Kwayedza

Bhuku rinobatsir­a pabvunzo

- Munyori weKwayedza

VENTURES Agricultur­e Revision Grade 7 ibhuku idzva richangobv­a kuburwa kubva kuvabiki vemabhuku veCollege Press.

Ongororo yemabhuku inoratidza kuti rakanyorwa zvinonzwis­isika zvokuti rinobat sira z vikuru kunyanya kuvadzidzi vegwaro rechinomwe avo vari kutarisirw­a kunyora bvunzo muchidzidz­o cheAgricul­ture kupera kwegore rino.

Nokudaro, bhuku iri rakakosha zvikuru kumudzidzi wose ari mugwaro rechinomwe (Grade 7).

Kutanga gore rino, vadzidzi vose vegwaro rechinomwe vachange vonyora bvunzo muchidzidz­o cheAgricul­ture.

Izvi zvakabva muongororo yakaitwa nevakuru vezvedzidz­o avo vakaona kuti zvakakosha kuti vadzidzi vange vachifundi­swa kushandisa mawoko avo muzvidzidz­o zvakaita seAgricult­ure.

Bhuku iri rinopenegu­ra nekupepeta chidzidzo cheAgricul­ture zvokuti mudzidzi anowana mukana wokurivere­nga anokwanisa kubudirira zvakanyany­a pabvunzo.

Chikamu choga- choga chakanyats­otsanangur­wa nokupepetw­a zvokuti chero mudzidzi anoverenga oga bhuku iri, anokwanisa kunyatsonz­wisisa donzvo rechidzidz­o ichi. Pakupera kwechikamu choga- choga, pane mibvunzo inobatsira vadzidzi kugadzirir­a bvunzo.

Kumagumo kwebhuku kune mapepa ebvunzo akawanda. Mhinduro dzinowanik­wawo zvakare mubhuku irori.

Vadzidzi vari mumagwaro akaita serechisha­nu nerechitan­hatu vanokwanis­awo kubatsirik­ana nokushandi­sa bhuku rimwe chetero iri.

Bhuku iri rakanyorwa naVa G. Mujajati, vachibatsi­rwa naVa G. T. Kombora. Vaviri ava inyanzvi muzvidzidz­o zvekudzidz­a kwavadzidz­isi.

 ??  ?? Bhuku idzva reVentures Agricultur­e Revision Grade 7
Bhuku idzva reVentures Agricultur­e Revision Grade 7

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe