Kereke vanhu
. . . kushaikwa kwavo inofa
1. MUSORO wekuti Kereke Inofa unodudzirwa sei mumutambo uyu? Tsigira mhinduro yako nezviitiko zvishanu. [25]
Kereke inofa zvinoreva kuti pakaitika zvinhu zvinoita kuti vatendi vemuchechi vave nekusagutsikana nezvinenge zvichiitikamo, vanogona kuisiya kunove kuparara kwayo nekuti kereke vanhu.
Musoro wemutambo uyu wekuti “Kereke Inofa” unotsigirwa naPastor Gift Mwenje vanoramba kuti pave nemunhu anozviuraya kana kuuraiwa. Zvinobuda pavanenge vari mumotokari yavo kuMufakose naSarah. Vanoudzwa naSarah kuti aikwanisa kuudza Zebra murume wake kuti aive nepamuviri pavo zvaizoita kuti azvipfure kana kupfura mumwe wavo nepfuti asi Pastor Mwenje vanomurambidza vachiti zvaizoputsa kereke yavo.
Musoro webhuku iri unoenderana naBeauty anovimbisa kusungisa kereke yese. Tinozviona panoshaikwa amai vake, Sarah kwemasvondo matatu vabva kuUK naPastor Mwenje. Izvi zvinoita kuti Beauty azobatikana nekutsakatika kwamai vake kusvika pakuti vakasaonekwa aizosungisa kereke yacho yese yobva yangofa. Zvichireva kuti vanhu vekereke vakasungwa hakuna aizononamatako kunova kufa kwayo.
Kuti Kereke Inofa kunofambirana naMary anovimbisa kuzivisa kereke nezvekusazvibata kwaPastor Mwenje naSarah. Izvi zvinobuda pavanenge vari muchipatara cheWest End, achivaudza kuti vakamupa mukana wekuparidza Svondo yezuva raitevera, mharidzo yake yaizonangana nekusazvibata kwavo. Anoti aizovareururira nekuti vega havaizvigona. Pastor vaiti vaizomuitira chese chaaida kuti asaite izvi zvaizouraya kereke yavo.
Musoro webhuku unozadziswa naMary anovimbisa kuzivisa vemapepanhau nezvekusazvibata kwaPastor Mwenje naSarah. Izvi zvinojekeswa pavanenge vari kuchipatara cheWest End, paanovaudza kuti aizotanga kufumura nyaya yavo yekupa Sarah mwana kuburikidza nevebepanhau reH- Metro kana reKwayedza. Pastor Mwenje vanomukumbira kuti asadaro nekuti zvaizovaputsira kereke yavo. Musoro wemutambo unoti “Kereke Inofa” unoburitswa pachena naZebra anotsigira kuti kereke ife. Tinozviona paanomuka pamubhedha muchipatara cheWest End mushure mekunge afenda, anoshevedzera kuna Pastor Mwenje kuti kereke yavo ngaife, kwese kwaive kufa nekuti yakanga yaparadzawo imba yake.
2. “Rina manyanga hariputirwe mumushunje.” Tsanangura kuti tsumo iyi inozadziswa sei nezviitiko zvishanu zviri mumutambo Kereke Inofa. [25]
Tsumo yekuti rina manyanga hariputirwe mumushunje inoreva kuti kunyangwe chinhu chakaipa chikaedza kuvanzwa zvakaita sei, chinozongobuda pachena chete.
Tsumo iyi inodudzirwa nekubuda pachena kunoita nyaya yekudanana kwaSusan naDance Manyukunyuku. Tinozviona Susan paanotora chikomba chaBeauty chainzi Dance vachidanana muchivande. Beauty anozosvika pakuzviziva zvinoonekwa nekurwa kwavanenge vave kuita vari mumupanda wavairara kumba kwaZebra kuGlen View 7.
Tsumo iyi inozadziswa nekubuda pachena kwenhumbu yaSarah. Izvi zvinoonekwa Sarah naPastor Mwenje pavanotiza muZimbabwe vachienda kuUK vachiedza kuvanza pamuviri paSarah. Pavanosvika kuUK, Mary mudzimai waPastor Mwenje anoona Sarah asina kupfeka zvakaita kuti azonyumwa kuti akanga ave nepamuviri uye aifanira kuenda kunovhenekwa kwachiremba. Mary akanga atozviona kare kuti Sarah akazvitakura kunyangwe zvazvo Pastor Mwenje vaiedza kuramba vachizvivanziridza.
Tsumo iyi inojekeswa nekubuda pachena kwemwana waSarah naPastor Mwenje. Tinozviona Sarah paanoudza mukoti Lydia kuti vadzivise vanhu vese vaida kumuona ari muchipatara cheWest End. Izvi zvinoita kuti mukoti Lydia vazonetsana naZebra akanga achida kuenda muWadhi X1950 kunoona Sarah. Vanokikiritsana kusvika Zebra apinda muwadhi yaive naSarah zvechisimba ndokumuwana abatsirwa nemwana.
Kubuda pachena kwenyaya yekuti mari yakapedzisa kuvaka imba yaZebra yaive yaPastor Mwenje kunotsigira tsumo iyi. Izvi tinozvijekeserwa naZebra paanoda kudzinga Sarah pamba pavo kuGlen View 7 ndokurambidzwa naRose achinzi imba iyoyo yaive yavo vese sezvo Sarah akanga atumirawo imwe mari yekuti ipedzise kuvakwa achiri kuUK, inove yaaipiwa naPastor Mwenje.
Kubuda pachena kwechokwadi chekuti Sarah naPastor Mwenje vaidanana kunoenderana netsumo iyi. Zvinobuda Mary paanoona Sarah naPastor Mwenje vari muchipatara cheWest End vatove nemwana zvinoita kuti azoziva chokwadi chekuti vaviri ava vakanga vachidanana kubvira kare asi asingazvizive.