo vachimubhadhara madzimai emashefu, Mr Booster anopindura: “Haa, izvozvo hazvinetsi kuona kana kuziva. Vamwe vacho vanotondiudza kuitira kuti titambe takachenjera. Vamwewo unotoona nemazimari avanobuditsa, kuti uyu ndewamuzvinabhizimisi kana kuti shefu.
“Vamwe vacho vanondiudza voga, kuti ‘ndiri mudzimai wanhingi’ achiitira kuti titambe takangwara mukusangana kwatinenge taita. Zvisinei hazvo, handikwanise kudura kuti ndakashinha newashefu nhingi nanhingi — zvinotyisa,” inodaro pfambi iyi. Mr Booster anoti anoshandisa mapiritsi nemimwe mishonga yekusimbisa musana “izvo zvinodiwa nemadzimai anondikecha”.
“Ndinomboshandisa mapiritsi ekuti ndiite simba. Pazuva ndinowanzobata vakadzi vatatu kana kudarika uye pandinoti ndawana mari shoma, ndinenge ndawana $70 pasvondo. Asi vakadzi vemashefu vanondipa zvekuma$200 zvichienda kumberi.”
Murume uyu anoti ane vana vatatu vaa nemukadzi waakasiyana mushure mekunge amu aine chikomba.
Mr Booster anotizve tanga ari ngochani aka gera apo akarwara zveku musana.
Zvichakadai, san reSpiring of Life Zimba iro rinoshanda nevanhu vanoita zvechipfa mukuona kuti vazvidziv pabonde pamwe nekuti utachiona hweHIV vaw mishonga, rinoti pfamb chirume dziri kuwand vazhinji vacho havasati kubuda pachena.
Precious Msindo, uyo a co-ordinator wesangan anoti kusababuda pac uku idambudziko mukuedza kuderedza k rarira kweutachiona hw
“Varume vari kuita b vachibhadharwa nevak vawanda —vazhinji v havasi kubuda pac nenyaya yekunyara. M muEpworth ndino mumwe chete, Chair ndiye akabuda pachen anondiudza kuti kune va 4 vari kuita izvi,” anoda
Anoti zvakakosha vanhurume vari kuita chipfambi vabude pac kuitira kurwisa kupar kweHIV. “SeSpring of Zimbabwe, tiri kukuru vanhu vakadai kuti va pachena kuti vakwani kubatana nemasangano siyana-siyana ari mune z dzivirirwa kwezvirwere pabonde, kunyanya zvino kuti vanhu vabate utach hweHIV. Izvi zvinoita kut neruzivo kuti vanozvidzi sei uye kuti vawane mish yakakwana kana vach vabata utachiona,” ano Msindo.
Anoti sangano ravo kushandawo rakaba nemamwe masangano a seNational AIDS Cou mukuedza kuderedza k rarira kweutachiona hw nechirwere cheAIDS.