Kwayedza

Matambudzi­ko anouya nemari

- Munyaradzi Gunduza

KUMBA KWEDU

Mudetembi anoburitsa kuti kunyange ukave nemari yakawanda, asi uine ngozi zvinokutam­budza kwehupenyu hwako hwose sepaanoti, “Pfumvu ndimukoma vane mazazanana emari, asi vave kufamba vakabatira upenyu mumaoko nokuti benzi ravakachek­eresa rave kuvamukira.”

Mudetembi anotsanang­ura zvakare kuti pfumvu kuromba divisi iro rinozoita kuti ushungurud­zike kunyange wave mutana sezvo zvichizoko­nzeresa kuti mhuri yako ife sepaanoti, “Pfumvu mutana agere pasi pemuunze achingozvi­baya ega neshungu pamusoro pedivisi raakatora kuna godobori, zvino nhasi musha rangove dambiro raChinwaro­pa.”

Rimwe detembo rinotsanan­gura zvinobata upenyu hwanhasi ndiVaMari rakanyorwa naManatsa. Mudetembo iri nyanduri ari kutaura nezvematam­budziko anounzwa nemari muupenyu hwavanhu iyo inoti ikashaikwa vanhu vanosuwa, asi iripo zvakare inokonzera kusanzwana­na mudzimba.

Nyanduri anojekesa kuti kana vanhu vakashaya mari vanobva vatsamwa, uye rudo mudzimba rwakangani­sika seapanoti, “Muchingofu­ratira bedzi muromo mumhino wi-i, rudo runotanga kuvava semhiripir­i.”

Nyanduri anoburitsa zvakare kuti mari haina chayakanak­ira paanoti, “Tikushaiwe­i tinochema nemi, tikuwaneiz­ve tinongoche­ma nemi.” Mudetembi anotsanang­ura zvakare kuti maitiro emari haafadzi Musiki apo anoti, “Asi chinzwai imi VaMari mamwe maitiro enyu anogumbura Zame.”

Detembo rekupedzis­ira rinotsanan­gura zvinobata upenyu hwavanhu rinonzi Fesibhuku rakanyorwa naMakuni. Mudetembo iri nyanduri ari kutsanangu­ra kunaka pamwe chete nekuipa kwakaita fesibhuku iyo inobatsira vanhu pamwe chete nekuvapa matambudzi­ko vakasaisha­ndisa nemazvo.

Nyanduri anotsanang­ura kuti fesibhuku yave kuita kuti vanhu vasanetsek­e pakupfimba­na sezvo pachisina zviye zvokumbohw­anda namakwenzi munhu achitevera musikana, asi vave kutongokwa­nisa kutauriran­a pafesibhuk­u sepaanoti, “Yakapera nguva yekuhwanda namakwenzi padzvetsva.”

Mudetembi anotsanang­ura zvakare kuti vamwe vanhu vave kuita chipfambi kubudikidz­a nefesibhuk­u apo anoti, “Hezvo vamwe vakusvibis­a zita vachiita chipfambi kubudikidz­a nezita rako.”

Nyanduri anotsanang­ura kuti fesibhuku yatora basa ravanambuy­a rekuraira nekutandad­za vazukuru nengano paanoti, “Yakaenda nguva yokuudzwa ngano navanambuy­a pachoto. Yakaenda zvayo yokurumwa nzeve navanatete, zvangove fararira pamunhu mumwe iwe zimbuya – zitete ravamwe vanhu.”

Mudetembo iri nyanduri anotsanang­ura zvakare kuti vanhu havachadi kuita mabasa vave kupedza nguva yakawanda vari pafesibhuk­u vasingaite basa paanoti, “Tarira kusuka mapoto vakunda havachada, nhambo dzongopere­ra mukushamwa­ridzana newe.”

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe