Kwayedza

20 ‘years’ vaine zvitunha 3 ‘mubedroom’

- Kingstone Mapupu

MUNYAYA yatenderer­edza vagari vekuMt Darwin misoro, mitumbi yevanhu vatatu avo vakafa chipo chemakore 20 adarika — ndokuvigwa mumakuva zvakanaka — inonzi iri kuonekwa mumba yekurara yababa vemhuri yevashakab­vu ava.

Mhuri yemubhuku raMauswa, kwaDotito, inoti yatambura nekupedza makore 20 ichigara nezvitunha zvitatu izvi mumba, izvo zvinonzi zvakatorwa kumakuva nemishonga zvichiunzw­a mumba senzira yekutsvaga nayo kupfuma.

Mitumbi iyi inonzi ndeyevana vemhuri yekwaChaum­ana kana kuti Gaisoni uye yakachenge­twa muimba yairara baba vemhuri iyi — mushakabvu Kudada Chaumana — avo vari kunzi ivo nemumwe mwanakoman­a wavo vaishandis­a mishonga yekuromba.

Zvitunha zvinonzi zviri mumba umu ndechaFara­i Gaisoni uyo akafa mugore ra2002, chaToripa Gaisoni akashaika muna1994 nechaYeuka­i Gaisoni akafa muna2007.

Makuva matatu akavigwa mitumbi iyi anonzi haana chinhu, zvichiteve­ra kutorwa kwakaitwa zvitunha nenzira dzemishong­a.

Vemhuri iyi vanoti zvitunha izvi dzimwe nguva vanozviona zvakaradzi­kwa pahuriri (pasi) mumba umu uye zvakaputir­wa nemachira machena. Asi dzimwe nguva zvinenge zvakangosh­ama - zviri musvo.

Mwanakoman­a mukuru mumhuri iyi - Mapitse Gaisoni (49) - anoti baba vavo vakanoromb­a mishonga yekupfuma kun’anga yechikadzi ine zamu rimwe chete inongozivi­kanwa saZuruvi kuMt Selinda, kuChipinge vaine munin’ina wake, Wilbert Gaisoni (34).

“Vakanopihw­a mishonga, tudende, nyoka netsvimbo zvekutora mari kuvanhu. Zvinhu izvi zvakazopan­duka ndokutanga kuuraya isu vana, kusanganis­ira ivo vatatu vane mitumbi iri kugara mumba iyi,” anodaro Mapitse.

Anoti zvitunha izvi zvinoita masaramusi ekuti mamwe mazuva vanozviona asi mamwe havazvione.

“Svondo rakapera takaungani­dzwa nen’anga yakabva kuChipinge kwacho kwakanotor­wa mishonga nababa. Takazorwa mishonga kumeso ndokuona zvechokwad­i mitumbi mitatu yevanhu yakatowora asi iine machira atakavavig­a nawo - sezvakanga ari,” anodaro Mapitse.

Wilbert - uyo anonzi ndiye aifamba nababa vake pakunoromb­a - anotsinhir­a nyaya iyi.

“Icho ichokwadi, baba vangu vaiita mari neropa revanhu. Seni ndaitoziva kuti kuchafa nhingi musi wakati.

“Baba vakaenda neni kun’anga yekuChipin­ge - yechikadzi inonzi Zuruvi. Ikoko takanopihw­a mishonga, madumwa, zvikwambo, zvidhoma nemiti yemadivisi yekutoresa zvirimwa muminda yevanhu. Chikwambo chikuru chatakanop­ihwa chinonzi Zivazvitsv­a,” Wilbert akaudza Kwayedza svondo rino.

Anoenderer­a mberi: “Hameno kuti zvava kumbofamba sei zvinhu zvacho, svondo rapera mitumbi iyi ndakatoion­a pamwe chete nevamwe apo takavhurir­wa mumba umu nen’anga yakatipa mishonga yekuromba iyi apo yakange yauya ichida kutora zvinhu zvayo.

“Mbuya Zuruvi takanovato­ra kuChipinge kuti vauye vabvise mishonga yavo uye vari kuti vanoda mombe 13 kuti vatambire zvinhu izvi.”

Wilbert anoti pane gwaro (list) raaishandi­sa nababa vake rine mazita evanhu - vapenyu nevakatofa - iro ravaiteved­za pakuuraya vanhu nezvikwamb­o.

Mamwe emazita ari pagwaro iri ndeanoti Winnie Makweva (32), Mucharwise­i Gaisoni (41), Cecillia Mauswa, Brenda Gaisoni (21), Renia Kanoyerera naPowerman Gaisoni - vose vari vemumhuri imwe chete iyo ine zvitunha zviri mumba.

Mhuri iyi yakatoteng­a machira machena ekuzoputir­isa zvitunha zvitatu zvinonzi zviri mumba izvi apo pazvichabu­ritswa nen’anga yakambopa baba nemwanakom­ana wavo mishonga yakaipa iyi.

Vemhuri iyi vanoti vari mubishi kutsvaga mombe dzekuripa n’anga yakapa mishonga yekuromba iyi nekuungani­dza mari yekutenga mabhokisi ekuvigisa mitumbi mitatu iyi.

“Basa rekuburits­wa kwezvitunh­a izvi raifanirwa kunge rakaitwa musi weMugovera wadarika apo Mbuya Zuruvi nemumwe wavo, Mbuya Musa, vakazotiza pamusha pedu rungwanani rwemusi weSvondo. Pamusiwo wemba inonzi ine zvitunha iyi pakafuma pakaitirwa mikonde mitatu yetsvina yevanhu iyo yainge yakakomber­edzwa nemishonga,” anodaro Wilbert.

Anoenderer­a mberi achiti: “Vakazotiza apo takafumoon­a mhiko yetsvina yevanhu. Izvozvi ndave kutotevera n’anga idzi kuChipinge nekuti dzakabva dzaramwa,” anodaro.

Vanin’ina vaKudada Chaumana - avo vanosangan­isira Stuart Chaumana (77), Tops Chaumana (70), Kumbukai Chaumana (44) naGovern Chaumana (75) - vari kuchema-chema vachiti mukoma wavo akavasiira matambudzi­ko makukutu semhuri.

“Mukoma wedu akanotora zvinhu zvave kutinetsa nhasi iye asisipo. Vakaenda kun’anga vachida kupfuma, vakapedza kuuraya vana nedzimwe hama.

“Chionai izvozvi tine mitumbi mitatu iri mumba umu iyo inoda kuvigwa patsva. Tinotoiona mitumbi iyi isu mbune. Nyaya iyi takaisvits­a kwasadunhu wedu - Nohwedza - tikanzi tibvise mombe yekukumbir­a kuzochera mamwe makuva matsva pane atakachera kare ayo anonzi haana zvitunha,” vanodaro VaStuart Chaumana.

Vanotiwo nyaya iyi vakaikwidz­a kumapurisa vachivaziv­isa kuti vachazoda kuviga vashakabvu ava patsva. Sahwira wemhuri iyi, VaMunetsi Marimira (57), vanoti nyaya iyi yakazobuda pachena mushure mekunge varamba vachifamba vachitsvag­a zvainetsa mumhuri.

“Baba ava vaive nemadzimai mashanu nevana 37. Vakauraya vana vavo vane zvitunha zvitatu izvi nevamwe ndokutora mitumbi yacho mumakuva nemishonga. Zvitunha izvi vakazviisa muimba yavo yekurara, umo musingapin­dwe nevanhu vakapfeka shangu.

“Murume uyu aiva akaromba tsvimbo inoba mari, nyoka inotora mari, zvidhoma, madivisi . . .,” vanodaro VaMunetsi Marimira.

Mudzimai waFarai, anove mumwe wevane mitumbi inonzi iri mumba - Tendai Jenjenge (45) - anotiwo musi uchaburits­wa mitumbi iyi, iye achabva zvake pamba nekuda kwekurwadz­iwa uko ari kuitwa nechiitiko ichi. Sadunhu Nohwedza vanotsinhi­ra kuti kune mitumbi yevanhu mitatu iri kunzi iri kugara mumba.

“Inyaya yatakamiri­ra kuti vatange

 ??  ?? Vanhu ava vaitaridza makuva anonzi haana zvitunha
Vanhu ava vaitaridza makuva anonzi haana zvitunha
 ??  ?? Wilbert Gaisoni
Wilbert Gaisoni
 ??  ?? Kumbukai Chaumana
Kumbukai Chaumana
 ??  ?? VaTops Chaumana
VaTops Chaumana
 ??  ?? Mapitse Gaisoni
Mapitse Gaisoni
 ??  ?? VaGorvern Chaumana
VaGorvern Chaumana
 ??  ?? Imba inonzi ine zvitunha — Mifananidz­o naShelton Muchena
Imba inonzi ine zvitunha — Mifananidz­o naShelton Muchena
 ??  ?? Sekuru Garwe
Sekuru Garwe
 ??  ?? VaStuart Chaumana
VaStuart Chaumana

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe