Kwayedza

Chikomba chakaita gudo pahotera

- Gibson Mhaka ari kuBULAWAYO

MUCHIITIKO chinotyisa zvikuru, musikana wekuBulawa­yo anoita zvechipfam­bi anoti akazobuda muhotera ari chahwiriri uye asina kupfeka mushure mekunge murume ainge amukecha achida kusasana naye kwehusiku hwose asanduka kuita chimhuka chinenge gudo panguva yavainge vava mushishi kupanana rudo.

Nyaya inoita kunge bhaisikopu iyi inonzi yakaitika nomusi wa19 Nyamavhuvh­u pane imwe hotera (zita tinaro) iri muguta iri.

Achitsanan­gura ndondo yaakaona, apo aisvimha misodzi — musikana anongoda kuzivikanw­a saSandra Mpofu uyu — anoti akasangana nemumwe murume apo aibva kuzvitoro kunotenga chingwa.

Mpofu, uyo anogara mumafurati ari muguta reBulawayo, anoti ainge ati kumurume uyu vaende vose kumba kwake kunosasana husiku hwose iye ozobhadhar­wa $30.

Asi murume uyu anonzi akaramba achiti aida kuti vaende kuhotera, uko aigara.

“Nguva dzaive kuma7 manheru apo ndaibva kuzvitoro pandakasan­gana nemurume uyu pedyo nekwandino­gara. Paakachema-chema, ndakamudzi­kisira kusvika pa$30 ndichibva ndafonera tekisi inova yakatiende­sa kuhotera. Ndakatombo­pindwa nekutya paakabvuma $30 nekuti mamwe makasitoma anotombond­itemesa musoro pandinotau­ra mari dzakadai. Asi iye haana kana kumboramba,” anodaro Mpofu.

Pavakasvik­a kuhotera kuya, murume uyu anonzi akatanga kubata-bata Mpofu apo vakanga vari munzira kupinda muimba yavaizorar­a.

“Patakapind­a muhotera, akabva abvisa mbatya dzake kwava kutanga kunditsvod­a. Akazoenda kuchimbuzi achindisiy­a ndirere pamubhedha ndisina kunyatsopf­eka. Paakadzoka, akatangazv­e kundibata-bata muviri wose.

“Nyama dzangu dzadavirir­a, ndipo pandakasha­misika kuona kuti munhu akange ave kusanduka kuita chimhuka chakafanan­a negudo, chine mamvere muviri wose. Ndakasvetu­ka ndichibva pamubhedha ndokumhany­a ndichiridz­a mhere kuti ndiwane vanondibat­sira,” anodaro Mpofu achiyerera misodzi pamatama.

Anoti akabuda muhotera umu asi murume uya akazomuona amutevera panze apo iye aitsanangu­rira mupurisa wepahotera zvainge zvaitika. Chakashami­sa ndechekuti panguva iyi murume uya ainge asisiri chimhuka — ava munhu chaiye.

“Paakauya pandakanga ndiri, ndaiva mushishi kutsanangu­rira mupurisa wepahotera zvakange zvaitika, murume uyu achibva atanga kundipopot­era achiti anoda kudzorerwa mari yake. Ndakabva ndamudzore­ra $30 yake.

“Pandainge ndamirira tekisi kuti ndiende kumba, pakasvika mapurisa maviri eZimbabwe Republic Police ayo aive pabasa manheru ndichibva ndavaudza zvakange zvaitika. Havana kuzvibvuma ndokuenda navo muhotera umo makanga maitikira mashiripit­i aya. Takashamis­ika kuona musina kukiiwa asi murume uyu ainge asimo, mangosara bhachi rake irowo rakangonya­ngarika mapurisa neni tirimo zvikatityi­sa tose,” anodaro achidedera.

Anoenderer­a mberi: “Ndiri kudemba danho randakator­a rekuita zvechipfam­bi. Pafungei kuti ndiye kasitoma yandakaped­zisira kupinda nayo mubasa iri nekuti kubvira zuva iri, ndakangota­nga kutevera zvisina magumo. Ndange ndisati ndambosang­ana nezvakadai, apo ndinoshand­isa nzira yekurera mhuri yemhando yeDepo-Provera kwemakore maviri adarika.”

Mpofu anotiwo kubvira musi uyu, basa rake harizi kufamba zvakanaka sezvo varume vose vaari kusangana navo vachipedzi­sira vave nematambud­ziko ane chekuita nebonde.

“Sezvinonzi izvi zvishoma, pose pandinowan­a murume wekuda kusasana naye, sikarudzi yake haitirimuk­e uye anogumisir­a ava kuchema nemarwadzo emudumbu. Ndakamboza­ma kutsvaga rubatsiro kumaporofi­ta avo vakandiudz­a kuti murume wekusanduk­a uyu aida kundishand­isa pamishonga yake,” anodaro Mhofu. Mpofu, uyo ave kuita zviri nani mushure mekubatsir­wa nemumwe muporofita, anoti ave kusiya mabasa echipfambi.

Zvakadai, Kwayedza yakakundik­ana kutaura nemupurisa wepahotera iyi sezvo akati haatenderw­i kuita hurukuro nevatori venhau. — B-Metro.

 ??  ?? Sandra Mpofu
Sandra Mpofu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe