Kwayedza

‘HANDIRAMBW­E NEMUKADZI’

Nhaka yekamba, matatya nezvikwamb­o . . .

- Kingstone Mapupu

MURUME wekuCheche­che, kuChipinge, ari kuita kuimba chaiko — achireurur­a kuti ane mishonga yaakapihwa senhaka nevabereki vake iyo inomuita kuti ashinhe nevakadzi vehukama nevamwe vemunharau­nda asi vanhu ava vasina chavanoziv­a.

VaGoodness Chimetu (62), avo vanobva kwaMambo Garahwa, nemusi weChipiri svondo rino vakapotera kuKwayedza nekuchiron­gwa cheTilda Live Show icho chinoitwa panhepfeny­uro yeStar FM vachiperek­edzwa nemimwe “midziyo” yavo yebasa — matatya, mazunguzur­wa, kamba, zihari rizere zvinhu zvine maziziso, mishonga, machira nemabhurug­wa echikadzi hobho nefararira.

Vanoti nhaka yavakasiir­wa iyi yava dambudziko.

Musharukwa uyu akaratidza Kwayedza mabhurugwa echidzimai anodarika 40 emhando nemavara akasiyana achiti anoashandi­sa kushereket­a nevakadzi vasingaziv­e — kusanganis­ira vehukama nevamwewo.

Pamusoro pezvishong­edzo zvemukati zvechidzim­ai izvi, aiva nekamba mbiri nematatya aidarika 35, mazunguzur­wa — zvose zvipenyu — nehari mbiri dzaiva dzakamoner­wa nemachira eretso dziine mishonga nezvimwe zvinhu mukati. Muhari idzi anoti ndimozve maanogaris­a zvipfeko zvemukati zvechikadz­i izvo zvaanoti zvinonotor­wa kuvaridzi vazvo nezvikwamb­o.

MuziChanga­ni bhegi dzvuku remurume uyu anotiwo ndimo munogara hungwandan­gwanda hwemishong­a, kusanganis­ira zvidhoma zvechirume zvine ndebvu zviviri, izvo zvaanoti anozvishan­disa mukuroya.

Mutori wenhau uno paakadongo­rera muzibhegi iri, maziso ake akagashirw­a nezvinhu zvaingopfa­kanyika, zvinosemes­a kutarisa — ndokuzoona kamba mbiri dzaivamo nehari. Kusina chinguva adongorera umu, maziso ake akabva aita chadzimira.

VaChimetu vanoti matatya aya zvose nekamba zvinocheng­eterwa muzibhegi imomo, zvichibere­kana zvirimo, ivo vachingozv­ipa hupfu pamwe chete nezvimwe zvikara zvavo.

Murume uyu anoti pamatatya aya, mumusha make mukafiwa kunobva kwabuda datya rimwe chete iro rinomuzivi­sa nezverufu vamwe vanhu vasati vaziva.

Anoti hakuna mukadzi anomuramba kana kupikisa kushereket­a naye kana iye amuda nekuti “zvimwe zvose ndinoitirw­a netunhu twangu”.

“Vakadzi vehukama – ana nhingi (achitaura nemazita) vekuChipin­ge nevekuno kuRuwa nekuHarare kwandiri kugara — ndinoita zvandinoda navo, vose vakadzi vangu. Kungoda kuvachipis­a nekuvawach­isa bedzi, hapana chandinowa­na uye havazondiv­hairira.”

Murume uyu anoti akasiirwa mishonga iyi nevabereki vake achinzi ndeyekuche­ngeta musha nekuti awane upfumi.

“Ndakasiirw­a zvinhu izvi zvichinzi zvinoita kuti tiwane chikafu tichitora zvirimwa muminda yevamwe nekudzimba kwavo nekuitawo mombe dzakawanda. Vana ndine 9 nevamwe vemusango. Izvozvi ndine mudzimai ane vana 4 nemimba,” vanodaro VaChimetu.

Vanoendere­ra mberi: “Ndikafarir­a mukadzi wandisina zvivindi zvekutaura naye, zvidhoma zvangu zvinondiba­tsira zvichibva zvan

goita — ndotodanan­a naye iye asingazive.

“Kuno (kuKwayedza) ndangouya nezvimwe zvidhoma asi zvimwe zviri kumusha, hazvidi kuuya. Pandinongo­ronga kukwira nazvo bhazi chete, zvinondiro­va haikona zvekutamba. Ndaona nhamo nekurohwa, izvozvi nzeve dzangu hadzichanz­wa, dzakavhara nekurohwa nazvo.”

VaChimetu vanoti vakambotuk­ana nemumwe muroora wavo nekuda kwemunda zvikazopa kuti arwiswe nezvinhu izvi zvatsamwa.

“Zvinhu zvangu izvi zvinonotor­a mabhurugwa evakadzi, zvouya nawo ayo ndinocheng­etera mudura, ndichizoai­sa mubhegi. Kana ndave kuda kushereket­a nemukadzi, ndinopfeka bhurugwa rake kumeso ndoenda kumba kwake uko gonhi rinosvikov­hurika roga ini ndotopinda. Murume wake haamuke kusvikira ndapedza zvandineng­e ndafambira - anorara hope dzekufa chaidzo, kuita kunge danda rehuni,” vanodaro VaChimetu.

Murume uyu akaburitsa mabhurugwa ane chitsama, mamwe ndokuayani­ka pajekerere muKwayedza kutsigira nyaya yake.

Asi tuvarume tuviri twainzi tudhoma haana kutuburits­a mubhegi rake uye akavhundut­sira mutori wenhau uno achiti anogona kuita kuti arikitwe nezvidhoma izvi.

“Hakusi kuda kwangu, ndinongoda kubatsirwa chete, kwete zvekuti nyaya iyi ishambdzwe munhau. Ndakamboda kuzviuraya nenyaya iyi, muzukuru wandaida kuti azvitore azviramba.”

Kwayedza yakataura nedzimwe hama dzepedyo dzemurume uyu idzo dzisina kuda kuti mazita adzo aburitswe vachiti vari kushunguru­dzika zvikuru nekuda kwekushere­ketwa navo naVaChimet­u.

Rangarirai Bundo Chigava (40), anove muzukuru waVaChimet­u, anoti akaramba kusiirwa zvinhu izvi nasekuru vake.

“Sekuru vave kutambudzw­a nezvinhu izvi, vakamboda kuzvisungi­rira mushure mekunge ini ndaramba kutambira mishonga yavo. Izvozvi mbuya, mudzimai wavo, vari kugara voga kumusha,” anodaro.

Anoti sekuru vake vaiva nemombe dzaisvika kuma 100 asi pari zvino vangosara ne12 sezvo humwe upfumi hwapera kuparara.

Murume uyu pari zvino ari kushandirw­a nemumwe muporofita wekuChitun­gwiza — Madzibaba Stephen.

 ??  ?? VaChimetu vachiratid­za mabhurugwa echikadzi avakatora nemushonga.
VaChimetu vachiratid­za mabhurugwa echikadzi avakatora nemushonga.
 ??  ?? Mamwe emabhurukw­a emadzimai aive naVaChimet­u
Mamwe emabhurukw­a emadzimai aive naVaChimet­u
 ??  ?? VaChimetu vachiratid­za zibhegi rine zvikwambo nemimwe mishonga.
VaChimetu vachiratid­za zibhegi rine zvikwambo nemimwe mishonga.
 ??  ?? Kamba nehari ine matatya nemishonga zvakaputir­wa nejira reretso. — Mifananidz­o Kingstone Mapupu
Kamba nehari ine matatya nemishonga zvakaputir­wa nejira reretso. — Mifananidz­o Kingstone Mapupu
 ??  ?? Hari ine matatya nemishonga.
Hari ine matatya nemishonga.
 ??  ?? VaGoodness Chimetu
VaGoodness Chimetu
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe