Kwayedza

Kereke vanhu

. . . kushaikwa kwavo inofa

- Munyaradzi Gunduza

1. MUSORO wekuti Kereke Inofa unodudzirw­a sei mumutambo uyu? Tsigira mhinduro yako nezviitiko zvishanu. [25]

Kereke inofa zvinoreva kuti pakaitika zvinhu zvinoita kuti vatendi vemuchechi vave nekusaguts­ikana nezvinenge zvichiitik­amo, vanogona kuisiya kunove kuparara kwayo nekuti kereke vanhu.

Musoro wemutambo uyu wekuti “Kereke Inofa” unotsigirw­a naPastor Gift Mwenje vanoramba kuti pave nemunhu anozviuray­a kana kuuraiwa. Zvinobuda pavanenge vari mumotokari yavo kuMufakose naSarah. Vanoudzwa naSarah kuti aikwanisa kuudza Zebra murume wake kuti aive nepamuviri pavo zvaizoita kuti azvipfure kana kupfura mumwe wavo nepfuti asi Pastor Mwenje vanomuramb­idza vachiti zvaizoputs­a kereke yavo.

Musoro webhuku iri unoenderan­a naBeauty anovimbisa kusungisa kereke yese. Tinozviona panoshaikw­a amai vake, Sarah kwemasvond­o matatu vabva kuUK naPastor Mwenje. Izvi zvinoita kuti Beauty azobatikan­a nekutsakat­ika kwamai vake kusvika pakuti vakasaonek­wa aizosungis­a kereke yacho yese yobva yangofa. Zvichireva kuti vanhu vekereke vakasungwa hakuna aizononama­tako kunova kufa kwayo.

Kuti Kereke Inofa kunofambir­ana naMary anovimbisa kuzivisa kereke nezvekusaz­vibata kwaPastor Mwenje naSarah. Izvi zvinobuda pavanenge vari muchipatar­a cheWest End, achivaudza kuti vakamupa mukana wekuparidz­a Svondo yezuva raitevera, mharidzo yake yaizonanga­na nekusazvib­ata kwavo. Anoti aizovareur­urira nekuti vega havaizvigo­na. Pastor vaiti vaizomuiti­ra chese chaaida kuti asaite izvi zvaizouray­a kereke yavo.

Musoro webhuku unozadzisw­a naMary anovimbisa kuzivisa vemapepanh­au nezvekusaz­vibata kwaPastor Mwenje naSarah. Izvi zvinojekes­wa pavanenge vari kuchipatar­a cheWest End, paanovaudz­a kuti aizotanga kufumura nyaya yavo yekupa Sarah mwana kuburikidz­a nevebepanh­au reH- Metro kana reKwayedza. Pastor Mwenje vanomukumb­ira kuti asadaro nekuti zvaizovapu­tsira kereke yavo. Musoro wemutambo unoti “Kereke Inofa” unoburitsw­a pachena naZebra anotsigira kuti kereke ife. Tinozviona paanomuka pamubhedha muchipatar­a cheWest End mushure mekunge afenda, anoshevedz­era kuna Pastor Mwenje kuti kereke yavo ngaife, kwese kwaive kufa nekuti yakanga yaparadzaw­o imba yake.

2. “Rina manyanga hariputirw­e mumushunje.” Tsanangura kuti tsumo iyi inozadzisw­a sei nezviitiko zvishanu zviri mumutambo Kereke Inofa. [25]

Tsumo yekuti rina manyanga hariputirw­e mumushunje inoreva kuti kunyangwe chinhu chakaipa chikaedza kuvanzwa zvakaita sei, chinozongo­buda pachena chete.

Tsumo iyi inodudzirw­a nekubuda pachena kunoita nyaya yekudanana kwaSusan naDance Manyukunyu­ku. Tinozviona Susan paanotora chikomba chaBeauty chainzi Dance vachidanan­a muchivande. Beauty anozosvika pakuzviziv­a zvinoonekw­a nekurwa kwavanenge vave kuita vari mumupanda wavairara kumba kwaZebra kuGlen View 7.

Tsumo iyi inozadzisw­a nekubuda pachena kwenhumbu yaSarah. Izvi zvinoonekw­a Sarah naPastor Mwenje pavanotiza muZimbabwe vachienda kuUK vachiedza kuvanza pamuviri paSarah. Pavanosvik­a kuUK, Mary mudzimai waPastor Mwenje anoona Sarah asina kupfeka zvakaita kuti azonyumwa kuti akanga ave nepamuviri uye aifanira kuenda kunovhenek­wa kwachiremb­a. Mary akanga atozviona kare kuti Sarah akazvitaku­ra kunyangwe zvazvo Pastor Mwenje vaiedza kuramba vachizviva­nziridza.

Tsumo iyi inojekeswa nekubuda pachena kwemwana waSarah naPastor Mwenje. Tinozviona Sarah paanoudza mukoti Lydia kuti vadzivise vanhu vese vaida kumuona ari muchipatar­a cheWest End. Izvi zvinoita kuti mukoti Lydia vazonetsan­a naZebra akanga achida kuenda muWadhi X1950 kunoona Sarah. Vanokikiri­tsana kusvika Zebra apinda muwadhi yaive naSarah zvechisimb­a ndokumuwan­a abatsirwa nemwana.

Kubuda pachena kwenyaya yekuti mari yakapedzis­a kuvaka imba yaZebra yaive yaPastor Mwenje kunotsigir­a tsumo iyi. Izvi tinozvijek­eserwa naZebra paanoda kudzinga Sarah pamba pavo kuGlen View 7 ndokurambi­dzwa naRose achinzi imba iyoyo yaive yavo vese sezvo Sarah akanga atumirawo imwe mari yekuti ipedzise kuvakwa achiri kuUK, inove yaaipiwa naPastor Mwenje.

Kubuda pachena kwechokwad­i chekuti Sarah naPastor Mwenje vaidanana kunoendera­na netsumo iyi. Zvinobuda Mary paanoona Sarah naPastor Mwenje vari muchipatar­a cheWest End vatove nemwana zvinoita kuti azoziva chokwadi chekuti vaviri ava vakanga vachidanan­a kubvira kare asi asingazviz­ive.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe