Kwayedza

Ndapedza vakadzi vemashefu: Pfambi yechirume

- Malven Mugadzikwa

MURUME wemuHarare — uyo aimbova ngochani yemakoko — anoti ava kurarama nekuita zvechipfam­bi achibhadha­rwa nevakadzi uye ndiye ari kupedza nhomba yebonde yemamwe madzimai evanamuzvi­nabhizimis­i nemashefu.

Murume uyu, uyo anonyanyoz­ivikanwa nekuti Mr Booster kana kuti Chairman, anogara panzvimbo ine mukurumbir­a wekuitirwa mabasa echipfambi inozivikan­wa nekuti paBooster, kuOverspil­l kuEpworth.

“Ini handikechw­e nevanhu vemangamha­nga. Ndinoda kusangana nevakadzi vane mari dzavo nekuti ndivo vandajaira. Vose vandasanga­na navo vanoda kuramba vachidzoka nekuti ndinopa pakuru uye ndinoita ndichiziva kuti vazhinji vanouya kwandiri vanenge vasingagut­sikane kudzimba dzavo,” anodaro Mr Booster.

Anoenderer­a mberi: “Ndiri pfambi yechirume asi handimire mumugwagwa kutsvaga mhene dzangu. Kazhinji ndinopinda mutown, kumabhawa andinoziva kuti madzimai anotsvaga varume ndiko kwaanenge ari. Vakapinda, uye ndikangota­risana naye akanditson­ya — ndotoziva kuti ari kuda nezvangu.

“Ndinombomi­ra kusvika atsonya futi kechipiri ndozomutor­a tobuda tose. Kana ndatorwa nemukadzi, ndinomuti tiende kudzimba dzinobhadh­arwa kana kuti kumaloji nekuti kuenda kumba kwemunhu hakuite, ndinoramba nekuti ndakaona zvakawanda.

“Kazhinji kacho ndinokechw­a nemadzimai eshoroma dzine mabhizimis­i nevemashef­u. Saka kuenda kumba kwake hazvizoite nekuti ndinogona kusvikirwa ndikaitwa kanyama kanyama nevarume vacho.”

Mr Booster anoti iye ari HIV negative uye pose paanoita mabasa ake, anenge akazvidziv­irira. Achibvunzw­a neKwayedza kuti anoziva sei kuti vakadzi vaanoshinh­a navo vachimubha­dhara madzimai emashefu, Mr Booster anopindura: “Haa, izvozvo hazvinetsi kuona kana kuziva. Vamwe vacho vanotondiu­dza kuitira kuti titambe takachenje­ra. Vamwewo unotoona nemazimari avanobudit­sa, kuti uyu ndewamuzvi­nabhizimis­i kana kuti shefu.

“Vamwe vacho vanondiudz­a voga, kuti ‘ndiri mudzimai wanhingi’ achiitira kuti titambe takangwara mukusangan­a kwatinenge taita. Zvisinei hazvo, handikwani­se kudura kuti ndakashinh­a newashefu nhingi nanhingi — zvinotyisa,” inodaro pfambi iyi. Mr Booster anoti anoshandis­a mapiritsi nemimwe mishonga yekusimbis­a musana “izvo zvinodiwa nemadzimai anondikech­a”.

“Ndinombosh­andisa mapiritsi ekuti ndiite simba. Pazuva ndinowanzo­bata vakadzi vatatu kana kudarika uye pandinoti ndawana mari shoma, ndinenge ndawana $70 pasvondo. Asi vakadzi vemashefu vanondipa zvekuma$200 zvichienda kumberi.”

Murume uyu anoti ane vana vatatu vaa nemukadzi waakasiyan­a mushure mekunge amu aine chikomba.

Mr Booster anotizve tanga ari ngochani aka gera apo akarwara zveku musana.

Zvichakada­i, san reSpiring of Life Zimba iro rinoshanda nevanhu vanoita zvechipfa mukuona kuti vazvidziv pabonde pamwe nekuti utachiona hweHIV vaw mishonga, rinoti pfamb chirume dziri kuwand vazhinji vacho havasati kubuda pachena.

Precious Msindo, uyo a co-ordinator wesangan anoti kusababuda pac uku idambudzik­o mukuedza kuderedza k rarira kweutachio­na hw

“Varume vari kuita b vachibhadh­arwa nevak vawanda —vazhinji v havasi kubuda pac nenyaya yekunyara. M muEpworth ndino mumwe chete, Chair ndiye akabuda pachen anondiudza kuti kune va 4 vari kuita izvi,” anoda

Anoti zvakakosha vanhurume vari kuita chipfambi vabude pac kuitira kurwisa kupar kweHIV. “SeSpring of Zimbabwe, tiri kukuru vanhu vakadai kuti va pachena kuti vakwani kubatana nemasangan­o siyana-siyana ari mune z dzivirirwa kwezvirwer­e pabonde, kunyanya zvino kuti vanhu vabate utach hweHIV. Izvi zvinoita kut neruzivo kuti vanozvidzi sei uye kuti vawane mish yakakwana kana vach vabata utachiona,” ano Msindo.

Anoti sangano ravo kushandawo rakaba nemamwe masangano a seNational AIDS Cou mukuedza kuderedza k rarira kweutachio­na hw nechirwere cheAIDS.

 ??  ?? Mr Booster
Mr Booster
 ??  ?? Precious Msindo
Precious Msindo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe