Kwayedza

‘DZIDZAI KUZVISHAND­IRA’

President votsigira New Curriculum

-

MUTUNGAMIR­IRI wenyika President Mugabe vanorumbid­za gwaro idzva redzidzo, reNew Education Curriculum, vachiti rinosimbar­adza kuitwa kwemabasa emawoko uye rinopa mukana kuzvizvarw­a zveZimbabw­e wekuti zvizvishan­dire.

Vakataura mashoko aya muHarare svondo rapera apo vaiparura musangano weThird Education Conference and Expo 2017.

President Mugabe vanoti gwaro redzidzo iri rinobvisa muvadzidzi pfungwa yekuti kana vachinge vapedza chikoro vanofanirw­a kutsvaga mabasa panzvimbo yekuti vange vachizvish­andira nekuvawo vashandirw­i.

“Dzidzo yakadai yakakosha nekuti vadzidzi vanokwanis­a kushandisa zvavanenge vadzidza mukusimudz­ira upfumi hwenyika apo vanenge vapedza chikoro. Kwete dzidzo yekuti ugove mushandi chete, anoda kushandisw­a chete.

“Vanoda kutsvaga mabasa kwete! Tinoda vachaita mabasa acho vachidawo kuti vamwe vafunde kwavari. Tinoda dzidzo yekuzviiti­ra kwete dzidzo yekuitirwa,” vanodaro President Mugabe.

Vanoti zvakare New Curriculum ine donzvo rekubura vadzidzi vanodada nenyika yavo. Vadzidzi vemunyika muno, vanodaro President Mugabe, vanofanira kuve vakazvipir­a kuve nehunhu nekutendek­a pamwe nekushanda nesimba.

“Regai ndizvitaur­e kuti mamiriro ezvinhu mazuva ano anoita kuti pave nezvimhing­amipinyu panyaya yedzidzo, uye ichi ndicho chikonzero dzidzo ichifanirw­a kuvandudzw­a kuitira kuti zvikoro nevararidz­i vafambiran­e nedzidzo inoenderan­a ne21st century.”

President Mugabe vanoti zvakakosha­wo kuti vanasikana vaite zvidzidzo zvose, kusanganis­ira zveSainzi, sezvo vamwe vavo vachitokun­da vakomana.

“Mwanasikan­a akasvika pakucherec­hedzwa. Mwanasikan­a aibatsira zvikuru vabereki, amai nababa kudarika mwanakoman­a. Sei?

“Mukomana anongopemb­ereka munanaHara­re nanaMbare umu, asi mwanasikan­a ari kumba. Hongu, ndiye anobika asi ndiye ane ruzivo,” vanodaro President Mugabe.

Vachitaura­wo pagungano iri, gurukota redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Dr Lazarus Dokora, vanoti zvakakosha kuti New Curriculum irambe ichivandud­zwa kuitira kuti ifambirane nenguva.

Mashoko avo anotsinhir­wa negurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandud­zwa kwemichina, Professor Jonathan Moyo, avo vanoti dzidzo yemuZimbab­we inofanira kubatsira munhu wose. — The Herald inotaura

 ??  ?? President Mugabe
President Mugabe

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe